Dhanieri 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

CHIMUFANANIDZO CHENDARAMAChimufananidzo chakaitwa namambo Nebhukadhineza

1Mambo Nebhukadhineza akagadzira chifananidzo chendarama chakanga chichiita mamita makumi maviri namanomwe urefu hwacho kuenda mudenga, chichiitawo mamita anenge matatu upamhi hwacho. Akachimisa mubani reDhura, munyika yeBhabhironi.

2Mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuunganidza madzishe navatungamiriri uye masadunhu namakurukota namadzisahomwe uye namagweta navatongi vedzimhosva navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo kuti vauye paizoteketerwa kuna vamwari chifananidzo ichocho chakanga chamiswa naNebhukadhineza.

3Ipapo madzishe navatungamiriri vaya namasadunhu namakurukota uyewo namadzisahomwe namagweta navatongi vedzimhosva pamwechete navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo vakaunganidzana kuzoteketerera chifananidzo chacho chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza kuna vamwari. Vakaungana pamberi pechifananidzo ichocho chakanga chakagadzirwa chikamiswa naNebhukadhineza.

4Mumwe webasa rokuzivisa vanhu akabva adaidzira achiti, “Vanhuwee, ndudzi nendudzi, ndimi nendimi! Muri kunzi:

5Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, munofanira kugwadama pasi mupfugamire chifananidzo ichi chakamiswa namambo Nebhukadhineza.

6Kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, pakarepo anobva atokandwa muvira romoto unopisa kwazvo.”

7Naizvozvo vanhu vamarudzi ose pavakangonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, marudzi ose iwayo nendudzi dzose nendimi vakati pasi gwadagwa vachipfugamira chifananidzo ichocho chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza.

Kucherwa nokupiwa mhosva kweshamwari dzaDhanieri

8Nguva iyoyo ndipo pakauya vamwe vaKaridhea kuzopomera mhosva vaJudha zviri zvoruvengo chairwo.

9Vakapira shoko ravo kuna mambo Nebhukadhineza vachiti, “Mambo, garirai kure nomoto!

10Handiti imimi mambo, makatema chirevo chinoti: Munhu anenge angonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, anofanira kugwadama pasi achipfugamira chifananidzo chendarama ichi

11muchiti kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, anofanira kukandwa muvira remoto unopisa kwazvo?

12Uku kwaita vamwe vaJudha vamakapa iyemi ukuru hokuona zvenyika yeBhabhironi vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Mambo, varume ivavo havanei nezvamunotaura. Havanamati vamwari venyu kana kupfugamira zvako chifananidzo chiya chendarama chamakagadzira mukachimisa.”

13Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo.

14Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini?

15Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?”

16Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana.

17Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo.

18Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.”

Kutongerwa rufu kweshamwari nhatu dzaDhanieri

19Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita.

20Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa.

21Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo.

22Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego.

23Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro.Nebhukadhineza akabvuma kuti kuna Mwari

24Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?”

Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!”

25Iye ndokuti, “Asi ini ndiri kuona varume vana vasina kusungwa vari kutofamba zvavo mumoto imomu vasina kukuvara. Kutarisika kwewechina wacho, kunenge kwemwanakomana wamwari.”Kuburwa muvira romoto nokuzosimudzirwa kwavanaShadhiraki

26Nebhukadhineza akabva aenda pedyo nomusuo wevira riya romoto unopisa akati, “Shadhiraki! Meshaki! Abhedhinego! Imi varanda vaMwari Wokumusorosoro, chibudai muuye pano!” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda zvavo mumoto.

27Madzishe navatungamiriri namasadunhu namakurukota amambo vakaunganidzana pamwechete. Vakaona kuti simba romoto harina kugona kukurira muviri wavarume ivavo, vhudzi ravo mumusoro risina kana kumbobvuraudzwa pasina chaitika, vasingambonhuwa moto.

28Ipapo Nebhukadhineza akati,

“Ngaarumbidzwe Mwari

waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego,

iye watuma mutumwa wake

akanunura varanda vake, vakavimba naye

akashaisa basa chirevo chamambo.

Vakaisa miviri yavo parumano

vachisarudza kufa pano kuti

vanamate vachipfugamira

mumwewo mwari zvake

asi kuti kunamata Mwari wavo.

29Naizvozvo ndinotema chirevo chokuti:

Rudzi rupi zvarwo, kana ndudzi dzipi zvadzo dzavanhu,

kunyange rurimi runotaura zvakaipa nezvaMwari

kuwana vane rakaipa ravanongoti bufu kutaura nezvaMwari

waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego

vachabvamburwa kuita zvidimbu zvidimbu,

misha yavo igoitwa matongo.

Ndinodaro nokuti, hakuna mumwe Mwari

anogona kununura saizvozvi izvi.”

30Nebhukadhineza akabva asumudzirazve pamusoro vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego imomo munyika yeBhabhironi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help