Nziyo 96 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari ndiye mambo wapasi pose(1 Nhor 16:23–33)

1Imbirai TENZI rwiyo rutsva

pasi pose zvapo ngapaimbire TENZI!

2Imbirai TENZI murumbidze zita rake

paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

3Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake

nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita.

4Nokuti TENZI mukuru,

anofanira kurumbidzwa chaizvo

pavamwari vose ndiye anofanira kutyiwa.

5Nokuti vamwari vose vamarudzi

ndavamwari vechipameso

asi TENZI ndiye akasika matenga.

6Chiremera nembiri ndezvake

nzvimbo yake inoera yakasimba,

inzvimbo yakanaka.

7Imi mhuri dzose dzavanhu rumbidzai TENZI

rumbidzai mbiri nesimba raTENZI!

8Mbiri ngaiende kuna TENZI,

mbiri inokodzerana nezita rake

takurai chipo muuye nacho munhandare dzake!

9Pfugamirai TENZI muine hanzu tsvene,

pasi pose zvapo ngapadedere mberi kwake.

10Taurai kumarudzi kuti, “TENZI ndiye anotonga,

hongu nyika yakanyatsosimba, haitsukunyuki,

achatonga marudzi zvine ruenzaniso.”

11Matenga ngaafare, nyika ngaipururudze,

gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo,

12sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo.

Miti yomusango ndopaichadaidzira nokufara,

13kufarira TENZI, nokuti anouya,

anouya kuzotonga nyika.

Achatonga nyika zvakarurama,

achatonga ndudzi zviri pachokwadi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help