1TENZI akati kuna TENZI wangu,
“Uya ugare kurudyi kwangu
kusvikira ndaisa vavengi vako
pasi petsoka dzako.”
2TENZI anotumira kubva muZioni
simba rako guru rokutonga.
“Tonga pakati pavavengi vako.”
3Vanhu vako vachazvipira nomwoyo unoda
pauchatungamirira hondo yako
pamakomo ako anoera
kubvira kumangwanani-ngwanani?
Sedova, vechiduku vako vachauya kwauri.
4TENZI akapika
uye haachasanduka mwoyo kuti,
“Uri mupristi nokusingaperi
wegovero raMerekizedheki.”
5TENZI ari kurudyi rwako
achaparadza madzimambo
pazuva rake rehasha.
6Achatonga mukati mendudzi dzavanhu
maachazadza nezvitunha,
achaparadza vatungamiri
kusvika kure kure chaiko.
7Iye achanwa murukova
ruri pedyo nenzira,
saka ndiye chete anenge akasimudza musoro.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.