Johani 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Jesu mugirepisi wechokwadi

1“Ini ndini mugirepisi wechokwadi

Baba vangu ndivo murimi.

2Bazi rimwe nerimwe risingabereki muchero vanoribvisa.

Uye bazi rimwe nerimwe rinobereka muchero,

vanoripemhena kuti ribereke muchero wakawanda.

3Imi makatonatswa nokupemhenwa

nezwi randakakutaurirai.

4Garai mandiri

neniwo ndichigara mamuri.

Bazi zvarisingakwanisi kubereka

muchero nokwaro roga

risina kubatanidzwa nomugirepisi

ndizvozvowo zvinemi

hamukwanisi kubereka muchero

kana musiri mandiri.

5Ini ndini mugirepisi

imi ndimi mapazi acho.

Anogara mandiri

ndichagarawo maari

iyeyo ndiye anobereka muchero wakawanda,

nokuti musineni hapana chamunogona kuita.

6Kana munhu asingagari mandiri

akaita sebazi rakadimburwa, rinouna.

Mapazi akadai anounganidzwa

okandwa mumoto opiswa.

7Mukaramba muri mandiri

mazwi anguwo akaramba ari mamuri

kumbirai zvenyu chamunenge muchida muchachiitirwa.

8Baba vangu vanorumbidzwa nezvizvi

zvokuti mubereke michero yakawanda

muchiratidza nazvo kuti muri vadzidzi vangu.

9Sokundida kwakaita Baba

ndokukudaiwo kwandakaita.

Rambai muri murudo rwangu.

10Kana mukachengeta mitemo yangu,

mucharamba muri murudo neni

sokuchengetawo kwandakaita mitemo

yaBaba vangu ndinoramba ndiri murudo navo.

11Ndataura izvi kwamuri

kuti rufaro rwangu

ruve mamuri uyewo kuti

rufaro rwenyu ruzare.

12“Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti:

Idanai sokukudai kwandakaita.

13Hakuna rudo runopfuura urwu

rwokuti munhu anofira shamwari dzake.

14Muri shamwari dzangu

kana muchiita zvandinokuudzai.

15Handicharamba ndichikutii varanda

nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake

asi ndava kukutii shamwari

nokuti ndakakuzivisai

zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu.

16Hamuna kundisarudza,

asi ini ndini ndakatokusarudzai

ndikakupai basa rokuti

muende mundobereka muchero

uye kuti muchero wenyu uve unogara

kuti chipi nechipi

chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei.

17Mutemo wandinokutemerai ndouyu wokuti, idanai.

Ruvengo runobva kuvanhu venyika

18“Kana pasi pachikuvengai,

zivai kuti pakandivengawo

pasati pakuvengai imi.

19Dai muri vapasi pano,

pasi pangadai pachitokudai savanhu vapo.

Asi pamusana pokuti hamusi vapasi pano,

uye nokuti ndakakutsaurai kubva pasi pano,

ndokusaka pasi pachikuvengai.

20Rangarirai izwi randakutaurirai

rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake.

Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo.

Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu.

21Zvose izvozvi vachazviita kwamuri pamusana pangu

nokuti akandituma havamuzivi.

22Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari,

vangadai vasina chitadzo;

asi mhosva yechitadzo ichocho

hapana pavachainzvenge napo.

23Anondivenga anovengawo Baba vangu.

24Dai ndisina kumboita pakati pavo

mabasa asina kumboitwa nani nani zvake,

vangadai vasina chitadzo.

Asi zvino vakaaona

vakabva vatovenga ini pamwechete naBaba vangu.

25Izvi zvinozadzisa zvakanyorwa mumutemo wavo

zvokuti, ‘Vakandivenga ini ndisina mhosva.’

26Asi Mubatsiri kana auya,

wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba

iyeyo Mweya Wechokwadi

anobva muna Baba; iye achandipupurira.

27Kana imiwo muri zvapupu

nokuti makanga muineni kubvira pakutanga.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help