Amosi 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Zvanzi naTENZI,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kwenyika yeMoabhu kutosvika zvayo runa,

handimborega kuiranga

nokuti vakapisa zvokurotesa

mapfupa amambo wokuEdhomu.

2Nokudaro ndichatumira moto

panyika yeMoabhu

ugozhirimisa nhare dzeguta reKerioti

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.

VaMoabhu vachafira mukati mebongozozo iroro

muruzha imomo, mabhosvo achirira.

3Ndichapfuudza mutongi wacho

mukati maro

ndigouraya machinda ose omo,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

Judha

4Zvanzi naTENZI,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kwenyika yokwaJudha kutosvika zvayo runa,

handimborega kuiranga;

nokuti vakaramba mutemo waTENZI

vakarega kuchengeta mirao yake.

Asi zvifananidzo zvavo zvenhema zvokunamata izvi,

zvaitevedzwa namadzibaba avo,

zvakavarasisa.

5Naizvozvo ndichatumira moto

panyika yokwaJudha

uririmise nhare dzeJerusaremu

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.”

Isiraeri

6Zvanzi naTENZI,

“Pamusana pokutadza rutatu rutatu

kwenyika yevokwaIsiraeri kutosvika zvayo runa,

handimborega kuiranga;

nokuti vanototengesa nemari

vanhu vakarurama,

vachitotengesa varombo

neshangu mbiri.

7Vanotsokodzera varombo

musoro muvhu renyika,

vachisaidzira varombo kurutivi.

Baba nomwanakomana wavo vachitadza

nomushandi wechisikana mumwecheteyo,

kun'oresa zita rangu rinoera.

8Vanoti pasi rare rare

pedyo neatari yose yose

pahanzu dzavakafanobatiswa

navarombo somuripo

vachinwira mumba yamwari wavo

waini yavanhu vanenge varipiswa.

9“Asi ini ndakavatsakatisira vaAmori

vakanga vakareba semiti yemisidhari,

uye vakanga vakasimba somioku.

Iyeni ndini ndakaparadza

michero yake mudenga'mu

nemidzi yawo pasi'pa.

10Uye ndakakuburitsai munyika yeIjipiti

ndikakutungamirirai kwamakore

makumi mana murenje,

kuti mundotora nyika yavaAmori

muiite yenyu.

11Ndakaita kuti vamwe vevana venyu

vakomana vave vaporofita,

uye kuti mamwe majaya enyu

ave vaNazari.

Hazvisiri izvo chaizvoizvo izvi here,

nhaimi vanhu veIsiraeri?”

Ndizvo zviri kutaura TENZI.

12“Asi munotoita kuti

vaNazari vanwe waini muchirambidza

vaporofita kuporofita.

13Ndichakutsikirirai pasi

panzvimbo penyu chaipo

sokutsikirira pasi kunoita

ngoro izere nezvisote.

14Vanozviti ndivo vamhanyi chaivo,

zvokumhanya izvozvo

zvichavaperera,

vane simba,

simba racho richapera,

kunyangewo negamba chairo

richatadza kuzviponesa upenyu.

15Iye anopakata uta haambopamira.

Shasha yokumhanya semhepo

ichakoniwa kuzviponesa,

kanawo wokumhanya namabhiza

kuzviponesa upenyu, haambozviponesa

16kunyange mumwe wamagamba chaiye

ane mwoyo chaiwo wechivindi,

achati gumbo ndibereke

asina chaakapfeka zuva iroro,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help