Dhanieri 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

ZVIRATIDZO ZVAKAONESWA DHANIERI KUHOPEChiratidzo chaDhanieri chezvikara zvina(7:1—12:13)

1Mugore rechiposhi rokutonga kwaBherishaza, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope. Akaona zviratidzo mumusoro make arere pamubhedha wake. Akanyora chiroto ichocho akarondedzera muchidimu zvaakarota.

2Dhanieri akati, “Zvandakaona muchiratidzo usiku ndezvizvi. Ndakaona mhepo dzokumativi mana edenga dzichisimudza zigungwa guru.

3Ndokubva mugungwa imomo madzumbunuka zvikara zvina zvakakura chaizvo zvakasiyana.

4Chokutanga chakanga chakaita seshumba uye chiina mapapiro egondo. Ndakati ndakatarisa kudaro, mapapiro acho akadzurwa ndokubva chasumudzwa kubva pasi chikaitwa kuti chimire namakumbo maviri somunhu chikapiwa pfungwa dzinenge dzomunhu.

5“Onei hecho chimwe chikara chechipiri zvino, chakafanana nebere chakati kwirirei kumwe uku chakaruma namazino pamuromo mbabvu nhatu. Zvino ichi chakanzi, ‘Sumuka udye nyama yakawanda!’

6“Pedzepo ndakaona hecho chimwewo chinenge mbada chiina mapapiro mana eshiri pamusana pacho. Chikara ichi chakanga chiine misoro mina chikabvawo chapiwa simba rokutonga.

7“Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi.

8Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki.

Chidzachapo nomwanakomana womunhu

9“Ndakachitarisa kudaro,

pakagadzikirwa zvigaro zvoumambo,

mumwe, iye Chidzachapo

ndokubva agara pachigaro chake.

Hanzu dzake dzakanga dzakati ngwe-e kuchena sechando

iro vhudzi iri mumusoro make,

rakachena kuti mbu-u sewuru yakanakisisa.

Chigaro chake choumambo

chakanga chiri marimi omoto anovavaya,

mavhiri acho ari moto chaiwo.

10Kakova chaiko kemoto kaiyerera

kachitangira mberi kwake.

Zviuru nezviuru zvaimushandira,

gumi rezviuru rakapetwa kagumi

rakanga rimire paari

pakagarwa dare rokutonga,

mabhuku akazarurwa.

11“Ini ndakatarisa pamusana pemheremhere yamazwi asingatauriki aitaurwa nenyanga iyoyo. Ndakatarisa kudaro, chikara ichocho chakaurayiwa mutumbi wacho ukaparadzwa chikabva chapiswa nomoto.

12Zvimwe zvikara zvose zviya zvakatorerwa simba razvo rokutonga asi zvakambosiyiwa zviri zvipenyu kwemwaka nekachinguva.

13“Muzviratidzo izvozvo usiku, ndakaona,

hezvo nomumakore mudenga

kuchiuya mumwe anenge mwanakomana womunhu.

Akasvika kuna Chidzachapo

akabva asumwa kwaari.”

14Iye ndokupiwa utongi

nembiri noumambo kuitira kuti

vanhu vamarudzi ose zvawo

ndudzi nendudzi, ndimi nendimi

vave vokumushandira, hutongi hwake,

huri hutongi hwokugara nokugara

husingazombofa hwakapera,

umambowo hwake

umambo husingafi hwakaparadzwa.

Kutsanangurwa kwezviratidzo zvaDhanieri

15“Ini Dhanieri ndakashushikana mwoyo ndikadumbirwa kwazvo nezviratidzo zvakauya mumusoro mangu.

16Ndakaenda pane mumwe akanga amirepo ndikamubvunza chokwadi chezvinhu izvozvi. Nokudaro akanditaurira zvazvaireva achiti,

17‘Zvikara zvina zvikuru izvozvi, madzimambo mana achamuka panyika.

18Asi vatsvene vaiye Wokumusorosoro vachapiwa umambo vachabata umambo ihwohwo nokusingaperi narini narini wose.’

19“Ini ndipo pandakada kuziva chaizvoizvo zvaireva chikara chechina chiya chakanga chakasiyana nezvimwe zvose chaityisa kwazvo, chaiva namazino esimbi nenzara dzendarira, chaibvambura chichityoranisa chichitsokodzera netsoka dzacho zvainge zvasara

20uye ndakada kuziva nezvaireva gumi renyanga dzaiva pamusoro wacho uyewo neimwe nyanga iya yakatukudza ikawisira pasi dzimwe nhatu, nyanga iya yaiva namaziso nomuromo waitaura zvisingatauriki uye yakanga ichiita sehuru kupinda dzimwe dzayo.

21Pandainge ndakatarisa, nyanga iyoyo yakaita hondo navatsvene ikavakurira

22kusvikira Chidzachapo auya ndokuitwa dare rokupipirira vatsvene vaWokumusorosoro, nguva ikazosvika yakapiwa vatsvene umambo.”

23Iye akati,

“Zvinoreva chikara

chechina ndezvokuti,

kuchauya umambo hwechina panyika

huchange hwakasiyana nohumwe humambo hwose.

Huchazhanya pasi pose zvapo huchipatsokodzera

nokuhupwanya-pwanya.

24Zvegumi renyanga dziya

zvinoreva kuti muumambo ihwohu

muchamuka madzimambo gumi

kwozomukawo mumwezve mushure mahwo.

Iyeyu uyu achange akasiyana

navamwe vaya vokutanga,

achakurira madzimambo matatu.

25Achataura mazwi okushonha Wokumusorosoro;

achaonesa nhamo vatsvene

vaiye Wokumusorosoro.

Achafunga zvokusandura nguva nemitemo

vachaiswa mumaoko make

vasaruke vakadaro vagosarukazve kaviri vagosvikazve

pachikamu chepakati napakati

chamakei iwayo.

26Asi kuchagarwa dare

simba rake rokutonga acharitorerwa

rigororomeswa richiparadzwa zvachose.

27Ipapo umambo nohutongi

noukuru hwoumambo hwose

pasi pedenga pose zvapo

huchapiwa kurudzi rwavatsvene

vaiye Wokumusorosoro:

umambo hwavo huchava

umambo hwokugara nokusingaperi.

Vose vane simba rokutonga

vachavashandira vachivateerera.”

28“Pano ndipo pakaperera nyaya iyoyi. Asi ini Dhanieri ndakadumbirwa kwazvo nendangariro dzangu ndikasanduka ruvara, asi ndakangozvichengeta mumwoyo mangu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help