Judhisi 10 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

IV: JUDHISI NAHOROFENESIKuenda kwaJudhisi kumatendhe aHorofenesi

1Pakapedza Judhisi kuchema kuna Mwari weIsisaeri apedzawo mashoko ose iwaya, akasimuka achibva paakanga akati pasi zvambarara.

2Akadaidza murandasikana wake, iye akadzika akandopinda kumba kwaaigara pamazuva eSabata napamazuva ake makuru.

3Akabvisa hanzu dzamasaga dzaakanga akapfeka. Akabvisawo hanzu dzake dzouchirikadzi. Akashamba muviri wake nemvura akanyatsozvizora mafuta anonhuwirira anokosha kwazvo akakama vhudzi rake ndokupfeka nguwani ina mapanda matatu ndokupurira mujivha wake wamandiriri waaimbopfeka murume wake Manase achiri mupenyu.

4Akapfeka shangu dzake mumakumbo ndokushonga ndarira mumakumbo namakoza mumaoko namaringi nemhete dzomunzeve nezvimwe zvishongo zvake zvose. Akazviita kuti ayevedze zvikuru kuitira kuti murume wose zvake anenge angomuona mumaziso amuyemure.

5Akapa musikana uya aimushandira guchu redehwe rewaini nechinu chamafuta. Akazadza saga rembesanwa dzakakangwa nechambwa chemichero yakaomeswa nechingwa chakanakisisa kwazvo. Akaputira midziyo yake yose akapa musikana uya kuti atakure.

6Vakabva vabuda ndokuenda kusuo guru reguta reBheturia ndokuwana Uziya akamirapo navakuru vakuru veguta iroro Kabhurisi naKarimisi.

7Pavakatarisa Judhisi vakaona kuti uso hwake nehanzu dzake zvasanduka vakayemura zvikuru runako rwake, ndokuti kwaari,

8“Dai Mwari wamadzibaba edu

angokuitirawo tsiye nyoro

azadzise zvawakaronga

vanhu veIsiraeri vawane mukurumbira

Jerusaremu ive nomukurumbira mukuru kwazvo.”

Judhisi akabva apfugamira Mwari.

9Judhisi akazoti kwaari, “Itai kuti ndizarurirwewo suo guru reguta, ndibude kundoita zvamakataurirana neni.” Ivo vakaudza mamwe majaya kuti amuzarurure suo guru iri sezvaakanga areva.

10Pavakaita izvozvo, Judhisi akabuda aine muranda wake musikana uya. Izvozvo varume veguta iri vakaramba vakangomuti ndee kumutarisa kudzamara adzika mugomo iri adimura nomubani kusvikira vasisamuone.

11Vakadzi ivavo vakaenda nomubani ndokubva chimwe chikwata chavaAsiria chandosangana navo

12chakabata Judhisi chikamusunga ndokumubvunza kuti, “Uri werudzi rupi iwe? Uri kubvepi? Uri kuenda kupi?” Iye ndokuti, “Ndiri mwanasikana wavaHebheru asi kutotiza kwandiri kuvaita uku nokuti vava kuda kuiswa mumaoko menyu kuti vazhanywe.

13Ndiri murwendo kundoonawo Horofenesi, mutungamiriri mukuru wehondo yenyu kuti ndisvitsewo kwavari shoko riri pachokwadi. Ndichamuratidzawo nzira yaangaende nayo kundokurira nyika iyi yose zvayo yamakomo pasina kurasikirwa kana nomunhu mumwechete zvake wavarwi vavo kunyange kubatwa kana kuurayiwa.”

14Varume ava pavakanzwa mashoko ake vacherechedzawo chiso chake (vakamuona ari mukadzi ane runako runoshamisa) vakabva vamuti,

15“Watozviponesa upenyu nokukasika kwawaita kudzika kuzoonana natenzi wedu. Chibva waenda kutendhe rake. Vamwe vedu vachakuperekedza kudzamara vakusvitsa kwaari.

16Pauchamira pamberi pake, rega kumbotya zvako mumwoyo, asi kutoti mutaurire izvozvi zvawareva izvi chete. Iye achakubata zvakanaka.”

17Vakasarudza mukati mavo zana ravarume vokumuperekedza iye nomuranda wake musikana uye, vakandosvika naye patendhe raHorofenesi.

18Runyerekupe rwokusvika kwake pamatendhe rwakapararira mumatendhe ose, varume vakabva mumusasa wose wamatendhe iwoyo vachimhanyidzana kuenda kwaari vakasvikomukomberedza iye amire kunze kwetendhe raHorofenesi. Izvozvo mumwe akanga ari mukati achisvitsa nyaya yomukadzi uyu kuna Horofenesi.

19Vakayemura runako rwake, uye nokuona kwavakamuita uku vakayemurawo vaIsiraeri vakabva vose vataurirana vachiti, “Ndiani chaizvo angashore rudzi runa vakadzi vakaita souyu mukati marwo? Nokudaro hazviiti kuti pakati pavo pave nomurume kana mumwechete zvake anosara ari mupenyu, nokuti kana tikavarega vachienda vachakwezvera vanhu mutome pasi pose.”

20Ndopakazobuda vamwe vaHorofenesi vaimukuta namachinda ake vakatungamirira mukadzi uyu mumba.

21Horofenesi akanga akazorora zvake pamubhedha pake waiva nekatenga kamachira oruvara rwehute kakarukirirwa kachishongedzwa nendarama namatombo anokosha maemeradhi namamwewo anokosha.

22Pavakamutaurira nezvaJudhisi, akauya kumberi kwetendhe akatungamirirwa navanhu vaiva nemwenje yesirivha.

23Kuzoti Judhisi asvika paiva naHorofenesi navaranda vake, vose zvavo vakanana kushamiswa norunako rwouso hwake. Iye akazviti pasi pfugada achiremekedza Horofenesi ndokubva varanda vake vamusimudza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help