Rwiyo 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Kunaka here ikoko

kwakaita tsoka dzako dziri mushangu;

mwanasikana wejinda chaiye,

izvo zvidya zvako kuurungana kwazvo,

ungati zvishongo zvebasa remhizha.

2Guvhu rako, mukombe wakafuturwa,

waini haishaikwi mariri.

Iro dumbu rako hausi murwi zvawo here wekoroni,

wakatenderedzwa namaruva amariri!

3Iwo mazamu ako ari maviri,

ungati zvimhuru zviviri zvemhara,

mapatya chaiwo emhara.

4Mutsipawo uyu unenge shongwe zvayo

yenyanga dzenzou,

maziso acho ungati madziva emvura okuHeshobhoni

ari pedyo nesuo guru reBhatirabhimu.

Mhuno yako ungati ishongwe yokuRebhanoni

yakatarisana neDhamasikusi.

5Musoro wako unouti twi

segomo reKameri.

Bvudzi racho kusvibira kwazvo sohute;

mambo chaiye anoti tarazaza kukanhamiswa

netsama dzevhudzi rako.

6Hakusi kunaka ikoko kwawakaita

chido chemwoyo wangu,

iwe unofadza.

7Iwe wakanyatsoti twi somuti womurara

mazamu ako ari iwo zvisumbu zvawo.

8Ndakati regai ndikwire muti womurara

ndibatirire pamapazi awo.

Dai mazamu ako aya,

kwandiri aita sezvisumbu zvamagirepisi;

kunhuwirira kwefemo rako,

kuite samaapuru.

9Uye kutsvoda kwako kuite

sewaini yakanakisisa

inonyatsodzika iwe,

ichiyerera zvayo

pamusoro pemiromo namazino.

MWENGA

10Ini ndiri womudiwa wangu

chaanoda chaicho ndini.

11Uya hako mudiwa wangu,

handei kuminda

tindogara hedu kumamisha.

12Ngatifumirei kumunda wamagirepisi

tindoona kuti migirepisi yakatungira here

uye kuti maruva emugirepisi azaruka here

uyezve kuti mipomegiraniti yava namaruva here.

Ikoko ndichakuitira zvorudo.

13Mamandirekisi ava kuburitsa

kunhuwirira kwawo,

pamisuo yedu inongova michero yoga,

yakanakisisa yorudzi norudzi

mitsva nemitsaru

yandakuwarikira zvako,

iwe wangu wapamwoyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help