Isaya 18 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kurangwa kuchaitwa Itiopia naMwari

1Hameno zvayo nyika yamapapiro anobhabhama

iri mhiri kwenzizi dzokuItiopia

2inotumira vamiririri nomuna Nairi

nomagwa enhokwe pamvura,

ichiti,

“Chiendai imi nhumwa dzinokurumidza

kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera

vanhu vanotyiwa padyo nokurekure

rudzi rune simba runokurira

rune nyika yakakamuraniswa nehova.

3“Imi mose vagari vapasi pose

imi mugere panyika,

kana pamakomo pasimudzwa mucherechedzo,

tarisai, kana kwaridzwa bhosvo, teererai

4nokuti Tenzi ati kwandiri,

‘Ndichatarisa chinyararire ndiri kwandigere

sokupisa kwezuva masikati machena,

souma hwenguva yokupisa yapakukohwa.’

5“Ndinodaro nokuti, panongoti kutumbuka perei

ruva racho rava girepisi ratookuibva,

achacheka nhungirwa dzacho

nejeko rokupemhenesa,

mapazi akatandavara achiatema.

6Vose zvavo vachasiyiwa vave nyama

yeshiri dzomumakomo

nokuzvikara zvapasi pano.

Vachasaruka vachidyiwa,

muzhizha vachichochonhwa neshiri,

pachirimo vachibubunwa nezvikara zvesango.

7“Panguva iyo mipiro ichaunzwa

kuna Tenzi wehondo nehondo

zvichibva kuvanhu varefu

vane ganda rinotsvedzerera,

vanhu vanotyiwa padyo nokurekure,

rudzi rune simba runokurira,

rune nyika yakakamuraniswa nehova

vachiuya nayo kuGomo reZioni

nzvimbo ine zita raTenzi

wehondo nehondo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help