Nziyo 12 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi, rumbo urwu runoimbwa navanezvokuimbisa zvine tambo dzewaya, zvetambo yechisere yamahon'era.Kukumbira Mwari rubatsiro panhamo dzapanyika

1Tinunureiwo TENZI

nokuti hapachisina mutsvene

nokuti vakatendeseka vapera pakati pavanhu.

2Munhu wose ava kungotaurira

nhema kune mumwe wake;

vanhu vava kutaurirana zvisinganyatsonzwisisika;

vanonakisa mukanwa zvenhando

vachishandisa mazwi anoreva zvinhu zvakasiana.

3Dai TENZI angocheka miromo

yavanonakisa mukanwa zvenhando, vanoti,

4“Nezvinobva pamuromo apa, tinokunda;

miromo yedu tinayo; ndiani anotitonga.”

5TENZI anoti,

“Zvino ndichasimuka

pamusana pavarombo varikupambwa

nokugomera kwavatamburi,

ndichavapa zvavanosuwira,

zvokugara pasina chinovatambudza.”

6Mazwi aTENZI, mazwi matsvene,

akaita sesirivha yakacheneswa muvirira romoto

ikagocheneswa kakapetwa kanomwe.

7Imi TENZI tichengetedzeiwo,

tidzivirireiwo nokusingaperi kuchizvarwa ichi.

8Vakaipa vari kufamba kose kose

uipi zvauri kurumbidzwa kudai pakati pavanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help