Nziyo 86 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Munamato kana zvinhu zvaipaMunamato waDhavhidhi.

1Rerekerai nzeve yenyu TENZI

mundipindurewo,

nokuti ndiri murombo uye handina chokubata.

2Ndichengetedzeiwo nokuti

ndiri munamati wenyu.

Ndinunureiwo ini muranda wenyu

anovimba nemi, ndimi Mwari wangu.

3Ndinzwireiwo ngoni TENZI,

nokuti ndinochema kwamuri

zuva rose.

4Ndinyevenutseiwo mwoyo

ini muranda wenyu,

nokuti ndinochema kwamuri, TENZI

5nokuti imi, TENZI, makanaka

uye munoregerera,

munoitira mwoyochena vakawanda

kuna vanodana kwamuri.

6Rerekerai nzeve yenyu TENZI kumunamato wangu

inzwaiwo chichemo changu.

7Pazuva rokutambudzika kwangu

ndinodanidzira kwamuri

nokuti imi munondipindura.

8Hapana akaita semi, TENZI

pakati pavamwari,

kana mabasa akaita seenyu.

9Marudzi ose amakasika

achauya achizokugwadamirai TENZI

achirumbidza zita renyu;

10nokuti imi muri mukuru

uye munoita zvinoshamisa,

imi moga ndimi Mwari.

11Ndidzidziseiwo nzira dzenyu TENZI

kuti ndifambe muchokwadi chenyu;

ndipeiwo mwoyo mumwechete pakutya zita renyu.

12Ndinokutendai TENZI Mwari wangu

nomwoyo wangu wose

uye ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi

13nokuti mwoyochena wenyu kwandiri wakawanda;

makandinunura pasi pasi munzvimbo yavakafa.

14Vanhu vanozvikudza

vandimukira Mwari,

chikwata chamadzenga

chinoda kundiuraya

havana hanya nemi.

15Asi imi TENZI

muri Mwari ane tsitsi,

ane mwoyo wakanaka.

Mune mwoyo murefu;

mune mwoyochena wakawanda

uye makatendeka.

16Tendeukirai kwandiri

mundinzwirewo ngoni.

Ndisimbaradzeiwo ini muranda wenyu.

Mundinunurewo ini mwana

womurandakadzi wenyu.

17Ndiitireiwo chinoratidza

kuti munofadzwa neni

kuitira kuti vanondivenga

vazvione vanyadziswe,

nokuti imi TENZI

munondibatsira nokundinyaradza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help