Sira 49 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Josiya

1Kurangarira Josiya kunonhuhwira sorusenzi

rwanyatsogadzirirwa navazivisisi vezvezvinonhuhwira.

Kumurangarira kunotapira sokutapira kwouchi mukanwa,

kunonakidzawo sokuimba pamabiko panonwiwa waini.

2Akatevera gwara rakanaka rokupindura vanhu.

Akabvisa chose unyangadzi hwakan'ora.

3Akaisa mwoyo wake muna Tenzi.

Panguva yakwakanga kusina zvokutevera mutemo,

iye akakurudzira zvokunamata.

Madzimambo navaporofita vokupedzisira

4Dhavhidhi naHezekiya

naJosiya ndivo voga, vakateerera Mwari,

mamwe madzimambo ose akatadzira Mwari zvakanyanya

nokuti vakafuratira mutemo woWokumusorosoro.

Madzimambo okwaJudha akabva aguma,

5nokuti akapa vamwe simba rahwo,

akapawo mbiri yahwo kune venyika yevechirudzi.

6Vakapisa guta reNzvimbo Inoera

rakanga rakasarudzwa naMwari;

migwagwa yaro yakasara isisina nomunhu wose,

sokufanotaurwa kwazvakanga zvaitwa naJeremiya.

7VaJudha vakambomuonesa nhamo,

kunyange zvake akanga afanosarudzwa naMwari achiri

munhumbu yaamai vake, kuti ave muporofita

kuti adzure, arwadzise uye kuti aparadze

uye kuti avake nokusima.

Ezekieri

8Ezekiyeri ndiye akaona chioneso chaipenyesesa,

chaakaratidzwa naMwari chiri

nechokumusoro kwengoro yamakerubhu.

9Nokuti Mwari akayeuka vavengi vake akavatumira dutu remvura,

akabatsira vaitevera nzira kwayo.

10Mapfupa avaporofita gumi namaviri

ngaatungirezve paakaradzikwa,

nokuti vakanyaradza vokwaJakobho,

vakavanunura nechitarisiro chakaperera.

Zerubhabheri

11Tingarumbidze Zerubhabheri nomutoo upiko?

Akaita ringi riri muruoko rworudyi.

12Ndizvowo zvaiva naJoshuwa mwana waJozadhaki.

Pamazuva avo, vakavaka imba yaMwari

vakavaka patsva Temberi inoera yaMwari,

yakavakirwa kupa mbiri nokusingaperi.

Nehemiya

13Nehemiya ndiye mumwe asingafaniri

kukanganwikwa nokusingaperi

nokuti ndiye akavakiridza rusvingo rwakanga rwapazwa,

akamisawo misuo mikuru ine zvihuri,

akavaka patsva dzimba dzedu.

Kutarira shure

14Hakuna akasikwa pasi pano angaenzane naEnoki,

nokuti ndiye akatorwa achibva pasi pano.

15Hakuna ati azvarwa akaita saJosefi akava

mutungamiri wamadzikoma ake nomutsigiri worudzi rwake;

mapfupa ake akaremekedzwa.

16Shemu naSeti vakaremekedzwa pakati pavanhu,

asi ari pamusoro pezvisikwa zvose zvinoupenyu ndiAdhamu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help