Jobhu 21 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mhinduro yechipiri yaJobhu kuna Zofa.Chivindi chomunhu ari pachokwadi

1Jobhu akapindurawo achiti,

2“Nyatsoteererai zvandichataura

zvive ndizvo zvinokunyaradzai

3mombondiitirawo mwoyo murefu nditaure.

Kana ndichinge ndataura mozoseka zvenyu.

4Munhu ndiye wandinonyunyutira here ini,

ndingarege nei kuzvidya mwoyo?

5Nditarirei mudumbirwe nazvo

mubate muromo nazvo.

6Ndikazvirangarira zvinondidzongodza mwoyo

muviri wangu wose unobva wadedera.

Vaipi vanoregerei kurangwa?

7“Vaipi vanoraramireiko

vachitosvika pakukwegura,

vachiva noukuru nesimba?

8Vanotoona vana vavo vachinyatsodzika midzi

zvizvarwa zvazvo zvichinyatsopasa.

9Dzimba dzavo hapana chadzinotya,

hapana shamhu yaMwari pavari.

10Handira dzavo hadzikoni kuberekesa,

Mhou dzavo dzinobereka hadzisvodze.

11Vanoburitsa vana vavo sedanga rehwai

vana vacho vanochirika-chirika.

12Vanoimba nengoma nechipendani

vachifara nokurira kwenyere.

13Vanopedza mazuva avo vari vakabudirira

vachizoenda zvavo kuvachakabvu murugare.

Kunamata vanokushaisa maturo

14“Vanoti kuna Mwari tibvireipo,

hatidi kuziva nzira dzenyu.

15Iye Samasimba ndianiwo zvake,

watinonzi tishandire isu?

Chatinowana chii kana tikanamata kwaari?

16Handiti kubudirira kwavo kuri mumaoko avo here?

Ini mazano avaipi anondipesa.

17Zvinombooneka here kazhinji

kuti mwenje wavaipi unodzimwa,

uye kuti njodzi yavo inombovawirawo here?

Kangani Mwari kaakavagovera zvinorwadza akashatirwa?

18Kangani kavakapeperetswa samashanga

kana sehundi inotututswa nedutu,

19zvichinzi Mwari akachengetera vana vavo

mhosva idzodzo?

20Vazvionere nameso kuparadzwa kwavo,

vambonwawo mukombe wehasha dzaSamasimba.

21Vangazoita hanya dzei nemhuri dzavo

kana mwedzi yavo yadimurwa?

22Ndiani angadziidzise Mwari ungwaru

ari iye anotonga vari pazvigaro zvapamusoro?

23Mumwe anogona kufa achiri kuzvinzwa

akagarika zvake ari pamutambaratede,

24akakora, mwongo wamapfupa ake wakanaka, wakanyorevera.

25Mumwe anofa achingorwadziwa mwoyo

asina kana kumboravirawo chinhu chakanaka.

26Vanorara zvimwechetezvo muvhu

vose havambotani kunzi momote nehonye.

27Zvamunoona, ndinoziva pfungwa dzenyu

nekafungiro kenyu kokurwisana neni.

Kunyange wakaipa anopunyuka

28“Imi munototi mhuri dzavakuruvakuru dziripi,

tendhe raigara vaipi riri kupi?

29Hamumbobvunzawosu vanofamba nzendo,

hamungarambi zvavanopupura

zvokuti pazuva renhamo yomuipi

30anonzi wakaipa anopunyuka pazuva repfumvu,

uye kuti zuva rehasha ndiro rinotomununura?

31Ndiani anomutsiura zviito zvake

akatarisana naye, kana anomuripisa zvaakaita?

32Kana atakurwa kuendeswa kumakuva

vanoisa vanhu vokugaririra paguva.

33Ivhu romubani rinobva ramunakira

vanhu vachiita dungwerungwe kumutevera

vari mberi kwake varizararira.

34Sei muchida kundinyararidza nezvinhu pasina,

mhinduro dzenyu hadzichina chirimo

kusiya nhema dzoga-dzoga.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help