1 Vatesaronika Zviri mutsamba yokutanga kuvaTesaronika - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviri mutsamba yokutanga kuvaTesaronika Tsamba yokutanga kuvaTesaronika inotorwa setsamba yokutangisisa yaPauro kuvaKristu. Tesaronika rakanga riri iro guta guru renyika yeMasedhonia. Chinangwa chokunyora tsamba iyi kwavari chaiva chokuti Pauro aida kukurudzira vatendi vakanga vapindukira kuchiKristu kuenderera mberi nechitendero chavo nokugadziridza zvakanga zvavakurasika gwara kwaro uyewo kuvayambira kuipa kwakaita mugariro usina nduramo nousiri pachokwadi. Vazhinji vavo vakanga vari vanhu vakanga vasiri vaJuda.Tsamba iyi inogona kuiswa muzvikamu zvikuru zviviri zvinoti: chokutanga (1—3) chinotarisa shure nokutenda zvakaitwa nesangano iri. Chikamu chechipiri (4—5) chinotarisa mberi kuti sangano iri ringakure sei. Zvikuru zvikuru zvinotaurwa mutsamba iyi ndezvizvi zvokuti: Pauro anotaura nezvokukosha kwokutendeuka zvechokwadi kunoyemurika kwakaitika kwavari nokuti Mwari akanga achishanda mavari achishandisawo iye Pauro naSirasi somuenzaniso wokuti vatevedzere (1–2). Anotaura nezvokuti vanofanira kugara upenyu hwakanaka. Chimwe chikuru chaanotaura ndechozvokudzoka kwaKristu uye kuti chii chinoiitika kuvakafa vedu (3—5).Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga kuvaTesaronikaKusuma (1:1)Upenyu nechitendero chekuTesaronika (1:2–10)Basa raPauro muTesaronika (2:1–16)Pauro anoshanyirazve Tesaronika (2:17–20)Kutumwa kwaTimoti kuTesaronika (3:1–13)Upenyu hunofadza Mwari (4:1–12)Vapenyu navakafa pakuuya kwaTenzi (4:13–18)Garai makagadzirira kuuya kwaTenzi (5:1–11)Mazwi okuonekana (5:12–28)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help