Isaya 49 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rumbo rwechipiri rwomuranda waMwari: Isiraeri chiedza kumarudzi evanhu

1Nditeererei munzwe

imi nyika dzokumahombekombe,

munzwe imi ndudzi dzavanhu

dzokurekure

Tenzi akandidaidza ndichiri munhumbu

akanditumidza zita

ndiri munhumbu mamai vangu.

2Akaita kuti

muromo wandinotaura

unge bakatwa rakapinza

akandihwandisa mumumvuri weruoko rwake.

Akandiita museve wakakwenenzverwa

akandihwandisa mumukutu wake.

3Akanditi,

“Iwe ndiwe muranda wangu

iwe Isiraeri

uchaita kuti ndidhumhe mbiri.”

4Asi ini ndakati,

“Inga ndakashandira pasina

ndakapedzera simba pasina,

nezvinhu zvisina maturo ose.

Asi changu ini chiri muna Tenzi,

nomubayiro wangu

una Mwari wangu.”

5Saka zvino zvanzi naTenzi,

iye akandiumba ndichiri mudumbu

kuti ndizova muranda wake

wokudzosera vokwaJakobho kwaari

kuti Isiraeri izoungana kwaari

nokuti ini ndiri munhu anoremekedzeka

kuna Tenzi,

uye Mwari ndiye simba rangu,

6iye anoti,

“Chinhu chiduku nhai

chokuti iwe uve muranda wangu,

wokumutsa rudzi rwekwaJakobho

nokudzosera pakare

vacho vakachengetedzeka vokwaIsiraeri.

Inga ndichaita kuti

uve sechiedza kumarudzi evanhu kuitira

kuti ruponeso rwangu

rusvike kwakaperera nyika chaiko.”

7Zvanzi naTenzi,

iye Mununuri weIsiraeri

iye Anoera wayo

kuna iye anozvidzwa zvokupedzesera

anosemwa namarudzi evanhu,

iye muranda wevatongi

achiti,

“Madzimambo achakuona vakasimuka

machinda vachakupfugamira

pamusana paTenzi akatendaka

Anoera waIsiraeri akakusarudza.”

Kumutsiridza guta reJerusaremu

8Zvanzi naTenzi,

“Ndichakupindura panguva kwayo

pazuva roruponeso ndichakubatsira

ndichakuchengeta.

Ndichaita kuti uve mumiriri wevanhu vose

ndichiita chitenderano changu navo

chokuvadzosera nyika

uye vagogoverwa

nhaka yakanga yadai kuparara

9uye kuti uti vasungwa vabude muusungwa,

vari murima vabude pachena.

Vachafura zvavo,

munyasi memigwagwa mikuru

uye pamitunhu yakatunhumara isina miti

ndopavachafurira zvavo

10havachazonzwa nzara kana nyota,

kunyange mhepo inopisa nezuva

hazvizovatumhisa,

nokuti iye anovada kwazvo

achavatungamirira

achivasesedza nokuzvitubu zvemvura.

11Ndichaita kuti pamakomo angu pose

pave nomugwagwa,

uye migwagwa yangu mikuru

ichaitwa kuti itanhuke.

12Tarisai muone

vamwe vachabva kure,

vamwe vachibva kuchamhembe

nokumadokero, vamwewo vachibva

kunyika yeAsiwani.”

13Imbai norufaro imi matenga

upembere iwe nyika,

tsemurai mumhanzi imi makomo

nokuti Tenzi

ava kunyaradza vanhu vake

nokunzwira tsitsi

vanhu vake vari munhamo.

14Asi guta reZioni rakati,

“Tenzi akandifuratira

Tenzi wangu, akandikanganwa.”

15“Mudzimai angakanganwe here

mwana wake achiri kuyamwa,

achitadza kuva netsitsi

nomwana akabva munhumbu make?

Kunyange zvazvo ivava vakakanganwa

asi ini handizokukanganwi.

16Chinzwa unzwe

ndakaita zvokukutemera senyora

muzvanza zvamaoko angu,

tsvingo dzako

dzinogara dziri mupfungwa dzangu.

17“Vana venyu vava kupitipidza kudzoka

vaikuparadzai vava kubudidzana kuenda.

18Simudzai musoro mutarise kwose kwose

muone kuti vari kuungana vose zvavo

vachiuya kwamuri.

Hezvino ndakudai ini Tenzi,

ndinoti vose zvavo vachatoti

pauri nyerere sezvishongo,

sezvinoita muroora pamuchato

kusungirira hanzu

ndozvauchaita kuunganidza pauri vana vako.

19“Kunyange zvazvo nzvimbo dzemako

dzakanga dzarozvwa chaizvo

dzasara dzava matongo,

ivhu rako rasakadzwa;

uye zvino uchanyatsova kamanimani

zvokuti vagari vemako

vanenge vasisakwane,

vaya vakambokuzhanya

vachange vava kure kure.

20Vana vakaberekwa

nguva yenhamo yako

vachakutaura uchinzwa kuti,

‘Nzvimbo iyi yaita diki kwandiri,

ndiwanisewo pokugara pakati kurei;’

21iwe ndopauchati nechomumwoyo,

‘Ko ndiani akandiberekera ivava?

Inga ndakanga ndafirwa ini

ndisisabereke,

ndakanga ndatopwa ini

ndachinzi hangu uko njo,

ko akazorera ivava ava ndiani?

Zvamunoona ndakasiyiwa ndava ndoga,

ko ava vabva nepiko?’ ”

22Zvanzi naTenzi Mwari,

“Chinzwa,

ndichasumudza ruoko rwangu

kumarudzi avanhu,

ndichininira kundudzi dzavanhu.

Vachauya vakatakura

vanakomana mumaoko,

vanasikana vako

vari pamapfudzi.

23Madzimambo achave

madzibaba okukuchengeta

vanavahosi vavowo

vari vanamaiwo vokukurera.

Vachati uso pasi kota kota

vachikuremekedza,

vachizvirereka zvokutonanzva

guruva retsoka dzako.

Ndopaunobva wazoziva kuti

ini ndini Tenzi

vose vanovimba neni

havazonyadziswa.”

24Ko chawira mumaoko

eane simba chingabvutwe here

kana kununura nhapwa

dzomutongi ane utsinye

25nokuti zvanzi naTenzi,

“Kunyange chawira mumaoko

meane simba chichabvutwa,

nhapwa dzichinunurwa

kumutongi ane utsinye

nokuti ndicharwisana nevanokurwisa

ndichanunura vana vako.

26Ndichaita kuti ivo vanokudzvanyirira

vadye nyama yomuviri wavo,

vachadhakwa neropa ravo ivo

sevadhakwa newaini.

Ndopachaziva munhu wese

kuti ini Tenzi ndini Muponesi wako,

Muponesi wako noMununuri wako

iyeni Samasimbaose waJakobho.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help