2 Samueri 9 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

MHURI YADHAVHIDHI NEZVINETSO ZVAYOMwoyochena waDhavhidhi kuna Mefibhosheti

1Dhavhidhi akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena pamusana paJonatani?”

2Zvino kwakanga kuno mumwe muranda weimba yaSauro ainzi Zibha, vakamudaidza kuti auye kuna Dhavhidhi. Mambo akamubvunza kuti, “Ndiwe Zibha here? Iye akati, ‘Ndiye uno muranda wenyu changamire.’ ”

3Mambo akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena waMwari?” Zibha akati kuna mambo, “Hongu kuchino mwanakomana waJonatani akaremara tsoka dzose dziri mbiri.”

4Mambo Dhavhidhi ndokubva ati kwaari, “Zvino ari kupiko?”

5Zibha ndokuti kuna mambo, “Ari kuRodhebhari, kumba kwaMakiri, mwanakomana waAmieri.”

6Mefibhosheti, mwanakomana waJonatani mwana waSauro, akauya kuna Dhavhidhi akasvikomugwadamira achimuremekedza. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti,” Iye akati, “Ndini muranda wenyu changamire.”

7Dhavhidhi akati kwaari, “Usatye zvako nokuti zvokukuitira mwoyochena ndinofanira kukuitira mwoyochena chaizvo pamusana pababa wako Jonatani. Ndichadzosera kwauri minda yose yokwaSauro vasekuru vako, uyezve uchange uchidya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.”

8Iye akamugwadamira kumuremekedza akati, “Ko iyeni muranda wenyu ndiri chiiwo zvangu, kwamuri iyemi, imbwawo zvangu yakafa kudai, wamungabva matarisawo kudai.”

9Mambo akadaidza Zibha muranda waSauro akamuti, “Zvose zvokwaSauro nemhuri yake yose ndazvipa kumwanakomana watenzi wako.

10Zvino iwe navanakomana vako navaranda vako munofanira kumurimira munda muchimuigira zvinobva mumundamo kuitira kuti mwanakomana watenzi wako awane chokudya. Asi Mefibhosheti uyu mwanakomana watenzi wako achange achidya chokudya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navana vakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri.

11Zibha akati kuna mambo, “Changamire mambo, zvose zvamati ini muranda wenyu ndiite ndozvandichaita.” Nokudaro Mefibhosheti akazenge ava kudya pamwechete naDhavhidhi pateburu yake sezvakangoitawo mumwe mwanakomana wamambo.

12Mefibhosheti aiva nomwana muduku mukomana ainzi Mika. Vose vaigara mumusha waZibha vakabva vava varanda vaMefibhosheti.

13Naizvozvo Mefibhosheti akagara muJerusaremu nokuti ainge achidya pamwechete namambo pateburu yake. Izvozvo akanga akaremara makumbo ake ose ari maviri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help