Firimoni 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Ndini Pauro musungwa akasungirwa Kristu Jesu, tinokunyorera tiri pamwechete naTimoti hama yedu iwe Firimoni

2mushandipamwe nesu wapamwoyo naApiya hanzvadzi yedu naAchipusi musoja pamwechete nesu nesangano rinonamatira pamba pako.

3Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu.

Rudo nechitendero chaFirimoni

4Ndinotenda Mwari nguva dzose pandinokuyeuka muminamato yangu

5nokuti ndinonzwa nezvorudo rwako kuvanhu vaMwari vose uye nechitendero chako chauinacho muna Tenzi Jesu.

6Dai mubatirapamwe wako muchitendero wangobereka muchero wokuti iwe uzive zvakanaka zviri matiri kuitira Kristu

7nokuti ndakawana rufaro rwakawanda nokusimbaradzwa zvichibva murudo rwako, iwe hama yangu nokuti wakaita kuti mwoyo yavanhu vaMwari ifaranuke.

Pauro anokumbirira Onesimo

8Nezvo kunyange zvangu, muna Kristu, ndiine simba, rokukuudza zvokuita,

9asi pamusana porudo, zviri nani kuti ndiite zvokukukumbira, iyeni Pauro harahwa kudai uyewo musungwa akasungirwa Kristu Jesu.

10Ndinokuteterera ndichikumbirira mwana wangu Onesimo wandakabereka muusungwa hwangu.

11Iye akanga ari munhu asina maturo kwauri asi iye zvino ave munhu ane basa kwauri nokwandiri.

12Zvino ndava kumudzorera kwauri ndichimutumira somunhu wapamwoyo pangu chaiye,

13Ndingadai ndakatosarudza kuramba ndiinaye kuno kuti andishandire panzvimbo pako nguva yandiri muusungwa kudai pamusana peShoko Rakanaka.

14Asi ndakasarudza kuti ndirege kuva nechandinoita ndisina mvumo yako kuitira kuti kundiitira zvakanaka kwako kurege kuva kokumanikidzwa asi kuti kuve kwaunosarudza wakasununguka.

15Pamwe ndizvo zvakaita kuti amboparadzaniswa newe kwekachinhambo kuti azodzorerwa kwauri zvachose,

16kwete senhapwa asi atokosha kupinda nhapwa, ava munun'una wapamwoyo zvikuru kwandiri, ko kutozoti kwauri, inga mwana womumusha wani uyewo akakosha muna Tenzi.

17Zvino kana iwe uchindiona sasahwira wako, mugamuchire sokundigamuchira kwaungandiite.

18Kana pane chii zvacho chaakakunganisira kana kuti ane chikwereti newe chinyore pazita rangu sechikwereti.

19Iyeni Pauro ndinosaina izvi noruoko rwangu kuti ndichachibhadhara tisingatauri zvedu zvechikwereti chako, chokuti iwe unotova nechikwereti kwandiri.

20Hongu, hama ndinoda rubatsiro kwauri zvichibva muna Tenzi. Chindifaranutsawo mwoyo muna Kristu.

21Pane zvokuteerera kwako ndine chivimbo newe. Ndinokunyorera ndichiziva kuti uchatoita zvinopfuura zvandiri kutaura.

22Chimwezve ndechokuti ndigadzirirewo imba yavaenzi nokuti ndinotarisira kuti, ndichibatsirwa neminamato yenyu, ndichadzorerwa kwamuri.

Chikomborero nekwaziso yokupedzisa

23Epafurasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu anokukwazisa,

24uyewo Mariko naAristakusi naDhemasi naRuka vashandipamwe neni.

25Tenzi Jesu Kristu ngaape chikomborero chenyasha kumweya wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help