Johani 14 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Jesu ndiye nzira nechokwadi noupenyu hwomunhu

1“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika

tendai muna Mwari mutendewo mandiri.

2Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda

dai kwakanga kusina

ndingadai ndakakuudzai.

Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara.

3Kana ndandokugadzirirai pokugara

ndichauyazve ndozokutorai

kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo.

4Nzira yokwandinoenda munoiziva.”

5Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?”

6Jesu akamuti kwaari,

“Ndini nzira nechokwadi noupenyu.

Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri.

7Dai maindiziva maizivawo Baba vangu

asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.”

8Firipi akati, “Tenzi tiratidzei Baba tinobva tagutsikana.”

9Jesu akati kwaari,

“Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi,

nanhasi wose haundizivi?

Inga wani akaona ini akaona Baba.

Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba?

10Haudaviri here kuti ndiri muna Baba

uye kuti Baba vari mandiri.

Zvandinotaura kwamuri

hazvisi zvomusoro wangu

asi kuti Baba vanogara mandiri

ndivo vanenge vachiita mabasa avo.

11Nditendei kuti ini ndiri muna Baba

uye kuti Baba vari mandiri

kana kuti nditendei nokuda kwamabasa pachawo.

12“Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri,

anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita

uye achaita mabasa akatokura kupinda aya

nokuti ndava kuenda kuna Baba.

13Chiri chose chamunokumbira

muzita rangu ndichachiita

kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.

14Kana mukakumbira chii zvacho

muzita rangu ini ndichachiita.

Jesu anovimbisa Mweya Mutsvene

15“Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu.

16Iniwo ndichakumbira Baba,

ivo vachakupai mumwe Murevereri

achava nemi nokusingaperi.

17Ndiye uya Mweya wechokwadi

iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira

nokuti hapamuoni kana kumuziva;

imi munomuziva nokuti anogara nemi

uye achava mamuri.

18“Handikusiyei muri nherera

ndichauyazve kwamuri.

19Kwasara chinguvana chiduku, pasi hapazondiona.

Asi imi muchandiona zvenyu

pamusana pokuti ini ndiri mupenyu imiwo muchava vapenyu.

20Ipapo ndipo pamuchaziva

kuti ini ndiri muna Baba vangu

imi muri mandiri iniwo ndiri mamuri.

21Munhu ane mitemo yangu

achiichengeta, ndiye munhu anondida;

uyo anondida achadidawo naBaba vangu

iniwo ndichazviratidza kwaari.”

22Judhasi, kwete Isikarioti, akati kwaari, “Tenzi nemhaka yei muchizviratidza kwatiri musingazviratidzi kunyika.”

23Jesu akamupindura achiti,

“Kana munhu achindida anochengeta izwi rangu

Baba vangu vachamuda tozobva touya kwaari

toita musha wedu maari.

24Munhu asingandidi haachengeti mazwi angu,

izwi ramuri kunzwa harisi rangu

asi kuti nderaBaba vakandituma.

25“Zvinhu izvi ndazvitaura

kwamuri ndichinemi.

26Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene

achatumwa naBaba muzita rangu,

iye achakudzidzisai zvinhu zvose

achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri.

27Ndinokusiirai rugare,

ndinokupai rugare rwangu.

Handikupei sokupa kunoita nyika.

Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye ngairege kutya.

28Mandinzwa ndichiti kwamuri ndiri kuenda,

ndichauyazve kwamuri.

Dai muchindida mungadai matofara kwazvo

kuti ndiri kuenda kuna Baba

nokuti Baba vakuru kwandiri.

29Zvino ndakutaurirai izvi

zvisati zvaitika

kuti kana zvoitika mutendhe.

30Handichataura nemi zvakawanda

nokuti mutongi wapasi pano ari kuuya

asi hapana chaanondiita.

31Asi ini ndinoita zvandakaudzwa naBaba

kuti pasi pazive kuti ndinoda Baba.

Chisimukai tiende.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help