1Neniwo ndiri munhu anofa
savamwe vanhu vose,
chizvarwa chomunhu akatanga kuumbwa nevhu.
Ndakaumbwa nenyama munhumbu yaamai vangu
2mandaiva chinhu chaiumbwa neropa ravo,
kwemwedzi gumi,
chakabva mumbeu yomurume parufaro rwavakaroorana.
3Pandakaponwa ndakafema mweya
unofemwa navamwe vose,
ndakarariswa pasi, panongorarawo vanhu vose;
izwi rangu rokutanga kwaiva kuchema
zvinongoita vanhu vose.
4Ndairerwa zvakanaka ndichiputirwa namachira
5nokuti hakuna mambo ano mumwe muzvarirwo
wakasiyana nowavamwe vanhu,
6nokuti mapindiro omunhu wose muupenyu mamwechetewo,
nekaendero kavo kamwecheteko.
Soromoni anoyemura ungwaru7Ndiko kusaka ndakanamata
ndikapiwa runzwisiso
ndakateterera kuna Mwari,
mweya woungwaru ukauya kwandiri.
8Ndakauda kupinda umambo tsvimbo youmambo
kana chigaro choumambo;
pano ungwaru upfumi ndakauona sechinhu pasina.
9Handina kumbohuenzanisa
kana nebwe rakakosha sei;
nokuti ndarama kuienzanisa noungwaru,
inongova twujecha zvatwo,
pano ungwaru sirivha munyakwe zvawo.
10Ndakauda kupinda utano norunako.
Ndakati zviri nani kuva noungwaru
pano kuva nechiedza
nokuti kupenya kwahwo hakudzimi.
11Kuuya kwahwakaita kwandiri, zvinhu zvosewo
zvakanaka zvakabva zvauya pamwe nahwo.
Mumaoko ahwo makanga muino upfumi husingaverengeki.
12Zvose ndakazvifarira
nokuti zvinotungamirirwa noungwaru,
asi handina kunge ndichiziva
kuti ungwaru ndiwo amai vawo.
13Ndinoudziidza nemwoyo wose
ndichiugoverana navamwe
ndisingatsutsumwi,
upfumi wahwo handiuvanziri vamwe.
14Ungwaru upfumi husingaperi kuvanhu.
Avo vanouwana vanowana ushamwari naMwari,
zvinoita kuti vafadze Mwari pamusana pemichero
inobva muzvidzidziso zvahwo.
Soromoni anokumbira kuti agoneswe kutaura15Mwari ngaandipe kuti
ndigone kutaura zviri pamurawu
ndichiburitsa pfungwa
dzinokodzerana nezvandakawana,
nokuti iye ndiye mutungamiriri woungwaru,
nomudzidzisi wavangwaru.
16Isusu namazwi edu tiri mumaoko ake,
ndozvine runzwisiso rwedu rwose,
noumhizha hwedu hwose.
17Nokuti iye ndiye akandipa
ruzivo chairwo rwezvinhu zviripo,
akandiita kuti ndizive muvakirwo wapasi pose,
nomufambiro wezvinhu zvacho zvinopavaka
18nokuvamba kwenguva nokuguma kwayo,
uye nenguva yapakati nokusiyana kwamazuva,
nokutevedzana kwemwaka yegore,
19kusiyana kwegore negore,
uye nenzvimbo dzenyenyedzi,
20namaitiro emhuka namaitiro ezvikara,
nesimba remweya namafungiro avanhu,
nemhando dzezvinomera, namasimba emidzi.
21Ndakadzidza zvose zvakavandika
nezvinozivikanwa, nezviri pachena–chena,
nokuti ihwo hungwaru hunoita izvi
ndihwo hwakandidzidzisa.
Mamiriro akaita ungwaru22Ndinodaro nokuti muungwaru
mune mweya worunzwisiso unoera;
unongova woga wakadaro,
unoita zvakawanda,
usingabatiki, unofamba
nyore nyore, une njere dzakapinza,
usina chakan'ora uri usingashamiswe
nechimwe chinhu,
usingakuvadziki, mudi wezvakanaka,
unodisisa kuita zvinhu,
23usingarambidziki unoitira vanhu zvakanaka,
unobata vanhu savanhu,
wakatsiga, une chokwadi nezvaunoita,
usingazvidyi mwoyo,
samasimba, mutariri wazvose,
unopinda mumweya yose
ine pfungwa, yakanakisisa, isingabatiki.
24Chikonzero chacho ndechokuti:
ungwaru hunofamba nyore
kupinda kufamba kupi nokupi zvako
pamusana pokuti ungwaru hwakanakisisa
hunogona kupinda
nokupfekenyedza muzvinhu zvose.
25Chimwezve ndechokuti,
ungwaru ifemo resimba raMwari
ndicho chimwe chinobuda mumbiri yaSamasimba
ndokusaka chinhu chose chakan'ora
hachipindi mauri.
26Ungwaru mumvuri wechiedza chisingaperi;
ndihwo chiringiriro chisina
kana kavara chokushanda kwaMwari
uye mufananidzo wokunaka kwaakaita.
27Kunyange zvahwo ndihwo hwoga
hunogona kuita zvose,
ihwo pachahwo hausanduki
asi hunovandudza zvinhu zvose.
Pachizvarwa choga choga
hunopinda mumweya yavakarurama
huchivaita shamwari dzaMwari,
uye vaporofita
28nokuti Mwari hapana chaanoda,
somunhu anogara upenyu huno ungwaru.
29Chimwezve ndechokuti
ungwaru hwakanaka kupfuura zuva.
Hunopfuurawo gurusvusvu renyenyedzi.
Hukaenzaniswa nechiedza,
chiedza chinosara pasi,
30nokuti chinozoteverwa nerima,
asi ungwaru haukundwi nezvakaipa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.