2 Samueri 22 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaDhavhidhi(Nzi 18)

1Dhavhidhi akadetemba mazwi erwiyo urwu kuna Tenzi paakununurwa naTenzi mumaoko avavengi vake vose nomumaoko aSauro achiti:

2Tenzi ndiye bako rangu,

ndiye nhare nomununuri wangu.

3Mwari wangu ndiye bako rangu,

maari ndimo mandinopotera.

Ndiye nhoo yangu,

simba noruponeso rwangu.

Ndiye shongwe yangu yakakwirira,

muponesi wokundinunura mumadzudzo.

4Ndinodaidzira kuna iye anofanira kurumbidzwa, Tenzi;

ndinobva ndatonunurwa ini kune vanondivenga.

5Nokuti masundesunde orufu akandikomberedza,

mharadzi dzikati neni momoto semafashamo emvura.

6Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakanditi koche koche,

mariva orufu akandigaririra.

7Munhamo yangu iyi ndakachema kuna Tenzi.

Ndakachema kuna iye Mwari wangu,

muTemberi yake iye akanzwa izwi rangu,

kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.

8Nyika yakadedera ikandengendeka,

nheyo dzedenga dzikazunguzika dzikatetemera

nokuti akanga ashatirwa.

9Akafemeruka utsi mumhuno dzake,

rimi romoto rikavavaya, mukanwa make,

mukabuda mazimbe anobvira moto.

10Akabvarura denga akaburuka,

gore dema riri pasi petsoka dzake.

11Akati pakerubhu karakata akabhururuka,

akaonekwa achibhururuka mumhepo.

12Rima raive rakamutenderedza,

akariita chokuhwanda nacho,

makute edenga matematema chaiwo emvura aya.

13Pamusana pokupenya kwaiva mberi kwake,

mazhenje omoto wemheni aivaima.

14Tenzi akadhiriridza mudenga umu,

izwi raNyadenga rikariridza.

15Akakanda miseve vakati dzvamu kutiza,

nayo mheni vakati ware kutiza.

16Makoronga omugungwa akaoneka,

pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha.

17Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora,

akandinyurura mumvura zhinji.

18Akandinunura kuvavengi vangu vane simba

kuna vaindivenga,

nokuti vaiva nesimba kupinda ini.

19Vakandivinga pazuva renhamo dzangu,

asi Tenzi ndiye akava musimboti wangu.

20Akandiburitsamo akanditi panhandare tendhe,

akandinunura nokuti anondifarira.

21Tenzi akandipa mubayiro,

maererano nokururama kwandinako,

akandidzorera zvinofambiranawo,

nokuchena kwandakaita maoko;

22nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTenzi;

handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari,

23nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose,

mirawo yake ndisingaifuratire.

24Kwaari iye handina chinoshoreka.

Ndakazvichengeta ndisina mhosva.

25Ndokusaka andidzorerawo

maererano nokururama kwandinako

zvichifambiranawo nokuchena kwangu mukuona kwake.

26Kune akatendeka, imi makatendeka,

kune akarurama, imi makarurama.

27Kune ane mwoyo wakanaka imi makanaka,

asi kune ane muitiro wakakombama,

imiwo munobva mavava.

28Munonunura vanotambudzika,

asi munotsvukisira meso vanozvikudza,

kuti muvaorore.

29Sezvo imi Tenzi murimi mwenje wangu,

imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima;

30nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi,

ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka.

31Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama,

zvinotaurwa naTenzi ndezvechokwadi,

inhoo yevose vanopotera kwaari.

32Ndiani Mwari, kunze kwaTenzi?

Ndiani bako, kunze kwaMwari wedu?

33Mwari iyeyu ndiye diziro rangu

akaita kuti nzira yangu ive yakarurama.

34Makumbo angu anoaita seengururu,

kunyange pamangoringori ndinomira.

35Anondidzidzisa kurwa hondo

zvokuti kunyange uta hwendarira

maoko angu anogona kutatamura.

36Ruponiso rwenyu ndonhoo yamakandipa,

nokuzvirereka kwenyu makaita kuti ndive mukuru mukuru.

37Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru

zvokuti tsoka dzangu kutsvedzemuka hadzina.

38Ndakaronda vavengi vangu ndikavaparadza,

kufuratira, ndakatozofuratira vapera kuti dhu.

39Ndakavazhanya ndikavapwanya-pwanya

zvokutadza kana kumuka,

vakati rakata pasi petsoka dzangu.

40Nokuti simba rokurwa hondo makandipa

mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire.

41Vanondivenga makaita kuti vanditi ware kutiza

vanondivenga ndikavaparadza.

42Vakaparapatika kutsvaka

vokuvanunura vakamushaya,

kuna Tenzi kwanga kusinawo mhinduro.

43Ndakavakuya-kuya vakaita sehuruva yevhu

Ndikavatsika-tsika ndikavakanya-kanya sedhaka munzira

44Makandinunura mumhirizhonga yevekwangu

mukaita kuti ndirambe ndiri musoro wendudzi dzavanhu,

vanhu vandakanga ndisingambozivi vakandishandira.

45Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba,

vachiti vakangonzwa chete nezvangu vonditeerera.

46Vatorwa vakarasa mwoyo,

nokukurumidza vakauya vachidedera.

47Tenzi mupenyu iye bako rangu, ngaarumbidzwe,

ngaatunhidzwe Mwari wangu,

ndiye bako rinondiponesa.

48Mwari anonditsivira

anondiisira ndudzi pasi pangu.

49Makandipunyutsa kuvavengi vangu.

Makandisumudzira pamusoro pevavengi vangu,

mukandinunura kuvanhu vehondo.

50Naizvozvo ndinokurumbidzai iyemi Tenzi

mukati mendudzi dzisingakuzivei

ndichaimba ndichirumbidza zita renyu.

51Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo,

anoitira mwoyochena muzodzwa wake

Dhavhidhi nezvizvarwa zvokwake narini wose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help