Ezekieri 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muenzaniso wamakondo nomuti womugirepisi

1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Iwe mwanakomana womunhu, rondedzera dimikira, utaure nomuenzaniso kuimba yeIsiraeri.

3Iti zvanzi naTenzi Mwari,

“Rimwe gondo guru rina mapapiro makuru

rine minhenga mirefu

yakawanda ina mavara-mavara

rakaenda kuRebhanoni

rikatanha musoro womuti womusidhari.

4Rakatanha kapazi kapamusoro-soro chaipo

rikakatakura kunyika yevemhindu dzokutengeserana.

Rakanokaisa muguta ravashambadzi.

5Gondo rakatorawo mhodzi

yomunyikamo rikaidyara muvhu rakaorera,

rakaidyara munyasi memvura zhinji

sekusimwa kunoitwa kapazi komuti womusambangwena.

6Mhodzi iya yakabuda

ikava mugirepisi unoti unotanda napasi.

Mapazi awo akakwira mudenga;

akakura akananga kugondo riya.

Midzi yawo yakadzika pasi.

Saizvozvo wakava mugirepisi

wakaita mapazi ukaita pfumvudza.

7Asi pakanga paine rimwezve gondo guru

rina mamapiro makuru

rine minhenga yakawanda.

Zvino mugirepisi uya

wakanangisa midzi yawo kwariri

mugirepisi wakarerekera mapazi awo kwariri

kuti gondo riudiridze.

Gondo iri rakautora ipapo

8rikandousima pavhu rakanaka

pane mvura yakawanda kuti uite mapazi akawanda

ubereke muchero,

uvewo mugirepisi wakanakisisa.

9“Taura uti zvanzi naTenzi Mwari,

‘Ucharara here?

Gondo irori haiudzuri here

richiutyora mapazi awo.

Zvokuti pfumvudza dzawo dzinouna.

Haumboda ruoko rwakasimba

kana kuti vanhu vakawanda vokuudzura nemidzi.’

10Nhaimi, kana ukabviswa ipapa

ukasimwa pamwe unorarama here?

Haubva wanyatsouna here?

Kana mhepo yokumabvazuva

ikauvhuvhuta uchibva wauna

panzvimbo ipapo pawasimwa.”

Tsananguro yomuenzaniso wamakondo nomugirepisi

11Izwi raTenzi rakazouya kwandiri richiti,

12“Taurira imba yakapanduka iyi kuti, ‘Hamuzivi here zvinoreva zvinhu izvozvi? Vataurire kuti Mambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu akatora mambo waro namachinda aro akaenda navo kuBhabhironi.’

13Akatora mumwe wokumba huru semhodzi akaita chitenderano naye achimuita kuti apike nemhiko. Vakuru-vakuru vaakanga atora,

14akavatorera kuti nyika iyo ininipiswe irege kusimudza musoro. Uye kuti nokuchengeta kwainenge yaita chitenderano chake naye ikwanise kuramba imire.

15Asi akamupandukira nokutumira kwakaita nhume dzake kuIjipiti kuti imupe mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Munhu anoita zvakadai angapunyuke here? Anogona kutyora chitsidzirano achizopunyuka here?

16“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, munhu uyu akarega kufira mukati imomo meBhabhironi, munzvimbo yacho yamambo akamugadza umambo ane chitsidzirano chaakashora uye ane chitenderano naye chaakatyora handisirini.

17Farao nehondo yake huru navanhu vazhinji haangagoni kumubatsira muhondo paye panenge paitwa mudhuri vatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho kuti vauraye vanhu vazhinji,

18nokuti akazvidza mhiko akatyora chitenderano, asi akatosimudza ruoko kupika, pedzepo woita zvose izvi, haambopunyuki.”

19Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Hezvino ndakadai, ndikarega ini kuti chitsidzirano changu chaakashora, nechitenderano changu naye chaakatyora zvimupfukire, handisirini.

20Ndichamukanda mambure angu omuti mbunde-mbunde kumubata ndigoenda naye kuBhabhironi ndigomupinza dare ikoko nemhosva yokusatendeseka kwake kwandiri.

21Nyanzvi chaidzo dzevarwi vake vehondo vachafa nebakatwa; vanenge vapunyuka vachiti mwarara kumativi ose. Iwe uchabva waziva kuti ndini Tenzi ndazvitaura.”

Chivimbiso chaMwari chine chitarisiro

22Zvanzi naTenzi Mwari,

“Iyeni pachangu ndichatanhawo

pabazi rapamusorosoro chaipo

pomuti murefu womusidhari bukira.

Ndichatanha richiri idzva-idzva

rapamusoro-soro penzvanzvana dzamapazi awo

iyeni pachangu ndichirisima

pamusoro pegomo rakakwirira refu-refu.

23Ndicharisima pakakwirira

mugomo reIsiraeri kuti uve nemapazi

ubereke muchero uve musidhari wakanakisisa.

Pasi pawo pachizogara

mhuka dzamarudzi namarudzi,

mumumvuri mawo shiri dzemhando nemhando

dzichizoita matendere adzo.

24Miti yose yesango ichaziva

kuti ini Tenzi ndinopfupikisa muti murefu

ndichirebesa muti mupfupi.

Ndinoomesa muti munyoro

ndichipfumvudzisa muti wakaoma.

Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help