Vakorose 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

III: KUKURUDZIRA UPENYU HWAKANAKAUpenyu hwenyu naKristu

1Zvino kana makamuka pamwechete naKristu kudai tswakai zviri kumusoro kuna Kristu kwaagere kurudyi rwaMwari.

2Isai mwoyo yenyu kune zvokudenga, kwete zvapasi pano.

3Ndinodaro nokuti makafa uye kuti upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari.

4Panenge iye Kristu, upenyu hwedu, azozviratidza, ipapo, imiwo muchazoratidzwa muinaye mumbiri.

5Naizvozvo urayai zvenyika zviri mamuri izvi zvinoti: ufeve, zvisina kuchena, havi dzakaipa, nokudokwairira uipi nokukarira upfumi zvinongova zvimwechetezvo nokunamata zvifananidzo.

6Pamusana paizvozvi Mwari ari kuuya akashatirwa.

7Makambofamba mazviri pamaigara mazviri.

8Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa.

9Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo

10mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo.

11Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose.

12Naizvozvo imi vasarudzwi vaMwari, vatsvene vapamwoyo, pfekai tsika yemwoyo wetsitsi, nomwoyo wokuzvirereka, nomwoyo munyoro nomwoyo murefu,

13nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana.

14Pamusoro paizvozvi pfekai rudo runobatanidza zvose pamwechete mukuwirirana chaiko.

15Rugare rwaKristu ngarwutonge mumwoyo menyu. Ndizvo chaizvo zvamakadaidzirwa kuti muve mumuviri mumwechete muchitenda.

16Shoko raKristu noupfumi hwaro ngarinyatsoti tindindi mamuri muchidzidzisana nokurairana noungwaru muchiimba nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchitenda Mwari mumwoyo menyu.

17Chiri chose chamunoita, kungave kutaura kana kuita, zviitei muzita raTenzi Jesu, muchitsvitsirwa naye kutenda kwenyu kuna Baba.

Magariro akanaka emhuri

18Madzimai zviisei pasi pavarume venyu sezvazviri izvo zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi.

19Imi varume idai vakadzi venyu musave norushusho kwavari.

20Imi vana, teererai vabereki venyu muna zvose nokuti ndizvo zvinofadza Tenzi.

21Vanababa musashatirise vana venyu, vangadaro vakarasa mwoyo.

22Imi varanda teererai muna zvose vanhu vanenge vari vatenzi venyu pasi pano, kwete zvokubata vanhu kumeso savanhu vokungoda kufadza vanhu. Zviitei nomwoyo mumwechete mutye Tenzi.

23Chipi nechipi chamunoita chiitei nomwoyo wose sokunge munoshandira Tenzi, kwete vanhu,

24sezvamunoziva kuti muchagamuchira nhaka somubayiro wenyu, nokuti Tenzi Kristu ndiye wamuri kushandira.

25Ndinodaro nokuti muiti wezvakaipa achawana mubayiro wake, pasina zvorusaruro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help