1 Nhoroondo 21 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

C: ZVOKUGADZIRIRA KUVAKWA KWETEMBERIKuverengwa kwakaitwa vanhu naDhavhidhi(2 Sam 24:1–25)

1Satani akamirisana neIsiraeri akaisa muna Dhavhidhi mumwewo mweya wokuverenga vaIsiraeri.

2Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu mutungamiriri wehondo yake, “Enda uverenge vaIsiraeri kubvira kuBheerishebha kusvikira kwaDhani uzonditaurira ndigoziva kuti kune vanhu vangani.”

3Asi Joabhu akati, “Hongu zvazvo, dai Tenzi awedzera vanhu kazana kakazanirana kupfuura zvavari kuri zvino! Asi nhai changamire mambo, ko inga vanhu vose ivava varanda venyu wani, changamire. Zvino madireiko kuita chinhu chakadai? Madirei kuparira Isiraeri mhosva yakadai?”

4Zvakataurwa namambo ndizvo zvakatozobudirira pane zvaJoabhu. Ipapo Joabhu akabva paye akabvongodza Isiraeri yose akazodzokera kuJerusaremu.

5Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandi hwavanhu hwakadai izvi: KwaIsiraeri kwose kwaiva nemiriyoni imwechete ine zana rezviuru zvavarume vokurwa namapakatwa, kwaJudha kuine mazana ezviuru ane zviuru makumi manomwe avarume vokurwa namapakatwa.

6Asi haana kunge averenga vokwaRevhi nevokwaBhenjamini pamwechete navo nokuti chirevo chamambo chakaramba kunyatsopinda Joabhu mumwoyo.

Denda nokuzoregererwa kwakaitwa vanhu

7Asi Mwari haana kufadzwa naizvozvi izvi akabva arova Isiraeri neshamhu yokuranga.

8Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru kwazvo nezvandakaita izvi. Zvino ndateterera, ndiregerereiwo chitadzo changu ini muranda wenyu nokuti zvandakaita izvi ndezvoupenzi chaizvo.”

9Mwari akati kuna Gadhi muoni wokwaDhavhidhi,

10“Enda uti kuna Dhavhidhi zvanzi naTenzi sarudza chaungaite pazvitatu izvi zvandiri kukupa.”

11Nokudaro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akamuti, “Zvanzi naTenzi, sarudzai chamungade; mungade here kuti muno munyika yenyu muve namakore matatu enzara,

12kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti mazuva matatu muine pfumvu yebakatwa raTenzi muno munyika yenyu murohwe nedenda, mutumwa waTenzi abvongodze nyika yose yeIsiraeri achiparadza. Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.”

13Dhavhidhi ndokuti kuna Gadhi, “Inga ndazotambura zvino. Rega zvako ndirangwe zvangu naTenzi nokuti ngoni dzake dzakawanda kwazvo. Asi zvokuti munhu ave iye wokundiranga, aiwa.”

14Saizvozvo Tenzi akarova Isiraeri nedenda, kukafa varume vokwaIsiraeri zviuru makumi manomwe.

15Mwari akatuma mutumwa wacho kuJerusaremu kundoriparadza. Paakanga zvino oda kuti achiriparadza, Tenzi achizvionawo, akanyevenuka mwoyo akarega kuwana chakaipa chaakazovaita. Akati kumutumwa akanga achiita basa rokuparadza wacho, “Zvakwana chirega.” Izvozvo mutumwa iyeyo akanga amire pedyo neburiro raOrinani wechiJebhusi.

16Dhavhidhi akatarisa akaona mutumwa waTenzi amire muchadenga, pakati pedenga napasi muruoko akabata bakatwa rakatoburitswa muhara akarinangisa paJerusaremu, ndokubva iye Dhavhidhi navakuru vakuru vapfeka hanzu dzamasaga ndiye nouso pasi zvambarara.

17Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Inga wani ndini ndakati kuverengwe vanhu. Ndini ndakatadza ndakaita zvakaipa kwazvo. Ko hwai idzika dzakapareiwo? Ndapota zvangu nhai Tenzi, Mwari wangu. Dai mukachiranga ini nevemba yokwababa vangu, murege zvenyu kuonesa nhamo vanhu ava.”

Kuvakwa kweatari

18Mutumwa waTenzi akatuma Gadhi kundotaurira Dhavhidhi kuti iye Dhavhidhi akwire andovakira Tenzi atari paburiro raOrinani wechiJebhusi.

19Nokudaro Dhavhidhi akaendako sokutaura kwakanga kwaitwa naGadhi achizvitaura nezita raTenzi.

20Izvozvo Orinani akanga achipura zvake koroni. Akati tarisei onei mutumwa, vana vavo vakomana vavaiva navo vakabva vandohwanda.

21Dhavhidhi akasvika kuna Orinani. Orinani akati tarisei ndokuona Dhavhidhi akabva paburiro akandoti pana Dhavhidhi uso pasi kota kota kuri kuombera mambo.

22Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Ndipewo chidzengerere ichi choruware urwu kuti ndivakirepo Tenzi atari munditengesere zvenyu nemari yacho chaiyo yakakwana kuitira kuti denda rimiswe kuvanhu.”

23Orinani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Torai zvenyu changamire mambo muite zvenyu zvamunoda. Chionaika ndinokupaiwo mombe dzomupiro wokupisa nehuni dzacho nezvirhei zvokupirisa izvi nekoroni yomupiro wembesanwa. Zvose izvozvo ndini ndichabvisa.”

24Asi mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Kwete, nokuti zvokutenga ndinofanira kutotenga nemari yakakwana. Handifanire kupira kuna Tenzi zvenyu zvandinenge ndakutorerai kana kupira mipiro yokupisa yepachena.”

25Saizvozvo Dhavhidhi akapa Orinani mazana matanhatu emari yemashekeri yendarama yakaerwa yokutenga chidzengerere ichocho.

26Dhavhidhi akavakira Tenzi atari ipapo akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamupindura nomoto wakabva kudenga akatungidza mupiro wokupisa paatari.

27Tenzi akabva audza mutumwa uya, mutumwa akadzorera bakatwa rake muhara maro.

28Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Tenzi amupindura paruware rwaOrinani muJebhusi akapirapo zvibayiro zvake.

29Chaivapo ndechichi chokuti, tendhe rinoera raTenzi riya rokugadzirwa naMosesi murenje neatari yemipiro yokupisa zvakanga zvichiri kuGibheoni panzvimbo yakatunhumara yokuteurira panguva iyoyo.

30Asi Dhavhidhi apa haana kukwanisa kuendako kundonzwa kuti Mwari anoti kudii nazvo pamusana pokuti aitya bakatwa romutumwa waTenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help