Sira 33 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Hakuna chinhu chakaipa kumunhu anotya Mwari.

Paanenge angoedzwa, Mwari anorambawo

achingomununura.

2Mungwaru haavengi Mutemo

asi anenge asiri pachokwadi akaita sechikepe

mudutu remhepo.

3Munhu anofunga anovimba noMutemo,

anotovimba nawo sokuvimba kwaanoita

kubvunza kuna Mwari uchisevenzesa Urimu.

4Kana wanyatsogadzirira zvaunotaura,

vanhu vanozokuteerera;

nyatsoronga zvaunoziva usati wapindura mubvunzo.

5Mwoyo webenzi wakafanana nevhiri rengoro,

pfungwa dzaro dzinotenderera sehabha yevhiri.

6Shamwari inoshora–shora yakafanana nomukono webhiza

rinohwihwidzira bhiza gadzi

kunyange rakatasvwa naani zvake.

Kusiyana kwezvinhu

7Seiko mumwe musi uri nani pano mumwe

iro zuva rimwechetero riri iro

rinovhenekera musi uri wose?

8Mwari ndiye anosiyanisa musi nomusi,

anosiyanisa mwaka nomwaka,

uye zuva guru nezuva guru.

9Ndiye akaita kuti mimwe misi ive misi mikuru inoera

mimwewo akaiita kuti ive misiwo zvayo.

10Ndizvowo zvina vanhu: vose vanobva kuvhu,

kana naAdhamuwo akaumbwa nevhu,

11asi Mwari, noungwaru hwake hwakazara,

akaita vanhu vakasiyana–siyana,

achisiyanisawo migariro youpenyu hwavo.

12Vamwe akavakomborera akavasimudzira pamusoro

vamwe anovaeresa achivaisa padyo naye

vamwe anovapa rushambwa, achivadukupisa,

achivadzinga pazvigaro zvavo.

13Sezvakangoita ivhu riri mumaoko omuumbi,

anoita zvaanoda;

navanhuwo vari mumaoko omusiki wavo

anovapa chaanenge atema kuvapa.

14Chakanaka chinopikisana nechakaipa

upenyuwo hunopikisana norufu,

saizvozvo munamati anopikisana nomutadzi.

15Uku ndiko kutarisa kwaunofanira kuita mabasa ose

oWokumusorosoro: akaaita maviri maviri achiita rimwe

richipikisana nerimwe.

16Kana ndiri seni, ndakava wokupedzisira kurindira,

somunhu anofuhwa mushure mavakohwi vamagirepisi.

17Nechikomborero chaMwari ndakakunda vamwe

ndakaita sokunge mukohwi

ndakatozadzawo guvi rangu rokusvinira.

18Zvizivei kuti handina kuitira basa iri ini ndoga,

ndakariitirawo vamwe vose vanoda zvavo kudzidza.

19Ndinzweiwo, imi vakuru vakuru vavanhu,

munditeerere, imi vatungamiri vamasangano.

Kuzvitonga

20Uchiri mupenyu usazviise mumaoko,

omwana wako mukomana

nyangwe omukadzi wako

kana munun'una kana shamwari yako.

Usazviise mumaoko omumwe upenyu hwako hwose.

Usape mumwe zvinhu zvako,

ungadaro ukasanduka mwoyo

ukazodemba woti ndidzorere.

21Usaise upenyu hwako mumaoko omumwe munhu,

uchiri mupenyu, uchafema.

22Zviri nani kuti vana vako vave ivo vanokumbira kwauri,

pano kuti iwe utarisire zvinobva mumaoko avo.

23Mumabasa ako ose iva ndiwe tenzi woupenyu hwako,

usarege zita rako richisvibiswa.

24Kana mazuva oupenyu hwako oda kupera,

kana rufu rwava kusvika,

ndiyo nguva yaunozogovera nhaka yako.

Varanda

25Uswa neshamhu nemitoro ndizvo zvinhu zvedhongi,

sadza nokudzikamiswa nebasa, ndizvo zvomuranda.

26Batisa muranda wako basa, newe unowana zororo,

ukamurega achigara maoko,

anozofunga zvorusununguko rwake.

27Joko namatomu zvinodhambisa chipfuwo,

asi muranda anoita zvakaipa, chake kubvunzisiswa

achirwadziwa norushusho.

28Ramba uchimuitisa basa, usamushayise chokuita,

nokuti kushaya basa kunopa

munhu kuti adzidze uipi huzhinji.

29Mupe basa raanokwanisa,

kana asingateereri musunge zvinorwadza.

30Asi usave nowaunomanikidza kuita zvinopfuura zvaanogona,

ita zviri pamwero.

31Kana une muranda

muone sewewo pachako,

nokuti wakamuwana nomutengo wakakosha.

32Kana muranda wako

mubatewo sehama pachake

ane basa kwauri sezvakangoitawo mweya wako.

33Kana ukamukanganisa, akakutiza,

uchandomutsvaga kupi?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help