Kuungudza 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

KUUNGUDZA KOKUTANGANhamo dzeJerusaremu

1O babawe kani!

Guta riya rangove guta iwe

guta raimbove bvakapfaka ravanhu.

Kuita sechirikadzi kudai!

Guta raimbova mambokadzi chaiye

pamaguta ose

nhasi pidigu rava murandawo zvake.

2Usiku rinosvimha misodzi zvinosiririsa,

misodzi ichiti mekete mekete, pamatama aro.

Pazvikomba hapana kana mumwe wokurinyaradza.

Shamwari dzake dzose dzakaritamba isina kunaka,

ivo ndivo vatova mhandu dzaro.

3VaJudha, pamusana penhamo, vatapwa

noutapwa vakapindana nouranda hwakaomarara

vachiti njo mukati mevechirudzi,

ivo pokugara vasina,

vanodzingirira vaya vakavawira

panguva yedambudziko ravo.

4Nzira dzokuenda kuZioni dzinoungudza

nokuti anouya kumazuva makuru akatemwa hapana.

Misuo yaro mikuru yachiti haradada kushama.

Vapristi varo vari kugomera,

vanasikana varo vakakwekweretswa,

iro guta pacharo riri kutambura zvikuru.

5Mhandu dzavo ndidzo dzava pamusoro,

vavengi varo ndivo vabudirira,

nokuti Tenzi akavapinza dambudziko

pamusana pezvikanganiso zvaro,

vana varo vaenda kuutapwa

vachitinhwa navavengi vavo.

6Jerusaremu yarasikirwa nomukurumbira wayo,

machinda ayo ungati imhara chaidzo

dzashaya mafuro

dziri kutiza dzisisina simba

dzichitiza vanodzidzingirira.

7Hezvo pamazuva ayo enhamo nokurwadzwa

Jerusaremu inoyeuka

zvinhu zvayo zvinokosha

zvaiva zvayo kubvira pasichigare,

vanhu vayo pavakawira

mumaoko emhandu

asi wokuibatsira pakanga pasina,

vavengi vayo vaitonakidzwa zvavo

nokuitarisa vachiisveeredza

pamusana pokuputsika.

8Guta reJerusaremu rakatadza zvakaipisisa

rikava chinhu chinosemesa,

vaimboriremekedza vavakurishora

nokuti vakariona riri mutwi,

charo kugomera kwoga

nokuvanza uso.

9Tsvina yaro yava pamijivha yaro

asi kuti irangarire mugumo waro, haina.

Saizvozvo kuputsika kwaro kunotyisa

wokurinyaradza hapana.

Ndionereiwo nhamo yangu, imi Tenzi

muvengi wangu wakurira.

10Mhandu yakatambanudza maoko ayo

ichitora zvayo zvinhu zvayo zvinokosha,

yakatoona marudzi

achipinda zvawo muNzvimbo Inoera

ivavo vamakarambidza kupinda

muungano yenyu.

11Vose vanhu varo vari kugomera

vachitsvaka chokudya,

votoshambadza zvinhu zvavo zvinokosha

kuti vawane chokudya

chokuvasimbaradza.

“Tarisai zvenyu Tenzi muone

ndiri kushorwa ini.”

12“Ko imi mose vapfuuri nenzira,

hamunei nazvo here?

Tarisaiwo zvenyu muone

kuti kune nhamowo here

yakaita senhamo yangu

yakaunzwa pandiri,

nhamo yandakapinzwa naTenzi

pazuva rehasha dzake dzinotyisa?

13Akatuma moto ukapinda mumapfupa angu

uchibva kumusoro.

Makumbo angu akaateya namambure.

Akandisiya ndadumbirwa, akandidzosa ndakati rukutu zuva rose.

14“Zvikanganiso zvangu vakazviita

sejoko zvaro ravakasungirira

namaoko avo pamutsipa wangu;

akandipedza simba

Tenzi akandiisa mumaoko

evandisingagoni kumirisana navo.

15“Tenzi akaseka zvake

magamba angu ose okurwa

aiva mandiri.

Akandirongera hondo yavanhu

kuzoparadza vechiduku vangu.

Tenzi akatsikatsika Jerusaremu

somuguvi rewaini.

16Pamusana paizvozvi ndinochema.

Maziso angu anoerera misodzi.

Nokuti munyaradzi wokundisimbaradza

ari kure neni.

Vana vangu vachiti

dano, havachisina chavanacho

nokuti muvengi akunda.

17Guta reZioni rasimudza maoko richinamata

asi wokurinyaradza hapana

Tenzi akati vavakidzani naJakobho

vave ndivo mhandu dzake.

Jerusaremu yave chinhu chinosemesa kwavari.

18“Tenzi haana mhosva

ini ndini ndakapanduka

pane zvaakataura;

asi chimbondinzwai zvenyu nhai vanhu mose

muonewo zvenyu kutambura kwangu

kuenda kuutapwa kuri kuita

vanasikana vangu nevanakomana.

19“Ndakachema kushamwari

asi vakandinyengedza,

vapristi vangu nevakuru vakuru

vafira muguta muno

vachitsvaka chokudya chokuzviraramisa.

20“Tarisai zvenyu muone Tenzi

nhamo yacho yandinayo.

Ini ndatambura ini,

mwoyo wangu wadzongodzwa mukati mangu

nokuda kwokupanduka kwangu kwakaipisa;

mumigwagwa'mu mapakatwa chete kuuraya,

mudzimbawo rufu rwoga rwoga.

21“Ndinzweiwo kugomera kwangu,

hapana wokundinyaradza.

Zvakavafadza kwazvo vavengi vangu vose

kunzwa nezvokutambura kwangu

kuti ndimi makazviita.

Unzai zuva renyu ramakatsidzira

ivo vavewo sezvandiri.

22“Dai zvakaipa zvavo zvose

zvangouya pamberi penyu zvazvo

moitawo kwavari

zvamakaita kwandiri.”

Muti kwavari,

“Sezvamakaita kwandiri

nokuda kwezvikanganiso

zvangu kuungudza kwangu kwawandisa

uye mwoyo wangu warukutika.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help