Amosi 8 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Chiratidzo chetswanda yemichero yezhizha

1TENZI Mwari akandionesazve izvi. Ndakaona tswanda yemichero yomuzhizha.

2Iye akati, “Amosi chauri kuona chii?”

Ini ndikati, “Tswanda yemichero yomuzhizha.”

TENZI akanditi,

“Vanhu vangu vaIsiraeri,

zvino pavo pazovaperera,

rwendo runo zvokunge ndichavadarika hapasisina.

3Dzimbo dzeTemberi dzichava

nziyo dzokuungudza nezuva iroro,

Zvitunha zvavanhu

richave gatakata,

zvichiraswa kwose kwose zvako chinyararire.”

Ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari.

Kuparara kweIsiraeri

4Chinzwai izvi,

imi munotsokodzera vasina chavanacho,

muchisvitsa varombo

vomunyika muno pakugumirwa.

5Munotika imi,

“Ko iro zuva guru roKugara Kwomwedzi,

haraichipfuura zvaro,

kuti tichitengesa zvedu

mbesanwa dzedu? Uye muchiti

Ko iro zuva reSabata iri

harichisva rapera here

kuti tichiburitsa zvedu

koroni titengese

tichidaro kudukupisa bhagidhi

nokukwidza mutengo,

tichiitawo zvokuziva

nemwero yokubiridzira,

6kuti titenge varombo nemari

tichitengawo neshangu mbiri

varombo vasina chavanacho

uye kuti titengese kunyange

marara zvawo ekoroni.”

7Ini TENZI ndinopika neni pachangu

wamunodada naye imi vokwaJakobho

kuti, “Handimbofa ndakakanganwa

kunyange chimwechete zvacho

chezvakaipa zvamakaita.

8Nyika ingarege kundengendeka

here pamusana paizvozvo

uye mugari wose wemo agoungudza,

nyika yose zvayo ichitutumuka

kuzara serwizi rwaNairi

ichazara igosererazve,

seNairi rwokuIjipiti?”

9Zvanzi naTENZI Mwari,

“Pazuva iroro, ndichadokesa zuva

ari masikati machena,

pasi pagoti svi-i kusviba

masikati machena chaiwo.

10Mazuva enyu makuru

ndichaasandura achiva okuchema,

nziyo dzenyu dzose

dzive kuungudza.

Ndichaita kuti musungire

mitikisha yamasaga muchiuno

muveure misoro yenyu mose

mugoita savanhu vanochema

mwana wavo wechikomana mumwechete,

zuva iroro richapera

ichingova nhamo chete.”

11Zvanzi naTENZI Mwari,

“Chinzwai,

kuchasvika mazuva andichatuma

shangwa yenzara panyika,

kwete nzara yechokudya kana chokunwa;

asi nzara yokuda kunzwa

shoko raTENZI.

12Vanhu vachadzungaira

kubva kune rimwe gungwa

kusvikira kune rimwe,

kubvawo kuchamhembe

kusvikira kumabvazuva,

vachamhanya-mhanya kwose kwose

vachitsvaga shoko raTENZI,

vasingariwane.

13Pazuva iroro

tsvarakadenga dzemhandara namajaya

vachafizuka nenyota.

14Vanopika naAshima chifananidzo chokunamata

chokuSamaria vachitoti,

‘Namwari wenyu chaiye mupenyu

imi vokuDhani,’ kana kutoti,

‘Naiye anonamatwa mupenyu

womunzira yokuBheerishebha,’

ivavo vachaputsika

vasingazombofa vakamuka zvakare.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help