Ezira 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Makakatanwa akamuka okurwisa kuti Temberi irege kuvakwa

1Vavengi vavanhu vokwaJudha nokwaBhenjamini pavakanzwa zvino kuti vanhu vokumbotapwa vakadzoka vaye vari kuvakira Tenzi, Mwari weIsiraeri Temberi,

2vakaenda kuna Zerubhabhero nevatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba vakati kwavari, “Hatingavakewo here nemi nokuti isu tinotsvakawo Mwari wenyu kungoitawo imi uye tanga tichingopira zvibayiro kwaari kubvira panguva yaEsarihadhoni mambo weAsiria nyakutiuyisa kuno.”

3Asi Zerubhabhero naJeshua navamwe vose vatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba omuIsiraeri vakati kwavari, “Hazvinei nemi kuti isu tiri kuvakira Mwari wedu imba! Asi kutoti iyesu toga ndisu iyesu tichavakira Tenzi, Mwari weIsiraeri sokuudzwa kwatakaitwa namambo Sairosi, mambo wePezhiya.”

4Vanhu vomunyika umu vakaodza mwoyo vanhu vokwaJudha vachivapinza mukutya kuvaka

5vachivakokera mamwe makurukota okuita zvokubhadhara kuti zvavaida zviparare mazuva ose aSairosi mambo wePezhiya kunyangovawo nomumazuva aDhariosi mambo wePezhiya.

Gakava rakambomisa Jerusaremu kuvakwa patsva

6Kuzoti Ahashieroshi ava kutonga, achangotangisa kutonga vakanyora mhosva dzokupomera vagari vemaJudha neJerusaremu.

7Panguva yaAtakizesesi, Bhishiramu naMitiredhati naTabhieri navamwe vavo vose vechikwata chavo vakanyorera Atakizesesi mambo wePezhiya tsamba yakanyorwa nomutauro wechiArameiki ikaturikirwa.

8Mumwe mutongi ainzi Rehumu nomunyori Shimushai vakanyorera mambo Atakizesesi tsamba yokupomera Jerusaremu mhosva sezvizvi vachiti;

9“Ndisu vanaRehumu

mutongi nomunyori, Shimushai nevamwe vose

vechikwata chedu pamwechete navatongi

namasadunhu navakuru vakuru vechiPezhiya

navarume vokuEreki novokuBhabhironi

uye varume vokuSusa,

ndivo vaEramu ivavo,

10pamwechete navemamwe marudzi ose

aye vakatapwa navakuru vakuru vokumba huru

Osinaparu akagariswa kuSamaria nokuna mamwe

maruwa ose enyika dziri Mhiri kweRwizi.”

11(Iyoyi ndiyo tsamba yavakatumira vachiti), “Ndisu varanda venyu vokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi tanyorera imi mambo Atakizesesi tichikukwazisai.

12“Tingade kuti imi mambo muzive kuti vaJudha vakabva kwamuri vachiuya kwatiri vakasvikoenda kuJerusaremu. Vari kutovaka guta riye roumhandupandu nouipi. Vava kutopedza tsvingo dzacho nokugadziridzawo ugaro hwaro.

13Tati tikurumei nzeve mambo muzive zvenyu kuti guta irori rikangovakwa chete, tsvingo dzaro dzapera, havasi kuzobvisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira nezvoupfumi hwokwamambo hauzowanika.

14Zvino pamusana pokuti tinodya zvomumuzinda tinozviona zvisinganake kuzotarisa zvedu mambo achishorwa. Ndokusaka tati tifane takurumai nzeve,

15kuitira kuti nyaya iyi imbotariswa muBhuku reZvinyorwa zvamadzibaba enyu. Muchazviwana muBhuku reZvainyorwa iroro mugoziva kuti guta irori iguta rechimurenga, munzwa zvawo chaiwo uri mundove kumadzimambo nokunyika dzaiva pasi paro. Vanhu vakangogara nokugara vari kusokana mweya woupanduki. Ndochakapawani kuti guta irori riparadzwe.

16Ndokusaka tati izvozvi zvisvikewo munzeve dzamambo, zvokuti guta iroro rikavakwa, tsvingo dzaro dzikapera, chenyuwo munyika dziri pasi penyu Mhiri kuno kweRwizi rwaYufuratesi, panenge pasisina.”

17Mambo akatumira mhinduro achiti,

“Netsamba yangu iyi imi mutongi Rehumu

nomunyori Shimushai

navamwe vose vechikwata chenyu vanogara kuSamaria

nokumwe kwose mumaruwa enyika

iri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi,

ndinokukwazisai.

18Zvino tsamba yamakatitumira

ndakanyatsoiverengerwa

19ndikatema chirevo kukatsvakwa

zvikawanika kuti guta irori chingo nechingo

rakangogara riri rokumukira madzimambo

uye kuti imomo zvechimurenga

nokusokana mweya zvoupanduki zvakatoitwa.

20Uye muJerusaremu makamboita madzimambo

ane simba guru kwazvo

vakatombotongawo maruwa ose

enyika dziri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi

kwavari kuchitoendeswawo mutero nezvirehwarehwa

zvokwamambo pamwechete nomutero wenzira.

21Saka chitemerai vanhu ivavo

chirevo chokuti vabva vamiswa uye

kuti guta irori rirege kuvakwa

kusvikira ini ndatozotema chirevo.

22Mochichenjera,

murege zvechinono panyaya iyoyi.

Umharadzi hwakadaro hungaregererweiko

huchikura zvokuzosiya hwarozva mambo?”

23Kuzoti tsamba yamambo Atakizesesi payakazoverengerwa Rehumu naShimushai munyori nevechikwata chavo vakabva vaita zvechimbichimbi kuenda kuJerusaremu kuvaJudha. Vakabva vaita zvokuvamanikidza nechisimba kuvamisa.

Kutangazve kuvaka Temberi kwakaita vaJudha (515—520 KAA)

24Basa remba yaMwari iri kuJerusarmu rakabva rambomira rakadaro. Rakamira rakadaro kusvikira gore rechipiri rokutonga kwaDhariusi mambo wePezhiya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help