Isaya 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Zuva iroro kana rasvika, vakadzi vanomwe vacharwidzana pamurume mumwechete vachiti, “Chokudya ndechedu, mbatya tichazvitsvakira, chatinongoda isu ndechekunzi tiri vakadzi vako chete, utinyadzurudzewo.”

Kumutsiridzwa kuchaitwa Jerusaremu(Jer 23:5; Zek 3:8; 6:12)

2Musi iwoyo bukira raTenzi richayevedza zvine mukurumbira uye muchero wenyika iyoyi uchava chinhu chokuti vanhu veIsiraeri vanopunyuka utapwa vadade nacho chichivapa mbiri.

3Munhu anenge azosara muZioni achiramba ari muJerusaremu achanzi anoera, wose zvake anenge akanyorwa zita kunzi mugari weJerusaremu.

4Ipapo Tenzi anenge achenura kun'ora kwevanasikana veZioni asuka mhosva yeropa iri mukati meguta reJerusaremu inobviswa nomweya wake wokutonga, nemweya wake wokuroromesa

5Tenzi achazviratidza pamusoro peGomo rose reZioni napamusoro pemagungano aro, ari mugore, masikati, usiku, ari muutsi nomurimi romoto rinon'aima kupenya kwokuvapo kwaMwari kugoti gude gude pose ipapo sekatenga uye sedumba.

6Uchange uri mumvuri masikati wokudzivirira kupisa nediziro nepokuhwanda mvura yokunaya ine dutu remhepo nemheni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help