Johani 16 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1“Ndataura zvose izvi kwamuri

kuti murege kurasika.

2Vachakudzingai mumaSinagogu.

Chokwadi, chokwadi nguva iri kuuya yokuti

anokuurayai achafunga kuti ari kutoitira Mwari.

3Vachaita izvozvo nokuti

havana kuziva Baba kana kuziva ini.

4Asi ndataura izvi kwamuri

kuti kana nguva yazvo yosvika,

muyeuke kuti ndakambokutaurirai nezvazvo.

Basa raMweya Mutsvene

“Handina kunge ndichikutaurirai

zvinhu izvi pakutanga

nokuti ndanga ndiinemi.

5Asi zvino ndavakuenda kuna akandituma.

Hapana mumwe wenyu ari kumbondibvunza

kuti ko muri kuenda kupi?

6Asi pamusana pokuti ndataura izvi kwamuri

masuruvara mwoyo zvikuru.

7Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi,

chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende

nokuti ndikarega kuenda,

Murevereri uya haazouya;

asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri.

8Paanouya achazivisa nyika

kuti ine mhosva yechitadzo

uye kuti ine mhosva pamafungiro ayo nezvoururami

uyewo kuti ine mhosva panezvokutonga.

9Panezve chitadzo, nokuti havadaviri mandiri.

10Pane zvoururami, nokuti

ini ndava kutoenda kuna Baba

uye hamuzoramba muchindiona.

11“Pane zvokutonga, nokuti mutongi

wapasi pano ava kutotongwa.

12“Ndine zvizhinji zvandingade kukutaurirai

asi parizvino hamungakwanisani nazvo.

13Kana Mweya wechokwadi auya

achakutungamirirai muchokwadi chose,

nokuti anenge asingatauri zvomusoro wake.

Zvaanenge anzwa ndizvo zvaanotaura;

achakutaurirai zvinhu zvichauya.

14Achandiwanisa mukurumbira

achitora zvandinotaura

achizvitaura kwamuri.

15Zvose zvaBaba ndezvangu,

ndokusaka ndati achatora zvandinenge

ndataura achikutaurirai.

Kugarika tange nhamo

16“Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni

kozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.”

17Vamwe vadzidzi vakataurirana

vachiti, “Ko chiiko chaanoti kwatiri

kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni

uye kozoita chimwe chinguvazve chiduku

mozondiona nokuti ndiri kuenda kuna Baba?”

18Vakati, “Anoreveiko nezvaanoti,

‘Kwasara chinguva chiduku.’

Hatizive zvaanoreva.”

19Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza.

Naizvozvo akati kwavari,

“Muri kubvunzana zvandanga

ndichireva here ndichiti,

‘Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni.

Kwozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.’

20Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri

muchachema nokuungudza

asi pasi pari mumafaro.

Imi muchasuruvara asi kusuruvara kwenyu

kuchasanduka kuchiva kufara.

21Kana munhukadzi ava kusununguka anorwadziwa,

nokuti nguva yake inenge yasvika

asi kana asununguka mwana,

haazoyeuka kurwadziwa kuya

norufaro rwokuti munyika maberekwa munhu.

22Saizvozvo imi muri kusuruvara zvino

asi ndichakuonaizve.

Ipapo mwoyo yenyu ichafara

hapana anozokutorerai rufaro rwenyu.

23Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza;

idi chaizvo ndinoti kwamuri,

kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba

muzita rangu vachakupai.

24Kusvikira pari zvino

hamuna kukumbira chinhu muzita rangu

chikumbirai muchapiwa

kuti rufaro rwenyu ruzare.

Jesu akakunda pasi

25“Ndanga ndichitaura izvi kwamuri namadimikira

nguva iri kuuya yandinenge ndisingazotauri kwamuri

namadimikira yandinenge ndokutaurirai zviri pachena nezvaBaba.

26Pazuva iroro muchakumbira muzita rangu;

handiti kwamuri ndichakukumbirirai kuna Baba.

27Aiwa! Ivo Baba pachavo vanokudai

nokuti imi makandida

uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.

28Ini ndakabva kuna Baba

ndikauya pasi pano

asi zvavapo ndezvokuti ndava kubva pasi

ndichienda kuna Baba.”

29Vadzidzi vake vakati,

“Hamuchionaka! Mavakutaura zviri pachena

kwete namadimikira.

30Zvino tava kuziva kuti munoziva zvose

uye kuti hamumiriri

kuti munhu atange akubvunzai;

nezvo tava kutenda kuti makabva kuna Mwari.”

31Jesu akavapindura achiti,

“Zvino mava kutenda nhai?

32Nguva iri kuuya

uye yatosvika pamuchati mwarara,

mumwe nomumwe achienda kwake

muchindisiya ndiri ndoga

asi ndinenge ndisiri ndoga

nokuti Baba vaneni.

33Ndakutaurirai izvi kuti

muwane rugare mandiri.

Pasi pano muchava namatambudziko

asi tsungai mwoyo

ndakakunda pasi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help