Sira 20 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Nguva yokutaura nenguva yekunyarara

1Kune kumwe kutsiudza kunoitwa nenguva isiriyo,

kune mumwewo anonyara zvake, asi iye akangwara.

2Zviri nani kutsiura pane kuchengeta pfundipfundi.

3Anobvuma mhosva yake

anozvidzivirira kushaya chimiro zvinhu zvisina kunaka.

4Anovavarira kuenzanisa mhosva zvokumanikidzira

akafanana nomuyuniki anobata mhandara chibharo.

5Mumwe munhu anoonekwa somuchenjeri pamusana pokunyara

mumwewo anovengwa pamusana pokutaurisa.

6Mumwe anonyarara pamusana pokushaya mhinduro,

asi mumwe anonyarara pamusana pokuziva nguva yokutaura.

7Mungwaru anonyararisa kudzamara nguva kwayo yokutaura,

asi mubvotomoki nebenzi havazivi nguva yokutaura.

8Munhu anotaurisa anoita kuti asadiwe;

uyewo munhu anozvipa basa rokutaura anozvivengesa.

Zvakaipa zvinenge zvakanaka

9Mumwe, nhamo inomuunzira makomborero,

mumwewo mhanza yakanaka inomuunzira nhamo.

10Mumwe mwoyochena hauna zvaunokudzorera

mumwe mwoyochena unokudzorera zvakapetwa kaviri.

11Kumwe kuda ukuru kunosvitsa mukuninipiswa

vamwewo vanamunhuwo zvavo vanowana zvigaro zvapamusoro.

12Aripo anoti anotenga zvizhinji nemari shoma,

nyamba iye achibhadhara kakapetwa kanomwe.

13Mungwaru anoita kuti adiwe pamusana pezvaanotaura

kuratidza rukudzo kwamapenzi

hakuna zvakunobatsira.

14Chipo chokupiwa nebenzi hachina chachinokubatsira,

nokuti iro rinozotarisira kwauri

zvakapetwa kanomwe

15zvarinopa zvishomanana, asi richitaura twakawanda

richizhambarara senharirire.

Anopa nhasi, mangwana wochida;

munhu akadai haana anomuda.

16Benzi rinoti, “Handina anoshamwaridzana neni

zvakanaka zvandinoita hazvitendwi.

Vanodya zvangu ndivo vanondirima.”

17Kazhinji karinosekwa navazhinji!

Kukanganisa mukutaura

18Zviri nani kutsvedza paunofamba pano kutsvedza mukutaura

ndozvina vaipi kuwa kwavo hakutani.

19Dzenga rakafanana nenyaya inonyadzisa, inoramba

yangova pamiromo yavasina kurayirwa.

20Tsumo inotaurwa nebenzi haina anoigamuchira

nokuti inotaurwa panguva isiriyo.

21Munhu anogona kusatadzira Mwari

pamusana pourombo hwake

saka kana ozorora hapana chinomurovesa hana.

22Mumwe anofira kunyara,

kana kurasikirwa noupenyu hwake pamusana

pokutarisika sebenzi.

23Mumwe anovimbisa zvinhu kushamwari pamusana pokunyara,

vozovenganirana pasina.

Manyepo

24Kureva nhema kunoipisa zita romunyepi,

uye, kunogara kuri pamuromo pavasina kudzidziswa.

25Mbavha iri nani pano munyepi,

asi vose vari vaviri chavo kuparadzwa.

26Katsika kekureva nhema, katsika kanonyadzisa

kunyara kwomurevi wenhema hakuperi.

Kukudzwa kwomungwaru

27Uyo anotaura noungwaru anozvikwidziridza

uye, munhu akachenjera anofadza vakuru vakuru.

28Anosimbirira kurima ndiye anokohwa zvakawanda,

nouyowo anofadza vakuru vakuru anoregererwa

zvikanganiso zvake.

29Zvipiwa nezvipo zvinopofomadza maziso omungwaru,

zvinoisa munhu matomhu pakutsiura

zvichimupfumbira muromo.

30Ungwaru hwakavanzwa, noupfumi

hwakapfimbikwa, zvose izvo zviri zviviri zvinobatsirei?

31Munhu anovanza urema hwake ari nani

pane anovanza ungwaru hwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help