2 Vanamakabhi 6 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kumanikidzwa kwavaJudha kunamata vamwari vasirivo

1Mushure maizvozvi, kusati kwambopera nguva yakati kuti, mambo akatuma mumwe mukuru wokuAteni kundomanikidza vaJudha kukanda pasi mirao yamadzibaba avo uye kuti varege kunge vachaita upenyu hwokutevedza mitemo yaMwari

2uyewo kuti andon'oresa Temberi yomuJerusaremu aitumidze zita rokuti Temberi yaZeusi wokuOrimbia atumidzewo imwe yomuGerizimu zita rokuti Temberi yaZeusi Shamwari yeVaeni sezvaiitwa navanhu vaigara kunzvimbo ikoko.

3Dambudzo iri rakaipa rakaramba raoma kuritakura,

4nokuti muTemberi makanga mazara nezvounzenza muchiraswa muromo kutaura zvakafumuka navanhu vechirudzi vosasana zvavo nepfambi vachitorara zvavo navakadzi makaremo munhandare dzinoera uku vachiuyawo nezvinhu zvokuzoita zvibayiro, izvo zviri zvinhu zvisina kana kumbokodzera.

5Atari yakanga yazara nemipiro inosemesa Mwari, mipiro yakanga ichirambidzwa nemirao.

6Hakuna munhu akange achakwanisa kuchengeta Sabata kana kurangarira mazuva makuru amadzibaba ake kana kutaura kuti ndiri muJudha.

7Pazuva guru rokupemberera kuberekwa kwamambo rairangarirwa mwedzi mumwe nomumwe, vaJudha vaitutwa vachiita zvokumanikidzwa zvinorwadza kundodyawo navo zvibayiro zvacho. Painge Zuva Guru raDhionisusi rasvika, vaimanikidzwa kuti vafambe vakaita dungwerungwe rokuremekedza iye Dhionisusi vakapfeka zviremba zvamashizha omuaivhi.

8Sokutaurawo kwakambenge kwaita Toremi, kwatemwa chirevo kumaguta avaGiriki omunharaunda imomo kuti vaite zvimwechetezvo kuvaJudha kuti vadyewo zvibayiro izvozvo

9uye kuti vanofanira kuuraya vanhu vanenge varamba kusarudza kupindukira kutsika dzechiGiriki. Naizvozvo munhu ainyatsozvionerawo pfumvu yakanga yavawira iyi.

10Sezvakamboitika zvokuti mamwe madzimai maviri akaunzwa pamusana pokuti vakanga vadzingisa vana vavo vakomana. Madzimai aya akafambwa nawo achiratidzwa kuguta rose vaine vana vavo vakasungirwa padundundu. Vakasairirwa pasi vakadonha parusvingo vakati musoro pasi makumbo mudenga.

11Vamwewo vakanga vaunganidzana mumapako aiva padyo nepo kuzochengeta zuva reSabata muchivande, vakacherwa kuna Firipi, vakapiswa vose zvavo pamwechete nokuti hana dzakavarambida kuzvidzivirira mwoyo yavo pamusana pokuremekedza zuva rinoeresesa kwazvo kudaro.

Kududzirwa kwenhamo dzaioneswa vaJudha

12Zvino ndinokukurudzirai imi vanoverenga bhuku rino kuti murege kuoodzwa mwoyo nenhamo dzakadai idzi. Asi kuti muonewo kuti kurangwa ikoko hakuna kuuyisirwa kuzoparadza asi kuti kuzonyatsodzidzisa vanhu vedu.

13Zviripo ndezvokuti, chinhu chinoratidza mutsa kusaregerera uipi huchienderera kwenguva ndefu asi kutohuronga pakarepo zvinotoratidza mutsa wakakura kwazvo.

14Kana ari mamwe marudzi aya avanhu Tenzi anoita mwoyo murefu wokumirira asati avaranga kudzamara vanyatsopedzisa kuita zvitadzo zvavo. Asi hazvisizvo zvaanoita nesu

15achiitira kuti arege kuzotitsividza mushure mokunge zvitadzo zvedu zvazosvika pakaipisisa.

16Naizvozvo haambofa akarega kutiitira tsiye nyoro. Kunyange zvazvo achitiranga nenhamo, iye haafuratiri vanhu vake.

17Chiregai zvatareva izvi zviite sechiyeuchidzo, isu tinofanira kuchirondedzera muchidimu rungano urwu.

Rufu rwaEreazari

18Imwe nyanzvi yomutemo, Ereazari, aiva nechigaro chapamusoro akanga ava munhu wechikuru aine chiremera akanga achimanikidzwa kuti ashame muromo wake adye nyama yenguruve.

19Asi iye akazviti zviri nani kufa nechiremera pano kuita upenyu husina kururama. Akasvipa nyama iyoyo akakwira oga paiurairwa vanhu.

20Akaenda sokuenda kunofanira kuita varume vane chivindi chokuramba kudya zvinhu zvisingafaniri kudyiwa kunyange zvake somunhu aida upenyu.

21Vanhu vakanga vachiona nezvepachibayiro chisiri pamutemo ichocho vakatora murume uyu pake oga pamusana pokuzivana naye kwenguva ndefu. Vakamukurudzira muchivande kuti aunze imwe nyama yakewo pachake yaanozviwanira iye, yakamunakira kushandisa adye aite seari kudya nyama yechibayiro chakanga chanzi namambo chiitwe

22kuitira kuti achinge aita saizvozvo agoponeswawo arege kufa agoitirwawo tsiye nyoro pamusana poushamwari hwavo hwakare.

23Asi iye akanyatsofunga kuita chinhu chikuru chinokodzeranawo nezera rake nechiremera chake somunhu wechikuru; akanga asvikawo pakutochena musoro aine unhu hwakanakisisa kudaro uye nomugariro wake waakanga aita kunyange kubvira pauduku hwake chaipo; uyewo maererano nomutemo unoera wakapiwa naMwari akabva adudza pachena akavati vamuendese zvavo kuNzvimbo yavaChakabvu.

24Iye akati, “Kunyengedza kwakadaro hakukodzerane nezera rangu, vechidiki vazhinji vangadaro vakazoti, ‘Ereazari mugore rake rechimakumi mapfumbamwe akazopindukira kune zvokunamata kwevechirudzi

25uye nokunyengedza kwangu pamusana pokuda kumboitawo kanguva kakati kuti ndiri mupenyu, ndirasise vechidiki ndichin'oresa nokufumura uharahwa hwangu.’

26Ndinodaro nokuti kunyange zvazvo ndikapunyuka kurangwa navanhu pari nhasi; asi kunyange ndiri mupenyu kana kufa handizopunyunki mumaoko aSamasimbaose.

27Naizvozvo nokuzvipira upenyu somurume kwandinoita iye zvino, ndinoratidza kuva munhu akakodzeranawo nezera rangu,

28zvichisiyirawo vechidiki mucherechedzo une chiremera kuti munhu angafe sei rufu rwakanaka achida uye achifira mitemo inoremekedzwa uye inoera.”

Paakangopedza kutaura izvozvi akabva aenda paiurairwa vanhu.

29Vanhu vaimbenge vaine mutsa naye kanguva kachangoti pfuurei, ndivo zvino vakasanduka vomuipira pamusana pokuti zvaakanga ataura izvozvi, vaizviona soupenzi chaiho.

30Paakanga ava kufa nokurohwa kwaaiitwa akagomera zvinonzwika akati, “Izvozvi izvi Tenzi ari kutozviona pachena noruzivo rwake runoera kuti kunyange zvangu ndaigona kununurwa kurufu, asi ndiri kushirira kurwadza uku kwakaipisisa mumuviri mangu kwaunzwa nokurohwa uku. Zvakadaro zvazvo ini mumwoyo mangu ndiri kutofarira kutamburira zvinhu izvozvi nokuti iye ndinomutya.”

31Saka ndiwo mafiro aakaita; norufu rwake akasiya muenzaniso une chiremera uye chiyeuchidzo chokushinga mwoyo kusiri kungosiyira izvozvi vechidiki chete, asi kunyange kuna vamwe vazhinji verudzi rwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help