Sira 34 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviroto

1Munhu asingafungi, anovimba nechitarisiro

chisina maturo,

zviroto zvinopa benzi mapapiro.

2Munhu anovimba nezviroto

kana munhu anodzingirira mhepo

akafanana nomunhu anoedza kubata mumvuri.

3Mukurota pane zvinhu zviviri zvinotarisana uso nouso,

sezvinoita uso hwomunhu nehwemuchiringiriro.

4Hapana chakachena chingabude mutsvina

nechokwadiwo hachingabudi mumanyepo.

5Kukandira hakata namashura nezviroto

zvinhu zvisina maturo

zvakafanana nepfungwa dzisina chirimo

dzomukadzi arwadziwa napamuviri.

6Usaite hanya nazvo,

kusatoti zvatumwa noWokumusorosoro sokushanyirwa.

7Zviroto zvakanyengedza vazhinji

uye vakavimba nazvo vakakundika nazvo.

8Mutemo unogona kuchengetwa zvizere,

pasina unyengedzi hwakadai.

Mumuromo womunhu akatendeka ndimo

munobuda ungwaru uzere.

Nzendo

9Munhu akafamba nyika zhinji anozivawo zvizhinji,

nouyowo akaona zvizhinji anotaura zvina maturo.

10Uyo asina chati chamuedza anozivawo zvishoma,

asi munhu akafamba anowana mazano.

11Munzendo dzangu ndakaona zvakawanda

ndinonzwisisa zvakawanda

kupinda zvandingatsanangure.

12Kazhinji kandakatarisana norufu,

asi ndakapunyuka pamusana poruzivo irworwo.

13Vanotya Mwari vachaponeswa

nokuti chivimbo chavo chiri muna iye ane simba

rokuvaponesa.

14Anotya Mwari haana chaanotya,

haadederi nokuti Mwari ndiye

waanovimba naye.

15Akakomborerwa zvake uyo anotya Mwari

ndiani waanovimba naye?

Ndiani anomusimbisa?

16Ziso raMwari riri pana vanomuda,

ndiye Samasimba anovadzivirira nokuvasimbaradza,

anovadzivirira mhepo inopisa, uye nomumvuri wakavadzivirira

kuzuva ramasikati–sikati.

Ndiye anovagamha kana vodzadzarika

uye anovatsigira kana voda kuwa.

17Ndiye anovamutsa mwoyo, anovavhenekera meso nemwenje.

Ndiye anovarapa achivapa upenyu uye chikomborero.

Mipiro

18Kupira mupiro wakawanikwa nomutoo usina kunaka

chinhu chinoshoreka.

Mipiro yavanhu vasina mutemo haifadzi Mwari.

19Wokumusorosoro haafariri mipiro yavasiri vanamati,

kuwanda kwezvibairo handiko kunoita kuti

aregerere zvitadzo.

20Zvakangoita munhu anouraya mwana, baba vake vachiona

ndizvozvowo zvinoita munhu anopira chibairo

chaatorera murombo.

21Chokudya chishoma zvacho ichocho

ndicho upenyu hwavarombo

uyo anovabvutira muurayi.

22Kubira mumwe chinomuraramisa kumuuraya,

kunyima mushandi mubayiro wake kudeura ropa.

23Kana muchiti uyu anovaka, uku mumwe ari kupaza,

chamunowana chiiko,

kusiya kuneta chete nebasa?

24Kana muchiti uku mumwe ari kunamata,

uku mumwe ari kurengerera rushambwa

Mwari woteerera upi ipapa?

25Kana munhu akabata chitunha, akageza, ndokuchibatazve;

kugeza kwake kwamubatsirei?

26Ndizvo zvino munhu anotsanya kuti apfupire zvitadzo zvake,

asi iye woendazve kundopara zvitadzo zvimwechetezvo;

kunamata kwake kuchanzwika nani?

Chaawana nokuzvidukupisa kwake chii?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help