Kutsinhira Mutemo 23 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Vanhu vasingabvumirwi kuva nhengo dzegungano raMwari

1“Hakuna munhurume ane zvombo zvake zvakakuvadzwa kana zvakachekwa anobvumirwa kuva nhengo yesangano raTenzi.

2“Mwana womudondo haabvumirwi kuva nhengo yesangano raTenzi, iye kana vana vake kudzamara kuchizvarwa chake chechigumi.

3“Hakuna muAmoni kana muMoabhu anobvumirwa kuva nhengo yesangano raTenzi narini wose, iye kana vana vake kusvikira kuchizvarwa chake chechigumi

4nokuti havana kukuchingurai nechokudya kana nemvura yokunwa pamaibva kuIjipiti, uye nokuti vakakudaidzirawo Bhiriamu mwanakomana waBheori wokuguta rePetori riri kuMesopotamia kuzokurengererai rushambwa.

5Asi Tenzi Mwari wako haana kuteerera Bhiriamu, akasandura kurengererwa rushambwa ikoko akaita kuti kuve chikomborero nokuti Tenzi Mwari wako akakuda.

6Usambotsvaka kuwirirana navo kana kuvabatsira muupenyu hwako hwose narini wose.

7“Usashore muEdhomu nokuti ihama yako. Usashore muIjipiti nokuti iwe wakambovawo mutorwa munyika yake.

8Vana vavo vechizvarwa chechitatu, ndivo vanozobvumirwa zvavo kuva nhengo yesangano raTenzi.

Utsanana hwapamisasa

9“Kana maenda kundorwa navavengi venyu muri pamusasa muzvichengetedze imi pachenyu kuzvinhu zvakaipa.

10Kana pakati penyu pane mumwe akan'ora nokuzvirotera anofanira kundogara kunze kwomusasa amborega kupindamo.

11Kana ava manheru anofanira kushamba muviri. Kana zuva ravira, ngaachidzokera zvake mumisasa.

12“Iva nenzvimbo kunze kwomusasa kwokuendera.

13Pazvombo zvokuhondo zvaunenge unazvo unofanira kuvawo nomuchogodo wokucheresa kuitira kuti paunoenda kunze, ndowaunochera nawo chikomba, kana wapedza zvaunoita wozofusira.

14Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu anofamba-famba mumusasa wenyu kuti akununurei achiisa vavengi venyu mumaoko menyu. Naizvozvo musasa wenyu ngaugare wakachena kuti asazoona tsvina dzakadaro pakati penyu akazokufuratirai.

Mirao yakasiyana-siyana

15“Kana muranda akatiza tenzi wake, achizopotera kwamuri musamudzosere kuna tenzi wake.

16Ngaagare nemi kwaanenge asarudza chero muguta ripi zvaro renyu kwaanoda zvake. Regai kumubata zvakaipa.

17“Ngakurege kuva nomuIsiraeri anova mhombwe kana chifeve chetemberi.

18Kunyange mari yamunobvisa kuripa zvemhiko dzenyu kuimba yaTenzi Mwari wenyu, regai kuiunza ichibva pamari inowanikwa noufeve kana nezvowumbwa uhwu hwemhombwe nokuti zviito izvozvi zvinosemesa pana Tenzi Mwari wenyu zvose zviri zviviri.

19“Kana wakweretesa mumwe wako muIsiraeri chinhu, usamuripise mubereko, ingave mari kana chokudya kana chimwewo chinhu chaungangomukweretesa.

20Kana ari mutorwa ungamuripise zvako mubereko pane zvaunomukweretesa, asi mumwe wako muIsiraeri usamuripise mubereko kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvose zvaunoita munyika yauri kundotora kuti ive yako.

21“Kana watsidzira Tenzi Mwari wako mhiko usazorega kuita zvaunenge watsidza nokuti Tenzi Mwari wako anotarisira kuti utoita chete zvawakatsidza ukarega kuzviita chatova chitadzo.

22Asi ukarega kupika mhiko hachisi chitadzo kwauri.

23Nyatsoita nomazvo zvaunenge wataura nomuromo wako nokuti wakatsidzira Tenzi Mwari wako mhiko nomuromo wako pasina kumanikidzwa.

24“Kana ukapinda nomumunda womumwe wako wemagirepisi, idya zvako magirepisi pamadiro ugute, asi rega kuisa mamwe mumudziyo wokutakurira.

25Kana ukapinda nomumunda womumwe wako uchiine mbesanwa dzisati dzakohwiwa tanha zvako hura dzadzo namaoko asi usazoita zvokumweta nejeko.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help