Zvakaratidzwa 10 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Chirango chiri pedyo

1Ndakazoona mumwe mutumwa ane simba

achibva kudenga akaputirwa negore

aine muraraungu pamusoro pake.

Uso hwake hwakanga hwakaita sezuva;

makumbo ake akanga akaita semisimboti yemoto.

2Akanga aina kabhuku kokumononora

kakazaruka muruoko rwake.

Akaisa rutsoka rworudyi rwake pagungwa,

rutsoka rwake rworuboshe akaruisa panyika.

3Akadaidzira nezwi guru seshumba iri kudzvova.

Paakadaidzira mheni nomwe dzakabva dzadhiriridza.

4Pakadhiriridza mheni nomwe dziya

ndakanga ndava kuda kunyora,

asi ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti,

“Ingochengetedza zvataurwa nemheni nomwe usazvinyoreba.”

5Mutumwa uya wandakaona

akamira pagungwa napanyika

akasimudzira ruoko rwake kudenga.

6Akapika naiye anogara narini narini;

akasika denga nezvirimo nenyika nezvirimo

negungwa nezviri mariri,

zvechinono hapachisina.

7Asi mutumwa wechinomwe,

panguva yaacharidza bhosvo rake,

Mwari achabva azadzisa

zvirongwa zvake zvaakataurira

varanda vake vaporofita.

8Ipapo izwi randakambenge ndanzwa mudenga

rakataurazve kwandiri richiti,

“Enda undotora bhuku rokumononora

rakazaruka riri muruoko rwomutumwa

akamira akatsika pagungwa napanyika.”

9Zvino ndakaenda kumutumwa

ndikamuti andipe kabhuku kaya kokumononora.

Iye akanditi, “Tora ukadye.

Kachavava munhumbu mako,

asi iko kachitapira souchi mukanwa mako.”

10Ndakatora kabhuku kaya

mumaoko omutumwa uya ndikakadya.

Kaitapira souchi mukanwa mangu,

asi pandakanga ndakadya,

mudumbu mangu makaita chirungurira.

11Ndakaudzwa kuti,

“Unofanira kuporofita zvakare

nezvendudzi dzavanhu vazhinji nezvamarudzi

nezvendimi nezvamadzimambo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help