Kuungudza 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

KUUNGUDZA KWECHISHANUMunamato wokukumbira nyasha

1Yeukai, Tenzi zvakatiwira,

mutarisewo zvenyu muone kunyadziswa kwedu.

2Nhaka yedu yashanduka yava yavatorwa,

dzimba dzedu dzava dzamabvakure.

3Taita senherera

dzisina baba;

vanaamai vedu vaita sechirikadzi.

4Tavakutobhadhara mvura yatinonwa,

huni dzatinowana totoita dzokutenga.

5Nejoko redu pamutsipa iwe,

tinochairwa zvakaomarara

uye taneta, zororo hatipiwi.

6Takaombera maoko isu kuvaIjipiti nokuvaAsiria

kuti tiwane chokudya chakakwana.

7Madzitateguru edu akatadzira Mwari

zvino havachisipo;

asi isu ndisu tava kutakura mutoro wouipi hwavo.

8Tava kutongwa isu navaranda,

wokutinunura kwavari hapana.

9Chokudya chedu tinochiwana nenhamo.

Pamusana pehondo yebakatwa inobva kurenje'ku.

10Ganda redu ratumha kupisa sehovhoni

pamusana pokupisa kwaita nzara.

11Vakadzi vari kubhinywa muZioni'mu,

mhandara dzichibatwa chibharo mumaguta okwaJudha.

12Machinda ari kurembedzwa akasungirirwa maoko;

vakuru-vakuru rukudzo havachapiwaba.

13Majaya vanofondokeswa naro basa pamakuyo,

vakomana vachidhadharika nawo

masvinga ehunhi.

14Harahwa matare dzakaasiya

vechidiki vakasiyawo zvokuimba.

15Rufaro rwatibva mumwoyo;

kudzana kwedu kwasanduka kukava kuchema.

16Ndaza yakudubuka mumusoro medu;

hamhenoka zvedu iyesu nokutadzira Mwari kwedu ikoku.

17Pamusana pazvo tinorwadziwa mwoyo,

pamusana paizvozvo maziso tavakuonera madzerere.

18Guta reZioni rangove guta,

ndomava mumusha memakava.

19Asi imi Tenzi

munotonga nokusingaperi;

chigaro chenyu choushe

chinoramba chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.

20Munotikanganwireiko nokusingaperi

munotirasireiko kwenguva yakareba kudai?

21Tidzorerei kwamuri Tenzi

kuti tidzokere pakare.

Vandudzai mazuva edu ave sakare.

22Kana kuti mabva matiramwa zvachose here;

uye hasha dzenyu dzakanyanyisa here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help