Sira 27 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Vazhinji vakaita zvisakarurama

kuti vawane mari zhinji,

anonyanya kuda kuzvipfumisa haatarisi vamwe.

2Hoko inoroverwa inowana painobata napo

pakati pamatombo kuti isimbe,

nechitadzowo chinowana pachinopinda napo

pakati pokutenga nokutengesa.

3Kana munhu asingabva ati kwati–kwati pakutya Mwari,

imba yake haitani kuparadzwa.

Kutaura kwomunhu

4Ukasefa zvinhu marara anosara musefa

ndizvozvowo zvine munhu,

mukutaura kwake ndimo munobuda zvakaipa zvake.

5Zvinoumbwa nomuumbi, zvinoonekwa zvazviri mumoto

mukutaura ndimo munoonesa munhu zvaari.

6Muchero unoratidza muchengeterwo wakaitwa muti,

mazwi omunhu ndiwo anoisa pachena kwakarerekera pfungwa yake.

7Rega kurumbidza munhu asati ataura,

nokuti kutaura kwomunhu ndiko kunomuonesa kuti munhui.

8Kana ukavavarira kuwana ururami,

uchauwana, uchaupfeka, sechipfeko chinokupa mbiri.

9Shiri dzinomhara pane dzorudzi rwadzo,

chokwadi chinouya kuzogara navanoita zviri pachokwadi.

10Shumba inogaririra kubata mhuka,

ndozvinoitawo chitadzo kuna vanoita zvisakarurama.

11Munhu anotya Mwari anotaura noungwaru nguva dzose,

asi benzi rinosanduka–sanduka somwedzi.

12Mukati mavasina musoro

tsvaga mabviro,

asi mukati mavanofunga ramba urimo.

13Hurukuro dzamapenzi dzinosemesa,

ndizvo zvavanoita tsetswa nazvo.

14Vhudzi rinobva rati nyaranyandu nokunzwa kuzavaza

kwavanonyanyopika,

bopoto ravo rinoita kuti udzivire nzeve.

15Nharo dzavanozvikudza dzinosvitsa pakudeura ropa.

Kuvanzwa vachituka chinhu chinorwadza kwazvo.

Kuparidzira zvakavandika zvavamwe

16Ane mharidzira haambofa akaonekwa seanotendeseka,

haambofawo akawana shamwari chaiyo yapamwoyo.

17Kana uchida shamwari yako, iva wakatendeseka kwairi,

asi kana ukaita mharidzira nezvakavandika zvake,

usazoramba woteveredzana naye,

18sokuuraya kunoita munhu muvengi wake

ndokuuraya kwawaita ushamwari nomumwe wako.

19Sezvaunongoita uchibhururutsa shiri mumaoko ako,

watoita kuti mumwe wako aende, hauchamubatazve.

20Chirega zvako kumutevera, atova kure,

atiza semhene yapunyuka mumambure.

21Ronda ringasungwe zvaro

uye, anenge atuka angawadzanwe naye,

asi anenge aita mharidzira nezvakavandika haana

nechitarisiro chose.

Chiuyaneshure

22Anochonya ziso ane twaari kuronga twakaipa,

angamumise pana izvozvo hapana.

23Kana makatarisana uso nouso anonatsa mukanwa,

achiita saanofarira zvaunotaura,

asi kana ati pote, anotaura napasipo,

achiita kuti mazwi ako ave anogumbusa vamwe.

24Ndine zvizhinji zvandisingadi,

asi hapana chinosvotesa chandinovenga somunhu akadai,

uye, Mwari anotomuvengawo.

25Anopotsera dombo mudenga nechapamusoro pake chaipo

kutozvipotsera dombo pamusoro pake;

anorova mumwe zvoujarijari,

anozviparira maronda akawanda.

26Anochera hunza, anowiramowo iye.

Anoteya musungo, anobatwawo nawo;

27anoita zvakaipa, uipi huchazomupfukira,

kwaunobva nako haazokuzivi.

28Kuita vamwe chiseko nokushora ndiro basa

ravanhu, vanozvikudza,

asi kutsividzwa kunomugaririra seshumba.

29Vanofarira nhamo dzavanamati

vachabatwa, nomusungo,

vachaona nhamo tsvuku vasati vafa.

Hasha

30Hasha nokutsamwa ndizvowo zvimwe zvandisingadi zvangu;

asi mutadzi naizvozvi, mukombe nechirongo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help