Esita g 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kuenda kwaEsita kundosvitsa nyaya yake kuna mamboPazuva rechitatu racho Esita paakapedza munamato wake iwoyu akabvisa hanzu dzaakanga akapfeka paainamata akabva anyatsozvishongedza kwazvo nehanzu dzake.

39 Akati azvichongedza kwazvo kudaro, mushure mokunge ateterera kuna Mwari Muoni wazvose, noMununuri, akatora vasikana vake vaviri,

40 akafamba akazendamira mumwe wacho zvokunge atorezuka

41 mumwe achitevera mushure akamubatira hanzu yake refu refu inonzvenzvera napasi.

42 Akanga achitongarikira kupenya norunako rwamandiriri, uso hwake hwakanga hwakagadzana somunhu anoziva zvake kuti ndinodiwa, asi hana yake ichirova nokutya.

43 Kuzoti Esita apfuura misuo yose, akandomira ava mberi kwamambo. Iye akanga agere pachigaro chake choumambo akanyatsoshonga kwazvo hanzu dzake dzose dzaingova ndarama chete notutombo twakakosha achityisa kwazvo kwazvo.

44 Akasimudza uso hwake ruvara rwahwo rukabva rwasanduka akagoti nde–e kuvatarisa akavatsvukisira kwazvo maziso nehasha. Vahosi vake vakabva vadzadzarika, uso hwavo hukati zhwe–e kuchena ndokubva afizuka ndiye zhokoto kuwira pamusoro womusikana akanga achifamba ari mberi kwake.

45 Asi Mwari akasandura mwoyo wamambo kuita kuti uve mwoyo wakapfava. Mambo akabva ati nyamu kusumuka pachigaro chake choumambo zvamuvhundutsa ndokubva amuti mumaoko mbunde kusvikira apepuka. Akamunyaradza namazwi anodzikamisa mwoyo achimuti,

46 “Zvaita seiko nhai Esita? Ini ndiri hama yako. Tsunga mwoyo zvako.

47 Hauzi kuzombofa nokuti mutemo iwoyu unosunga vanhuwo zvavo chete. Uya zvako kuno.”

48 Mambo akasimudza tsvimbo yake yendarama youmambo akamurova–rova pamutsipa wake.

49 Akamumbundikira akamuti, “Nditaurire zvako.”

50 Iye akati kwaari, “Changamire wangu ndakuonai somutumwa waMwari ndikabva ndazara nokutya mumwoyo mangu nokuona chiremera chenyu

51 pamusana pokuti munoshamisa changamire. Chiso chenyu chinotora mwoyo kwazvo.”

52 Asi achangotaura kudaro akabva ati rezu mvuchata afizuka.

53 Mambo, zvakamushungurudza mumwoyo, vedare rake vose vakavavarira kuti vasimbaradze Esita mwoyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help