Jobhu 8 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mhinduro yaBhiridhadhi.Ruenzaniso RwaMwari

1Ndipo pakazopindurawo Bhiridhadhi muShuhi achiti,

2“Ucharamba uchitaura uchidai kusvikira riniko,

mashoko ako achinge dutu remhepo kudaro?

3Mwari angaite zvisina ruenzaniso here?

Samasimba angaite zvisina kururama here?

4Kana vana vako vakamutadzira

akavaisaka mujambwa rokutadza kwavo.

5Ukatsvaka Mwari

uchinamata kuna iye Samasimba,

6kana uri mutsvene wakarurama,

anotokusimukira achikupa

mubayiro wopokugara pakanaka.

7Kutangisa kwako kungave kuduku zvako

asi kumagumo kwazvo zvichava zvikuru.

Chidzidzo chinobva kune zvakaitwa kare.

8“Chimbobvunzawo zvako zvizvarwa zvakapfuura,

umborangarira zvakaonekwa namadzibaba.

9Nokuti isu tiri vazuroka isu,

zvatinoziva hapana nokuti mazuva edu panyika

akangofanana nomumvuri.

10Havangakudzidzise here

vachitaura mazwi anobva mukunzwisisa kwavo?

11Idzo nhokwe dzingakure nhai pasina machakwi,

tsanga dzingaite zararira here pasina mvura?

12Zvichina maruva hazvo

uye zvisina kuchekwa

zvinotangira zvimwe zvinomera kuuna.

13Ndiro gwara ravose vanokanganwa Mwari

chitarisiro chaasiri munamati chinoparara.

14Chivimbo chake chinoita chimwandamwanda,

chaanovimba nacho imba zvayo yebuwe.

15Anozendama paimba yake iyoyo asi kumira haimiri,

anoti mbunde nayo asi haimiri.

16Muzuva anokasira kwazvo kukura

achipasa kwazvo nhungiro mubindu rake rose.

17Midzi yake inomonererana namatombo

kusvika paruware.

18Anogara pakati pamabwe

kungodzurwa chete panzvimbo pake

panoti hatimbokuziva

19Ndirwo chete rufarowo rwaanowana

dzimwe dzinokura panyika

dzotora nzvimbo yake.

Mwari anogamuchira vakarurama

20“Chinzwa, Mwari haarasi munhu asina mhosva.

Iye haaitiwo ushamwari navanoita zvakaipa.

21Achakupa tsetswa zvokutoseka zvako.

Nomuromo wako uchiita chikwee kuseka.

22Vanokuvenga vachazara nenyadzi.

Tende ravaipi panenge pasisina.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help