Hosea 6 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kutendeuka kwechipameso

1“Uyai tidzokere kuna Tenzi

nokuti ndiye akatibvambura kudai,

kuti atirape;

ndiye akadai kutirova,

achatisunga maronda.

2Mushure memazuva kana maviri zvawo

achatimutsurudza,

mune rechitatu iri achitimutsa

kuti tigare zvedu naye.

3Ngatizivei,

ngativavarirei kuziva Tenzi

kuuya kwake kuri pachokwadi

sokusvika kunoita mambakwedza,

achauya kwatiri

semvura inonaya

semvura yomunhuruka inodiridza nyika.

4“Ndodiiko nemi vanhu vokwaEfuremu?

Ndodiiko ini nemi vanhu vokwaJudha?

Rudo rwenyu,

rwakaita semhute yemangwanani,

sedova zvaro risingatani kunyungudika.

5Ndokusaka ndakavapanha nevaporofita,

ndichivasakadza kuuraya

namazwi omuromo wangu.

Kutonga kwangu kunoti bha-a

kuvheneka sechiedza.

6Ndinodaro nokuti chandinoda ini,

rudo chairwo

kwete zvibayiro,

uye kuziva Mwari

pane kupirwa mipiro yokupisa.

7“Asi savanhu vakatyora Chitenderano

ikoko havana kuva vanhu

vakatendeseka kwandiri.

8Gireadhi iguta ravaiti vezvakaipa,

guta revadeuri veropa.

9Sezvinongoita makororo kuhwandira vanhu

ndizvozvo zviri kuitwa navapristi,

vanouraya vanhu panzira inoenda Shikemu.

Ndozvavanoita chaizvo zvakaipisa.

10Ndakaona chinhu chakaipisisa

muimba yokwaIsiraeri

VokwaEfuremu vanoita ufeve

vachin'oresa vanhu vokwaIsiraeri,

11nemiwo vokwaJudha muchakohwa

mubayiro wenyu wakakumirirai.

Pandichadzosa kutapwa vanhu vangu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help