1Kuzoti chibvumirano ichi chaitwa, Risiyasi akadzokera kuna mambo, vaJudha ndokuenda zvavo kuminda yavo.
2Asi mamwe magavhuna munzvimbo dzakasiyana siyana vaiti: Timoti naAporonuisi mwanakomana waGenausi pamwechete naHeronimusi naDhemofoni pamusoro paivava kwaivawo naNikanori gavhuna weSaipurasi vakanga vasingadi kuti vaJudha vave norunyararo norugare.
3Zvino pane vamwe vanhu vokuJopa vakaita chimwe chinhu chakaipa kwazvo chakadai: vakakoka vaJudha vavaigara navo pamwechete namadzimai avo navana vavo kuti vakwire mumagwa avakagadzirira sokunge pasina mwoyo wokuvenga vaJudha.
4Izvozvi zvakaitwa nesarudzo yechibvumirano cheguta rose. VaJudha pavakabvuma, pamusana pokuti vaida kugarisana navamwe zvakanaka vasina chavanonyumwa; vanhu veJopa vakavatora vakaenda navo kugungwa vakavanyudza, vakanyudza vanhu vaipfuura mazana maviri.
5Judhasi paakanzwa nezvoutsinye ihwohwo hwakaitirwa vanhu vokwake, akataurira vanhu vake zvaaida kuti zviitwe
6akanamata kuna Mwari Mutongi akarurama, akarwisa mhondi dzehama dzake. Akapisa nomoto paisvikira ngarava nousiku, akapisa magwa acho akauraya vanhu vose vakanga vahwanda imomo.
7Pamusana pokuti misuo mikuru yeguta yakanga yakazarirwa akamboti dzokerei zvake aine pfungwa yokuzouyazve otsvaira vanhu vose vomuJopa.
8Asi paakaziva kuti vokuJamunia vaidawo kutsakatisa vaJudha vavaigara navo nenzira imwecheteyo,
9akarwisa vanhu veJamunia nousiku akaroromesa nomoto paisvikira ngarava nengarava dzacho zvokuti chiedza chomoto wacho chakaonekwawo nokuJerusaremu riri chinhambwe chinosvika makiromita makumi mashanu namaviri ane mamita mazana masere.
Kuenda kwaJudhasi kuGireadhi10Pavakanga zvino vafamba chinhambwe chainge choda kusvika makiromita maviri vachienda kundorwisa Timoti, vakarwiswa navaArabhu vaipfuura zviuru zvishanu vakanga vaina mazana mashanu avarwi vamabhiza.
11Mushure mokurwisana zvakaomarara kwazvo, Judhasi navarwi vake vakavakurira norubatsiro rwaMwari. Vanhu ivava vokuti apa garei tamei apa garei tamei vakakurirwa vaya vakateterera Judhasi kuti avatsidzire ushamwari navo ivo vachimuvimbisawo kumupa zvipfuwo nokuzobatsirawo vanhu vake mune zvimwe zvose zvose izvi.
12Judhasi zvaakafunga kuti vanhu ivavo vangazobatsirawo chaizvo mune zvimwe zvakawanda, akabvuma kuwadzana navo. Kuzoti vagamuchira zvakanga zvatsidzwa naJudhasi vakasumuka vakaenda kumatendhe kwavo.
13Akarwisawo rimwe guta rakanga rakavakirirwa zvakasimba netsvingo nemidhuri makanga muchigarwa nevechirudzi vakasiyana–siyana. Rainzi Kasipini.
14Vanhu vaiva mukati maro, pamusana pokuvimba nokusimba kwakaita tsvingo dzaro nokuwanda kwakanga kwakaita zvokudya zvaivamo, vakadadira zvikuru kwazvo Judhasi navanhu vake. Vaivanyomba vachitoshona naMwari wose vachitaura zvinhu zvakan'ora.
15Asi Judhasi navarwi vake vakadaidzira kuMutongi Mukuru wapasi pano pose, akakurira guta reJeriko nguva yaJoshua asina zidanda rokupazisa naro rusvingo nemichina yehondo. Vakabva vaita savapenga nehasha kumhanyira kurusvingo.
16Nokuda kwaMwari, vakakurira guta iroro vakauraya vanhu vasingataurike kuwanda zvokuti zidziva guru raiva padyo nepo raiita mamita mazana mana nokuraudza rakanga roonekwa sokunge rava kufashukira neropa.
Kukurirwa kwakaitwa Timoti naJudhasi17Vakafamba rwendo rwamakiromita zana namakumi mashanu namaviri vabva kuKasipini ndokubva vasvika kuKarakisi munyika yavaJudha vanonzi vokwaTobhia.
18Havana kuwana Timoti mudunhu iroro nokuti akatenge atobva kare mudunhu imomo asina chaakakwanisa kuita kunyange zvazvo mune imwe nzvimbo akanga asiya aisa chikwata chakasimba kwazvo chavarwi.
19Dhositeusi naSosipeta, vakanga vari vakuru vakuru vokuhondo vaiva pasi paMakabheusi, vakaenda vakaparadza varwi vaya vakanga vasiyiwa naTimoti munhare iya yokuzvidzivirira nayo muhondo vaitodarika gumi rezviuru zvavarume.
20Asi Makabheusi akaronga hondo yake muzvikwata akaisa vamwe vanhu vokutungamirira zvikwata izvozvo, ndokukurumidza kuronda Timoti akanga aina varwi vetsoka zana namakumi maviri ezvuru, navarwi vamabhiza vaiita zvuru zviviri zvina mazana mashanu.
21Timoti paakaziva kuti Judhasi ari kuuya, akatumira vakadzi navana nenhumbi uyewo nezvinhu kune imwe nzvimbo inonzi Karinaimu. Akadaro nokuti nzvimbo iyoyo yakanga isiri nyore kuikomba uye kuti yakanga isingasvikiki navanhu pamusana pokuti kumativi ose mikana yacho yokusvikapo yakanga yakamanikana.
22Asi pakasvika, chikwata chaJudhasi chokutanga mhandu yakabatwa nokudedera nokutya nokuzviratidza kwakanga kwoita iye muoni wazvose kwavari. Vakabva vati dzvamu dzvamu kutiza ndokubva vapera kutsvairwa kwose kwose zvokuti vakange vongokuvadzana ivo pachavo vobayiwa nemiromo yemapakatwa avo.
23Judhasi akabvawo okwinyirira kwazvo kuvaronda nesimba rose achiuraya vatadzi ivavo nmapakatwa. Akaparadza vanhu vakawanda vaitosvika makumi matatu ezviuru.
24Timoti pachake akawira mumaoko maDhositeusi naSosipeta navarwi vavo. Akavateterera nounyengedzi hwakadzama chaizvo kuti vamurege aende zvake zvakanaka nokuti akanga aina vabereki vavazhinji vavo muhusungwa pamwechete nehama dzevamwe vacho achiti vakasadaro hapana aizoitirwa tsiye nyoro.
25Akataura ataurazve mashoko akawanda okusimbisisa chitsidzo chake chokuti achavadzosera vasina chavawana, vakabva vamurega achienda zvake vachiitira kuti vanunure hama dzavo.
Kudzokera kwaJudhasi kuJerusaremu26Judhasi akaenda kundorwisa guta reKarinaimu pamwechete netemberi yaAtarigatisi akauraya vanhu zviuru makumi maviri nezvishanu.
27Mushure mokunge vakurira vaparadza ivava, vakaenda kundorwisa Efuroni guta rakanga riine tsvingo, maigara Risiyasi nemhomho yavanhu vamarudzi ose ose zvawo. Mamwe majaya, zvigwindiri chaizvo akandomira kumberi kworusvingo vachirwa semvumba chaidzo kudzivirira pakanga pakaunganidzwa michini yehondo nezvokukandisa matombo zvaivapo.
28Asi vaJudha vakachema kuna iye Mwari Mutongi anoparadza nesimba vavengi ndokubva vakurira guta iroro vakauraya vanhu vakawanda vaisvika zviuru makumi maviri ane zvishanu vaivamo.
29Vakabva ipapo vakakurumidza kuenda kuSitoporisi guta riri chinhambwe chinoita makiromita zana namakumi maviri kubva kuJerusaremu.
30Asi vaJudha vaigara imomo pavakapa umboo hwokuti vanhu vomuSitoporisi vaiva nomwoyo wakanaka kuvaJudha uye kuti vaivaitira zvakanaka panguva yenhamo,
31Judhasi navanhu vake vakatenda vanhu ivavo vakavakurudzira kuti mune ramangwana varambewo vaine mwoyo wakadaro kurudzi rwavo. Vakakwira kuJerusaremu sezvo Mazuva Makuru aMavhiki akanga ava kusvika.
32Mushure meZuva Guru rePendekositi vakamhanyira kundorwisa Jojiasi gavhuna wokuIdhumea.
Kukurirwa kwaJojiasi33Jojiasi akavabudira aine varwi vetsoka zviuru zvitatu navarwi vamabhiza mazana mana.
34Pavakatanga kurwisana zvakaitika kuti vamwe vaJudha vashoma vakafa.
35Mumwe murume anonzi Dhositeusi, mumwe wavanhu vaBhasenoro akanga akatasva bhiza ari murume chaiye akasimba akandoti Jojiasi nepabhachi apa kachi ndokumukwekweretsa zvine simba achida kutora munhu wakanyombwa uyu ari mupenyu. Mumwe wevarwi vemabhiza wechiTiretia akaminyura kwazvo kuna Dhositeusi akamudimura ruoko Jojiasi ndokubva atizira kuMarisa.
36Esidhirisi navarwi vake sezvavakanga vaita nguva ndefu vachirwa vatoneta, Judhasi akachema kuna Tenzi kuti azviratidze seshamwari nomutungamiriri mukurwa hondo.
37Akashaura rwiyo rwengondo mururimi rwamadzitateguru ake nenziyo ndokufuta varwi vokwaJojiasi vakavarayirwa akavadzvamutsa.
Muteuro wokunamatira vakafa38Judhasi akaunganidza hondo yake akaenda nayo kuguta reAnduramu. Musi weSabata sezvawakanga wava kusvika, ivo vakazvichenura maererano netsika yavo vakachengeta Sabata ikoko.
39Pazuva ramangwana racho vakaenda kuna Judhasi sezvo chakanga chava chinhu chinofanira kuti chiitwe panguva iyoyo chokuti zvitunha zvavakanga vafa zvindotorwa zviuyiwe nazvo kuzovigwa pamwechete nehama dzavo mumakuva amadzibaba avo.
40Mukati megemenzi romunhu wese wavakafa ivavo vakawana muine tumwe tunhu tunoera twaimiririra chifananidzo chainamatwa kuJamunia zvisingabvumirwi pamutemo kuti vaJudha vapfeke. Zvakabva zvava pachena kumunhu wose kuti izvozvi izvi ndozvakanga zvakonzera kuti vanhu ivavo vafe.
41Naizvozvo vakarumbidza nzira dzaTenzi Mutongi akarurama anoburitsa pachena zvinhu zvakavandika.
42Vakabva vatendeukira kumunamato vachiteterera kuna Mwari kuti chitadzo ichochi chidzimwe. Judhasi munhu anoremekedzwa akakurudzira chaizvo vanhu kuti vasiyane nechitadzo nokuti vakanga vazvionerawo nemeso avo zvakanga zvaitika pamusana pechitadzo chavakanga vafa vaya.
43Akaita kuti munhu woga woga abvise mari yomupiro. Pakawanika mari yesirivha yemadhirakima inoita makumi masere amakirogiramu ana makirogiramu masere kurema. Akaitumira kuJerusaremu kuti ive yechibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo. Ichi chiito chakarurama chinofanira kuremekedzwa chaakaita chaakaratidza nacho kuti vakafa vachamuka.
44Ndinodaro nokuti dai akanga asingatarisire kuti vakafa vachamuka, chingadai chaive chiri chinhu chisina zvachinobatsira uye choupenzi kunamatira vakafa.
45Asi kana pfungwa dzake dzaiva kune zvomubayiro wakanakisisa wakamirira vanofa vari mumaoko maMwari iyoyi yaiva pfungwa inoera uye younamati. Naizvozvo akapira mupiro wokupfupira zvitadzo zvavakafa ivavo kuti vanunurwe muchitadzo chavo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.