1 Vanamakabhi 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Hondo yaJudhasi naGogiasi paEmausi

1Gogiasi akatora mazana mashanu avarwi vetsoka nechuru chavarwi vamabhiza vakanyatsosarudzwa; chikwata ichochi chakaenda nousiku

2kundoita zvokungoerekana vafuta vaJudha pamusasa pavo kuvarwisa. Varume vaya vaiva munhare yokuzvidzivirira muhondo ndovaivatungamirira.

3Asi Judhasi akazvinzwa ndokubva iye nemvumba dzake dzavarume vokurwa vaenda kundorwisa hondo yamambo kuEmausi

4chikwata chiye chisimo mumusasa kudaro.

5Gogiasi paakapinda mumusasa wematendhe waJudhasi nousiku akawana musina nomunhu wose nokudaro akanga otoita zvokuvavhima kwazvo muzvikomo nokuti aizviti, “Vanhu ava vari kutotiza ava.”

6Mambakwedza Judhasi ndiye tutururu vhe mubani aine zviuru zvitatu zvavarwi, asi vakanga vasina zvombo zvokurwisa nazvo namapakatwa chaizvoizvo zvavaida.

7Vakaona musasa wematendhe evanhu vechirudzi uya uri musasa wakasungwa noutare wakanyatsovakirirwa wakapoteredzwa navarwi vamabhiza vari vanhu vakanyatsofundiswa kurwa hondo.

8Asi Judhasi akati kuvarwi vake vaaiva navo, “Musatye kuwanda kwavo kana kuvatya pavanenge vatangisa kurwisa.

9Yeukai kuti madzibaba edu akanunurwa sei paGungwa Dzvuku, pavakarondwa naFarao nehondo.

10Zvino ngatimbochemai kuna Nyadenga tione, zvimwe angatiitirewo mwoyochena akarangarira chitenderano chake namadzibaba edu akatiparadzira hondo yavarwi iyoyi nhasi uno.

11Vese vechirudzi vachabva vaziva kuti aripo mumwe anonunura nokuponesa Isiraeri.”

12Mabvakure aya paakatarisa akaona vachiuya kuzovarwisa

13vakavabudirawo mumusasa mavo kundovarwisa. Varume vaiva naJudhasi vakaridza mabhosvo avo

14vakabva vatomirisana kurwa. Vechirudzi ava vakakurirwa vakabva vati ware kutiza mubani

15vose vaiva mushure vakaurayiwa namapakatwa. Vakadzingirirana navo kusvikira kuGazara nokumapani okuIdhumia nokuAzotusi neJamina, zviuru zvitatu zvavarwi vavo zvikafa.

16Judhasi nehondo yake ndopavakazodzoka vachibva vavadzingirira.

17Iye akati kuvaIsiraeri, “Regai kuita makaro nezvinhu zvokupamba nokuti tichine hondo yokurwa,

18Gogiasi nehondo yake vari padyo nesu muzvikomo umu. Asi chimbotangai mamirisana navavengi vedu muvarwise mugozoti monyatsopamba zvenyu chaizvo zvinhu.”

19Judhasi achangoti pedzei kutaura nhauro iyoyi iyi, kwakabva kwaonekwa chimwe chikwata chavarwi chichibuda muzvikomo.

20Vakaona kuti hondo yavo yakanga yadzvamutswa uye kuti vaJudha vakatenge vachipisa musasa wacho wematendhe nokuti utsi hwakanga huchionekwa ndohwaitoratidzawo zvainge zvaitika.

21Pavakaona izvozvi vakazara nokutya. Pavakatiwo bamama mubani, hondo yaJudhasi yaronganirana hondo,

22vakadzvamukira kunyika yevaFirisitia.

23Judhasi ndopaakadzokera kundopamba kumusasa uya wamatendhe. Akatora ndarama nesirivha yakawanda namachira akanyikwa mumushonga woruvara rwedenga nerweruvara rwehute rwakarerekera kuruvara rwegungwa noupfumi hwakawanda.

24Pavakadzoka vakaimba nziyo vachirumbidza Nyadenga vachiti,

“Nokuti akanaka

mwoyochena wake hauperi.”

25Saizvozvo Isiraeri yakanunurwa zvikuru musi iwoyo.

Kuronga hondo yokurwisa vaIsiraeri kwokutanga kwaRisiasi

26Vamwe vemabvakure iwaya vakanga vapunyuka vakandosvitsa kuna Risiasi zvose zvakanga zvaitika.

27Pazvakasvika munzeve dzake, akakangaidzwa nazvo zvikamurasisa mwoyo nokuti zvinhu hazvina kunge zvaitika kuIsiraeri sezvaaida kuti zviite uye hazvina kuitika sokutemwa kwazvakanga zvaitwa namambo.

28Kuzoti mava mugore racho rinotevera akaunganidza zvuru makumi matanhatu zvavarwi vetsoka vakanyatsosarudzwa, nezvuru zvishanu zvavarwi vamabhiza kuti andovakandisa mapfumo pasi.

29Vakasvika kuIdhumia vakadzika musasa wematendhe kuBhetizuru, Judhasi akamirisana navo aine gumi rezvuru zvavarwi.

30Paakaona kuti hondo iyoyi yakanga iri hondo yakasimba akanamata achiti,

“Tinokurumbidzai imi Muponesi weIsiraeri,

makaparadza kudenha kwemvumba chaiyo

yokurwa hondo noruoko rwomuranda wenyu

Dhavhidhi mukaisawo musasa wematendhe

avaFirisitia mumaoko aJonatani

mwanakomana waSauro nomumaoko momurume

aimutakurira zvombo zvake zvokurwa.

31Saka shandisai waro vanhu venyu

vaIsiraeri kuisa hondo iyoyi iyi mumumbure muite

kuti vanyarire hondo dzavo navarwi vavo vamabhiza.

32Vazadzei noumbwende.

Nyungurutsai chivindi chesimba ravo

muite kuti vagwagwadze kudedera mukuparadzwa kwavo.

33Varakatisei pasi namapakatwa

avanhu vanokudai.

Vose vanoziva zita renyu vakurumbidzei nenziyo.”

34Mativi ose ari maviri akatanga kurwisana kukafa zvuru zvishanu zvavarwi vokwaRisiasi. Vakafira muhondo vachirwa.

35Risiasi paakaona kudzvamutswa kwaiitiswa hondo dzake, achionawo chivindi chaiva chakazadza vokwaJudha nomwoyo wavaiva nawo, wokuti chauya chauya, kurarama kana kufa nechiremera; akabva aenda kuAndioku kundotsvaka masoja anorwira mari kuti vazorwisazve Judhia nehondo yakatokura kupinda iya iya.

Kuchenurwa nokukumikidzwa kweTemberi kuna Mwari

36Ipapo Judhasi navakoma navanun'una vake vakati, “Tarisai muone, vavengi vedu vaparadzwa. Ngatichienda, kundochenura Nzvimbo Inoera tiiteketerere kuna Mwari.”

37Saizvozvo hondo yose yavarwi yakaungana vakakwira kuenda kuGomo reZioni.

38Vakasvikoona Nzvimbo Inoera rava dongo, atari yakan'oreswa, misuo mikuru yakapiswa. Muzvivanze'mu, vakaona mamera zvikwenzi, mava kunge musango zvamo kana kuti mava serimwewo ramakomo zvaro. Vakaonawo dzimba dzavapristi dzangova matongo.

39Vakabva vabvarura hanzu dzavo neshungu vakaungudza kuchema zvinosiririsa kwazvo vakazvidira dota.

40Vakati nouso pasi zvambarara pakaridzwa mabhosvo vakachema kuna Nyadenga.

41Judhasi akabva aronganisa varume vokundorwisa vaya vaiva munhare yokuzvidzivirira muhondo kusvikira apedza kuchenura Nzvimbo Inoera.

42Akasarudza vapristi vasina chinoshoreka pavari vakanga vakazvipira kumutemo

43vakachenura Nzvimbo Inoera vakabvisa mabwe akanga an'oreswa vakandoarasira kune imwe nzvimbo yakan'ora.

44Vakaronga zvokuita neatari yemipiro yokupisa iya yakanga yan'oreswa,

45Vakaona kuti chinhu chakanakisisa kwazvo ndechekutoipaza, zvimwe ingadaro ikatishoresa nokuti vechirudzi vakanga vain'oresa. Nokudaro vakapaza atari iyoyo

46vakachengetera mabwe ayo mune imwe nzvimbo yakafanirawo muchikomo cheTemberi kudzamara kwatozouya muporofita anozozivisa vanhu zvokuita nawo.

47Vakazotora mamwe mabwe asina zvawo kana kumbovezwa sezvinonzi nomutemo zviitwe. Vakavaka nawo atari itsva yakaita seyakambenge iripo iya.

48Vakavakawo Nzvimbo Inoera nomukati meTemberi vakakumikidza kuna Mwari zvivanze zvacho.

49Vakagadzira midziyo inoera mitsva, vakauya nechigadzikiro chomwenje neatari yokupisira rusenzi neteburu muTemberi.

50Vakabva vapisa rusenzi paatari yacho, vakatungidza marambi apachigadzikiro chomwenje. Iwaya ndoaivhenekera muTemberi.

51Vakaisa chingwa pateburu iya ndokuturika machira okudzikatirisa mahwindo. Saizvozvo vakapedza basa rose ravakanga vazvipira kuita.

52Mangwanani–ngwanani pamusi wamakumi maviri nechishanu wemwedzi wechipfumbamwe, ndomwedzi wachisirevhu iwoyo, mugore rezana namakumi mana nechisere

53vakamuka vakapira zvibayiro sezvinonzi nomutemo zviitwe paatari itsva yomupiro wokupisa yavakanga vavaka.

54Mumwaka iwoyo wacho, pamusi wakare wayakambenge yan'oreswa navanhu vechirudzi ndomusiwo wayakumikidzwa kuna Mwari kuchiimbwa nziyo, madimbwa achidandaura, kuchiridzwa nyere namakwakwa outare.

55Vanhu vose vakati uso pasi kotakota vakapfugamira Wedenga vachimurumbidza iye akanga aita kuti zvivafambire zvakanaka.

56Saizvozvo vakapemberera kukumikidzwa kuna Mwari kweatari kwamazuva masere, vachipira mipiro yokupisa vachifara. Vakapirawo chibairo chokununurwa vachirumbidza.

57Vakashongedza kumusuo kweTemberi nengundu dzendarama netunhoo tudukuduku. Vakagadzira misuo mikuru nedzimba dzavapristi vakadziisa makonhi.

58Vanhu vakazofara zvikuru nokuti kuzvidzwa kwavo navanhu vechirudzi kwakanga kwabviswa.

59Judhasi navakoma navanun'una vake negungano rose reIsiraeri vakasunga kuti gore negore, mumwaka iwoyo, mazuva okukumikidzwa kweatari kuna Mwari anofanira kuti achengetwe pachipemberwa nokufara kwamazuva masere kutangira pamusi wamakumi maviri nechishanu wemwedzi waChisirevhu.

60Panguva iyoyo vakavakirira Gomo reZioni netsvingo dzakareba nenharire dzakasimba kuritenderera kuri kudzivirira vanhu vechirudzi kuti varege kuzouya vachisvikoritsokodzera sezvavakambenge vaita.

61Akaisa chimwe chikwata chavarwi vokuridzivirira. Akavakirirawo guta reBhetizuru norusvingo kuitira kuti vaIsiraeri vave nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo kune veIdhumia.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help