1Munhu asingafungi, anovimba nechitarisiro
chisina maturo,
zviroto zvinopa benzi mapapiro.
2Munhu anovimba nezviroto
kana munhu anodzingirira mhepo
akafanana nomunhu anoedza kubata mumvuri.
3Mukurota pane zvinhu zviviri zvinotarisana uso nouso,
sezvinoita uso hwomunhu nehwemuchiringiriro.
4Hapana chakachena chingabude mutsvina
nechokwadiwo hachingabudi mumanyepo.
5Kukandira hakata namashura nezviroto
zvinhu zvisina maturo
zvakafanana nepfungwa dzisina chirimo
dzomukadzi arwadziwa napamuviri.
6Usaite hanya nazvo,
kusatoti zvatumwa noWokumusorosoro sokushanyirwa.
7Zviroto zvakanyengedza vazhinji
uye vakavimba nazvo vakakundika nazvo.
8Mutemo unogona kuchengetwa zvizere,
pasina unyengedzi hwakadai.
Mumuromo womunhu akatendeka ndimo
munobuda ungwaru uzere.
Nzendo9Munhu akafamba nyika zhinji anozivawo zvizhinji,
nouyowo akaona zvizhinji anotaura zvina maturo.
10Uyo asina chati chamuedza anozivawo zvishoma,
asi munhu akafamba anowana mazano.
11Munzendo dzangu ndakaona zvakawanda
ndinonzwisisa zvakawanda
kupinda zvandingatsanangure.
12Kazhinji kandakatarisana norufu,
asi ndakapunyuka pamusana poruzivo irworwo.
13Vanotya Mwari vachaponeswa
nokuti chivimbo chavo chiri muna iye ane simba
rokuvaponesa.
14Anotya Mwari haana chaanotya,
haadederi nokuti Mwari ndiye
waanovimba naye.
15Akakomborerwa zvake uyo anotya Mwari
ndiani waanovimba naye?
Ndiani anomusimbisa?
16Ziso raMwari riri pana vanomuda,
ndiye Samasimba anovadzivirira nokuvasimbaradza,
anovadzivirira mhepo inopisa, uye nomumvuri wakavadzivirira
kuzuva ramasikati–sikati.
Ndiye anovagamha kana vodzadzarika
uye anovatsigira kana voda kuwa.
17Ndiye anovamutsa mwoyo, anovavhenekera meso nemwenje.
Ndiye anovarapa achivapa upenyu uye chikomborero.
Mipiro18Kupira mupiro wakawanikwa nomutoo usina kunaka
chinhu chinoshoreka.
Mipiro yavanhu vasina mutemo haifadzi Mwari.
19Wokumusorosoro haafariri mipiro yavasiri vanamati,
kuwanda kwezvibairo handiko kunoita kuti
aregerere zvitadzo.
20Zvakangoita munhu anouraya mwana, baba vake vachiona
ndizvozvowo zvinoita munhu anopira chibairo
chaatorera murombo.
21Chokudya chishoma zvacho ichocho
ndicho upenyu hwavarombo
uyo anovabvutira muurayi.
22Kubira mumwe chinomuraramisa kumuuraya,
kunyima mushandi mubayiro wake kudeura ropa.
23Kana muchiti uyu anovaka, uku mumwe ari kupaza,
chamunowana chiiko,
kusiya kuneta chete nebasa?
24Kana muchiti uku mumwe ari kunamata,
uku mumwe ari kurengerera rushambwa
Mwari woteerera upi ipapa?
25Kana munhu akabata chitunha, akageza, ndokuchibatazve;
kugeza kwake kwamubatsirei?
26Ndizvo zvino munhu anotsanya kuti apfupire zvitadzo zvake,
asi iye woendazve kundopara zvitadzo zvimwechetezvo;
kunamata kwake kuchanzwika nani?
Chaawana nokuzvidukupisa kwake chii?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.