1Hakuna chinhu chakaipa kumunhu anotya Mwari.
Paanenge angoedzwa, Mwari anorambawo
achingomununura.
2Mungwaru haavengi Mutemo
asi anenge asiri pachokwadi akaita sechikepe
mudutu remhepo.
3Munhu anofunga anovimba noMutemo,
anotovimba nawo sokuvimba kwaanoita
kubvunza kuna Mwari uchisevenzesa Urimu.
4Kana wanyatsogadzirira zvaunotaura,
vanhu vanozokuteerera;
nyatsoronga zvaunoziva usati wapindura mubvunzo.
5Mwoyo webenzi wakafanana nevhiri rengoro,
pfungwa dzaro dzinotenderera sehabha yevhiri.
6Shamwari inoshora–shora yakafanana nomukono webhiza
rinohwihwidzira bhiza gadzi
kunyange rakatasvwa naani zvake.
Kusiyana kwezvinhu7Seiko mumwe musi uri nani pano mumwe
iro zuva rimwechetero riri iro
rinovhenekera musi uri wose?
8Mwari ndiye anosiyanisa musi nomusi,
anosiyanisa mwaka nomwaka,
uye zuva guru nezuva guru.
9Ndiye akaita kuti mimwe misi ive misi mikuru inoera
mimwewo akaiita kuti ive misiwo zvayo.
10Ndizvowo zvina vanhu: vose vanobva kuvhu,
kana naAdhamuwo akaumbwa nevhu,
11asi Mwari, noungwaru hwake hwakazara,
akaita vanhu vakasiyana–siyana,
achisiyanisawo migariro youpenyu hwavo.
12Vamwe akavakomborera akavasimudzira pamusoro
vamwe anovaeresa achivaisa padyo naye
vamwe anovapa rushambwa, achivadukupisa,
achivadzinga pazvigaro zvavo.
13Sezvakangoita ivhu riri mumaoko omuumbi,
anoita zvaanoda;
navanhuwo vari mumaoko omusiki wavo
anovapa chaanenge atema kuvapa.
14Chakanaka chinopikisana nechakaipa
upenyuwo hunopikisana norufu,
saizvozvo munamati anopikisana nomutadzi.
15Uku ndiko kutarisa kwaunofanira kuita mabasa ose
oWokumusorosoro: akaaita maviri maviri achiita rimwe
richipikisana nerimwe.
16Kana ndiri seni, ndakava wokupedzisira kurindira,
somunhu anofuhwa mushure mavakohwi vamagirepisi.
17Nechikomborero chaMwari ndakakunda vamwe
ndakaita sokunge mukohwi
ndakatozadzawo guvi rangu rokusvinira.
18Zvizivei kuti handina kuitira basa iri ini ndoga,
ndakariitirawo vamwe vose vanoda zvavo kudzidza.
19Ndinzweiwo, imi vakuru vakuru vavanhu,
munditeerere, imi vatungamiri vamasangano.
Kuzvitonga20Uchiri mupenyu usazviise mumaoko,
omwana wako mukomana
nyangwe omukadzi wako
kana munun'una kana shamwari yako.
Usazviise mumaoko omumwe upenyu hwako hwose.
Usape mumwe zvinhu zvako,
ungadaro ukasanduka mwoyo
ukazodemba woti ndidzorere.
21Usaise upenyu hwako mumaoko omumwe munhu,
uchiri mupenyu, uchafema.
22Zviri nani kuti vana vako vave ivo vanokumbira kwauri,
pano kuti iwe utarisire zvinobva mumaoko avo.
23Mumabasa ako ose iva ndiwe tenzi woupenyu hwako,
usarege zita rako richisvibiswa.
24Kana mazuva oupenyu hwako oda kupera,
kana rufu rwava kusvika,
ndiyo nguva yaunozogovera nhaka yako.
Varanda25Uswa neshamhu nemitoro ndizvo zvinhu zvedhongi,
sadza nokudzikamiswa nebasa, ndizvo zvomuranda.
26Batisa muranda wako basa, newe unowana zororo,
ukamurega achigara maoko,
anozofunga zvorusununguko rwake.
27Joko namatomu zvinodhambisa chipfuwo,
asi muranda anoita zvakaipa, chake kubvunzisiswa
achirwadziwa norushusho.
28Ramba uchimuitisa basa, usamushayise chokuita,
nokuti kushaya basa kunopa
munhu kuti adzidze uipi huzhinji.
29Mupe basa raanokwanisa,
kana asingateereri musunge zvinorwadza.
30Asi usave nowaunomanikidza kuita zvinopfuura zvaanogona,
ita zviri pamwero.
31Kana une muranda
muone sewewo pachako,
nokuti wakamuwana nomutengo wakakosha.
32Kana muranda wako
mubatewo sehama pachake
ane basa kwauri sezvakangoitawo mweya wako.
33Kana ukamukanganisa, akakutiza,
uchandomutsvaga kupi?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.