Ruka 6 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Jesu ndiMambo weSabata(Mat 12:1–8; Mak 2:23–28)

1Zvakazoitika kuti nomumwe musi weSabata Jesu aifamba napakati peminda yekoroni, vadzidzi vake vaipurura hura dzekoroni vachidzipukutira mumaoko vachidya.

2Vamwe vavaFarisei vakati, “Munoitirei zvisingabvumirwi nomusi weSabata?”

3Jesu akavapindura akati, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi uya waakanga oziya iye navanhu vaaiva navo,

4kuti akapinda mumba yaMwari akatora zvingwa zvakasumwa kuna Mwari akazvidya akapawo vaaiva navo kunyange zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kusiya vapristi voga?”

5Ndokuti kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiMambo weSabata.”

Jesu anoporesa munhu aiva noruoko rwakakokonyara(Mat 12:9–14; Mak 3:1–6)

6Zvakaitikazve kuti nerimwe Sabata Jesu akapinda musinagogu akadzidzisa, imomo maiva nomunhu akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara.

7Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakanyatsomutarisisa vachida kuona kuti angaporese here nezuva reSabata, kuti vawane mhosva yokumubata nayo.

8Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira.

9Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?”

10Akaringa–ringa achitarisa vose ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akabva aita saizvozvo; ruoko rwake rukabva rwatasamuka.

11Asi ivo vakashatirwa zvikuru chaizvo vakarangana kuti vangaitei naJesu.

Jesu anosarudza vapositori gumi navaviri(Mat 10:1–4; Mak 3:13–19)

12Pamazuva iwayo Jesu akabuda akaenda kugomo kundonamata. Akapedza usiku hwose achinamata kuna Mwari.

13Kuzoti kwaedza, akadana vadzidzi vake akasarudza pakati pavo gumi navaviri, vaakatumidza zita rokuti vapositori.

14Kunoti Simoni waakatumidza zita rokuti Pita, naAndireya munun'una wake, kwoti Jemusi, naJohani, kwozoti Firipi, naBhatoromeo,

15tevere Mateu, naTomasi, kwouya Jemusi mwana waArifeo, naSimoni muZiroti,

16Ndokuzouyawo Judhasi mwana waJemusi, naJudhasi Isikariyoti uya akazova mupanduki.

Vanhu vazhinji vakauya kuzonzwa nokuporeswa naJesu(Mat 4:23–25)

17Zvino akaburuka navo akandomira panzvimbo yakati chechetere aina vadzidzi vake vazhinji nechita chikuru chavanhu vakabva muJudhea yose nomuJerusaremu nomunyika yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa,

18vakanga vauya kuzonzwa zvaaitaura nokuporeswa matenda avo. Uye vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa vakaporeswa.

19Vanhu vose vaivapo vaivavarira kumubata nokuti simba rakanga richibuda maari richiporesa vose.

Makomborero nenhamo(Mat 5:1–22)

20Zvino Jesu akatarisa vadzidzi vake ndokuti,

“Makakomborerwa zvenyu imi varombo nokuti

umambo hwaMwari ndohwenyu.

21“Makakomborerwa zvenyu imi mune nzara zvino

nokuti muchazogutswa.

Makakomborerwa imi munochema zvino

nokuti muchazoseka.

22“Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikuvengai,

vasingadi kufambidzana nemi,

vachikunyombai vachiipisa zita renyu,

sechinhu chakaipa, pamusana poMwanakomana womunhu!

23Farai pazuva iroro, muchipembera

nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga.

Ndinodaro nokuti ndizvozvowo zvakaita

madzibaba avo kuna vaporofita.

24“Asi zvichakuwanai imi vapfumi

nokuti kugarika kwamunako

ndikoko kwese kwamatowana.

25“Zvichakuwanai imi munamaguta zvino

nokuti muchazova nenzara.

Zvichakuwanai imi munoseka zvino

nokuti muchasuruvara nokuchema.

26“Zvichakuwanai imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka

nezvenyu nokuti ndizvozvowo zvakaita madzitateguru avo

kuna vaporofita venhema.

Idai vanokuvengai(Mat 5:38–48; 7:12a)

27“Asi kunemi makateerera ndinoti, Idai mhandu dzenyu, itirai zvakanaka vanokuvengai.

28Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai.

29Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako.

30Ani naani anokukumbira chinhu mupe; uye anokutorera zvinhu zvako rega kunozvireva kwete.

31Zvamunoda kuti vamwe vakuitirei vaitireiwo saizvozvo.

32“Kana muchingoda vanokudai, munokodzera chitusoi? Nokuti kana vatadziwo vanoda vanovada.

33Uye kana muchiitira zvakanaka vanokuitirai zvakanaka munokodzera chitusoi? Nokuti kunyange vatadzi vanodarowo.

34Kana muchikweretesa vamunofunga kuti vanozokudzorerai munokodzera chitusoi? Kana vatadzi vanokweretesa vamwe vatadzi kuti vagodzorerwa zvakaenzana.

35Asi imi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka, mukweretese musingatarisire kuti muchadzorerwa, ipapo mubayiro wenyu uchazova mukuru uye muchazova vana voWokumusorosoro nokuti iye ano mwoyochena kuna vasingatendi nokuna vakaipa.

36Ivai netsitsi saBaba venyu vane tsitsi.

Kutongera vamwe zvisizvo(Mat 7:1–5)

37“Musatonge vamwe, nemi hamuzotongwi, musape vanhu mhosva, nemi hamuzopihwawo mhosva. Regereranai, nemi mucharegererwawo.

38Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.”

39Akazovataurirawo muenzaniso achiti, “Ko bofu ringatungamirire rimwe bofu here? Haangawire mugomba ose ari maviri here?

40Mudzidzi haasi mukuru panomudzidzisi wake. Asi kana munhu wose achinge anyatsodzidziswa anoita somudzidzisi wake.

41Ko unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni danda riri muziso mako.

42Kana kuti ungagone sei kuti kuhama yako, ‘Hama, rega ndikubvise kabanzu kari muziso mako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso mako?’ Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso mako, kuti unyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

Muti nomuchero wawo(Mat 7:16–20; 12:33–35)

43“Muti wakanaka haubereki muchero wakaipa. Uyewo muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.

44Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havatanhi maonde paminzwa kana magirepisi parukato.

45Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make.

Vavaki vedzimba vaviri(Mat 7:24–27)

46“Seiko muchinditi, ‘Tenzi, Tenzi,’ imi musingaiti zvandinoreva?

47Munhu wose anouya kwandiri, achinzwa mazwi angu, achita zvaanoreva, ndichakuratidzai kuti akaita saani.

48Akafanana nomunhu akati avaka imba, akachera zvakadzama kwazvo, ndokuvakira ugaro hwayo paruware. Pakauya mafashafasha emvura, rukova rwukaroverera pamba iyoyo rukatadza kuizunguza nokuti yakanga yakanyatsovakwa.

49Asi uyo anonzwa mashoko angu asingaaiti, akafanana nomunhu akavakira imba yake pavhu, isina ugaro. Rukova rwakaroverera pairi, ikawa pakarepo, kuparara kwemba iyoyo kukava kukuru kwazvo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help