1Anotsividza, Mwari achamutsividzawo,
uye zvitadzo zvake zvichanyatsoyeukwa.
2Regerera mumwe wako zvaanokutadzira,
zvitadzo zvako zvicharegererwawo kana wonamata.
3Munhu akachengetedza ruvengo kuno mumwe
angatsvake kurapwa kuna Mwari here?
4Munhu asina tsitsi nomumwe wake akaita saiye,
angakumbire kuregererwa zvitadzo zvake here?
5Munhu, chisikwa zvacho chenyama,
kana achipfundira ruvengo;
angakumbirire munhu wakadaro
kuti aregererwe zvitadzo zvake ndiani?
6Yeuka mugumo wako usiyane noruvengo;
tondera rufu nokuora uchengete mitemo.
7Yeuka mitemo urege kuchengetedza daka nomumwe wako;
tondera chitenderano choWokumusorosoro,
ukanganwire mumwe wako
zvikanganiso zvake.
Bopoto8Nzvenga nharo navanhu
kutadzira kwako Mwari kunova kushoma
nokuti munhu wehasha, anomutsa nharo.
9Mutadzi anomutsa nharo pakati peshamwari,
achipinza ruvengo mukati mavawadzani.
10Moto unowanda nokuwandawo kwehuni
sokuomarara kunenge kwakaita gakava
ndokupisawo kunoita nyaya yacho,
kuwanda kwehasha dzomunhu kunofambirana nokuwanda
kwesimba raanaro.
Nokuwandawo kwoupfumi hwomunhu,
hasha dzakewo dzinowanda.
11Nharo dzechivhurumukira dzinopfuta moto,
nharo dzechibvuribvuri dzinodeurisa ropa.
12Ukafutidza kamoto, kanopfuta,
ukakapfira mate, kanodzima,
zvose zviri zviviri zvinoitwa nomuromo wako.
Rurimi13Huyakwose ina makuhwa,
ngaiwane chinoiwana
nokuti yakaparadza vazhinji vaiwadzana.
14Munhu weguhwa anonyonganisa vazhinji,
anoita kuti vapote nayo nyika;
anoparadza maguta ane tsvingo,
anopazawo dzimba dzavakuru–vakuru.
15Muzvinhaguhwa anosiyisa vakadzi vakashinga misha yavo
achivasiyisa mibairo yamabasa avo.
16Ukateerera guhwa, haumbowana zororo,
uye, hauzombofa wakagarikana.
17Chiwepu pachinorova panozvimba,
asi rurimi runotyora mapfupa.
18Vazhinji vakauraiwa nebakatwa,
asi havasviki pane vakafa pamusana porurumi.
19Zvake uyo akadzivirirwa kwaruri,
asina kumbonzii zvake nehasha dzarwo,
asinawo kubopwa pajoko rarwo,
uye asina kusungwa nengetani dzarwo,
20nokuti joko rarwo ijoko resimbi,
uye ngetani dzarwo ndedzendarira.
21Rufu rwarunounza rufu rwakaipa,
guva riri nani panorurimi.
22Rurimi harutonge vanamati,
moto warwo hauvapisi.
23Avo vanofuratira Mwari vanowira mumaoko arwo,
runopisa mukati mavo, ruchiva moto usingadzimiki
ruchasasadzirwa kwavari seshumba,
rugovaita kanyama kanyama sengwe.
24Sokudyara kwaunoita minzwa uchikomberedza
musha wako nokuchengetedza zvakanaka kwaunoita sirivha
nendarama yako;
25zvigadzirirewo chikero chokupima nacho mazwi ako,
ugadzirire muromo wako gonhi rine chihuri.
26Chenjera kuti urege kukanganisa norurimi rwako,
ungadaro ukawira mumaoko omunhu akakugaririra.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.