Varoma 8 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

B: UPENYU HWEMWEYA HOMUKRISTUUpenyu hwoMweya

1Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,

2nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu.

3Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa.

4Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya

5nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya.

6Kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyama rufu. Asi kuisa mwoyo wako kune zvomweya upenyu norugare

7nokuti mwoyo wakapindwa nezvenyama unovengana naMwari, hauzviisi pasi pomutemo waMwari. Izvo zviri izvowo, haungakwanisi kuita saizvozvo.

8Avo vanoda kuzvifadza nyama dzavo havagoni kufadza Mwari.

9Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu.

Imi muina Mweya Mutsvene,

kana Mweya waMwari ari mamuri zvechokwadi.

Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake.

10Asi kana Kristu ari mamuri,

kunyange miviri yenyu yakafa

nokuda kwechitadzo,

mweya yenyu mipenyu pamusana poururami.

11Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi

achigara mamuri,

iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa

achapa upenyu kumiviri yenyu inofa

nokuna iyewo Mweya anogara mamuri.

12Saizvozvo, hama, dzangu

hatina chikwereti kunyama

kuti tigare upenyu hwenyama

13nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa

asi kana ukauraya, naMweya, zviito

zvomuviri uchararama.

Vana vaMwari

14Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari

vana vaMwari

15nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda

kuti mupindezve mukutya

asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana.

Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.”

16Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu

kuti tiri vana vaMwari.

17Zvino kana tiri vana,

tiri vagari venhaka.

Tiri vagari venhaka yaMwari

uye vagari venhaka pamwe naKristu.

Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye

kuti tigozorumbidzwa pamwe naye.

Mbiri ichava yavana vaMwari

18Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa.

19Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari,

20nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo.

21Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.

22Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino.

23Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu.

24Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona.

25Asi kana tichitarisira chatisiri kuona tinochimirira nomwoyo murefu.

26Ndizvozvowo naMweya, anotibatsira muutera hwedu nokuti hatizivi kuti tinofanira kunamata sei. Asi Mweya pachake anotinamatira achitura femo rakadzama zvisingatauriki.

27Iye Mwari anoongorora hana dzavanhu anoziva zviri mupfungwa dzaMweya nokuti iye Mweya anonamatira vakarurama maererano nezvinoda Mwari.

Mwari wakatidaidza kuti tigoverane mbiri yake

28Tinozivawo kuti muna zvose, Mwari anoshanda kuti zvinakire vanhu vanomuda, vaya vakadaidzwa maererano nezviri pamwoyo pake

29nokuti avo vaakafanoziva akafanovarongera kuti vatodzane nechimiro choMwanakomana wake, kuti Mwanakomana iyeyo ave dangwe rehama dzake zhinji.

30Avo vaakafanoziva akavadaidzawo. Vaakadaidza ivavo akavaruramisa. Navavo vaakaruramisa akavapa mbiri.

Rudo rwaMwari kwatiri muna Jesu

31Ko zvino totiiko nezvakadai izvi. Ko Mwari zvaari kudivi kwedu, ndiani angatirwise

32iye asina kuramba noMwanakomana wake waakatopirira isu tose. Haazotipawo here zvinhu zvose pamwechete naye.

33Zvino ndiani angape mhosva vasarudzwi vaMwari, Mwari zvaari iye anoruramisa.

34Ndiani angatipe mhosva? NdiJesu Kristu here iye akafa akamutswa muvafi ari kurudyi rwaMwari, iye anototireverera?

35Ndiani angatiparadzanise norudo rwaKristu? Kutambudzika here kana kuti nhamo, kana kushushwa here kana nzara kana kushaya zvokupfeka here kana pfumvu kana hondo yebakatwa here:

36sokunyorwa kwazvakaitwa,

“Tiri kuurairwemi zuva rose,

tinoonekwa sehwai dzokubaya?”

37Aiwa muna zvose izvi tiri vakundi vokutopfuuridza nokuna iye akatida

38nokuti ndine chokwadi chokuti hapana rufu kana upenyu kana vatumwa kana vano ukuru ukuru kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvichauya kana masimba,

39kana urefu kana kukwira mudenga kana udziki pasi kana chimwe zvacho muzvisikwa zvose chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Tenzi wedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help