1“Naizvozvo, Mwari akaita zvaakanga afanotiyambira, nezvaakanga ayambira vatongi vedu vaitonga Isiraeri, nezvaakanga ayambira madzimambo edu, namachinda edu navanhu vokwaIsiraeri novokwaJudha.
2Pasi pose pedenga hapana imwe nzvimbo yakaitwa zvakaitwa muJerusaremu maererano nezvakanyorwa mumutemo waMosesi.
3Takasvika pakutodya vana vedu tichiti uyu anodya mwanakomana wake uyu anodya mwanasikanawo wake.
4Akavaisa mumaoko enyika dzakatipoteredza kuti tive tinoshorwa nokuitwa chinhu chisina maturo pakati pavanhu vakatitenderedza vakamwarariswa naTenzi.
5Panzvimbo pokusimudzirwa takatoderedzwa pasi pamusana pokuti takatadzira Tenzi Mwari wedu nokusateerera izwi rake.
6“Tenzi Mwari ndiye akarurama asi isu ndisu vokunyara kusvikira pari nhasi.
7Matambudziko ose atakayambirwa naTenzi akatiwira.
8Asi hatina kukumbira Tenzi kuti atiitire mwoyochena wake kuti atipindure mumwe nomumwe achipinduka kubva kupfungwa dzake dzakaipa.
9Tenzi akachengeta matambudziko aakaita kuti atiwire nokuti Tenzi mururami mumabasa ose aakati tiite.
10Asi isu hatina kuteerera zvaanotaura kuti tifambe mumurawo waTenzi waakatitemera.
11“Zvino imi Tenzi Mwari weIsiraeri imi makaburitsa vanhu venyu muIjipiti nesimba roruoko rwenyu nezviratidzo nezvishamiso uye noukuru hwenyu nesimba guru mukazviwanira zita nanhasi uno
12asi isu takakutadzirai, imi Tenzi Mwari wedu nokusava vanamati kwedu kwatakaita, takatyora mirao.
13Regai kuramba makatishatirirwa, nokuti tangosara tava katsama koga pakati pevechirudzi kwamakatimwararisa.
14Inzwaiwo Tenzi, munamato wedu nechikumbiro chedu, mutinunurewo nokuda kwenyu; tiitireiwo mwoyochena wenyu vakatitapa vachiona kuitira kuti
15pasi pose pazive kuti imi ndimi Tenzi Mwari wedu nokuti vaIsiraeri nezvizvarwa zvavo vanodaidzwa nezita renyu.
16“Tenzi, tarisai pasi muri kwamunogara kunoera mutirangarirewo. Rerekerai waro nzeve yenyu munzwe.
17Zarurai Tenzi maziso enyu muone nokuti vafi vari munzvimbo yavafi vane mweya yakabviswa mumuviri yavo havape mbiri kunemi kana kukutii mururami.
18Asi munhu akasuruvara kwazvo uye anofamba akakombamira akandondovara anamaziso ava kuonera madzerere nomunhu anenzara ndiye anokupai mbiri uye angati imi muri mururami imi Tenzi.
19“Imi Tenzi hatisi kukukumbirai kuti mutinzwire tsitsi pamusana pamabasa akarurama amadzibaba edu kana amadzimambo edu.
20Makativirukira nehasha dzenyu sokuyambirwa kwatakaitwa navaranda venyu vaprofita vachiti,
21‘Zvanzi naTenzi kotamisai mapendekete mushandire mambo weBhabhironi, mukadaro mucharamba muri munyika yandakapa kumadzibaba enyu.
22Asi mukarega kuteerera izwi raMwari musingadi kushandira Mambo weBhabhironi
23ndichaita kuti mumaguta okwaJudha nedunhu reJerusaremu kufara nokupembera kuti nho, uye izwi remwenga nechikomba. Nyika yose ichasara yangove nyika zvayo isisina munhu anogaramo.’
24“Asi hatina kuteerera zvamakataura kuti tishandire mambo weBhabhironi matotsinhira mashoko enyu amakataura nomuromo wavaprofita varanda venyu muchiti mapfupa amadzimambo namapfupa amadzibaba edu achafukunurwa mumakuva avo.
25Hezvo akachinzi warara zvawo panze muzuva rinopisa nomuchando chousiku. Vakafa zvinosiririsa vakaparira vanhu pfumvu nenhamo yenzara nebakatwa nedenda.
26“Pamusana pouipi hweimba yokwaIsiraeri nehweimba yokwaJudha, imba inodaidzwa nezita renyu, makaiita kuti ive zvairi nhasi uno.
27Asi imi Tenzi Mwari wedu makatibata zvakanaka pamusana pemwoyo wenyu wakanaka netsitsi dzenyu dzakawanda,
28sokutaura kwamakaita nomuromo waMosesi muranda wenyu pazuva ramakati anyore mutemo wenyu vaIsiraeri vachizviona muchiti,
29‘Kana mukarega kuteerera izwi rangu, vanhu ivava vakawanda kudai vachatova chitsama zvacho mukati memarudzi kwandichavamwararisa.
30Ndinozviziva kuti havambonditeerera nokuti vanhu vakaoma musoro asi kana vava munyika yavo youtapwa vachabengenuka pfungwa.
31Ndopavachaziva kuti ini ndini Tenzi Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo yokuteerera nenzeve dzinonzwa.
32Vachandirumbidza munyika yavo youtapwa vagoyeuka zita rangu.
33Zvokuomesa musoro uye zvakaipa zvavo vachazvirega nokuti vachayeuka zviito zvamadzibaba avo vakatadzira Tenzi.
34Ndichavaunzazve kunyika yandakatsidza kupa madzibaba avo vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho vachaitonga; ndichaita kuti vawande uye havachashomekeswa.
35Ndichaita chitenderano navo chokugara nokugara kuti ndive Mwari wavo ivo vachiva vanhu vangu. Handizobvisazve vanhu vangu vaIsiraeri munyika yandakavapa.’
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.