Ezekieri 34 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Vafudzi veIsiraeri

1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Iwe mwanakomana womunhu porofita wakanangana navafudzi veIsiraeri, porofita uti kwavari, kuvafudzi ivava uti, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Nhaimi vafudzi veIsiraeri, imi munozvifudza zvenyu. Vafudzi havafaniri kufudza hwai here?’

3Munodyaka imi mafuta muchizvipfekedza zvenyu newuru, muchiuraya zvenyu hwayana dzakakodzwa asi kufudza hwai musingafudzi.

4Dzakarukutika hamuna kudzisimbisa, dzinorwara hamuna kudzirapa, dzakatyoka makumbo hamuna kudzisunga kasekete, dzinotetereka hamuna kudzidzora, dzakarasika hamuna kudzitsvaga. Uye makadzitonga nechisimba nehasha.

5Naizvozvo dzangopararira zvadzo pamusana pokuti pakanga pasina mufudzi dzikava zvadzo chokudya chezvikara zvose zvesango.

6Hwai dzangu dzakapararira, dzakateterekera mumakomo mose nomuzvikomo zvose zvirefu. Hwai dzakapararira nenyika yose dzisina anodzironda kana kudzitsvaka.

7“Naizvozvo imi vafudzi chinzwai shoko raTenzi.

8Zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, pamusana pokuti hwai dzangu dzakava zvadzo nyama, hwai dzangu dzakava chokudya chezvikara zvose zvesango pamusana pokuti pakanga pasina mufudzi uye pamusana pokuti vafudzi vangu havana kutsvaka hwai dzangu asi vafudzi vakatozvifudza ivo pachavo asi hwai dzangu havana kudzifudza,

9naizvozvo imi vafudzi chinzwai shoko raTenzi;

10zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chionai ndanangana navafudzi. Wandichabvunza wacho ndivo vafudzi. Ndichavamisa kufudza hwai dzacho zvokuzvifudza ivo vafudzi zvichapera. Ndichanunura hwai dzangu pamiromo yavo kuitira kuti dzirege kuva chokudya chavo.’

Mufudzi wakanaka

11“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, chionai, ini iyeni pachangu ndini ndicharonda hwai dzangu ndidzitsvake.

12Sezvinongoita mufudzi anotsvaka hwai dzake kana dzimwe dzapararira ndizvozvo zvandichaita kutsvaka hwai dzangu. Ndichadzinunura munzvimbo madzakapararira, pamusi wamakuti nerima rakati kwirindindi.

13Ndichadziburitsa mukati memarudzi ndichidzikokorodza mudzinyika uye ndichadziunza munyika yadzo. Ndichadzifudzira mumakomo eIsiraeri nomuzvitubu zvemvura nomunogara vanhu mose zvamo munyika iyoyi.

14Ndichadzifudzira pamafuro akanaka uye napamusoro pamakomo marefu eIsiraeri pachange pari pamafuro adzo. Imomo dzicharara mumafuro akanaka, dzichifura mumafuro chaiwo manyoro mumakomo eIsiraeri.

15Ini ndini ndichafudza hwai dzangu, ndini ndichadzirarisa pasi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

16Dzinenge dzarasika ndichidzitsvaka ndichadzora dzinenge dzatetereka, dzinenge dzakuvara ndichidzisunga kasekete, dzinenge dzarukutika ndichidzisimbaradza. Asi dzakakora nedzakasimba ndichadzitarisa ndichidzifudza noruenzaniso.

17“Kana zviri zvenyu imi danga rangu, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ini ndichatonga pakati pehwai nehwai napakati pehondohwe nezvikotora.

18Hazvikwane here kwamuri kuti mufure mumafuro akanaka zvamunobva matsokodzera zvenyu mafuro mamwe ose netsoka dzenyu? Hazvikwane here kwamuri kuti mumwe mvura yakachena, zvamunobva mabvongodza imwe yose namakumbo enyu?

19Hwai dzangu dzinofanira kudya zvamunenge matsokodzera netsoka dzenyu nhai, dzichinwa mvura yamunenge mabvongodza henyu namakumbo enyu?

20“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari kwavari, chinzwai, ini iyeni ndichatonga pakati pehwai yakakora nehwai yakaonda.

21Imi zvamunosairira norutivi nebendekete muchibaya ndonda dzose nenyanga dzenyu kusvikira dzachiti mwarara kunze,

22ndichanunura danga rangu hadzizovizve nyama yamagora, ndichatonga pakati pehwai nehwai.

23Ndichadziisira mufudzi mumwechete. Achadzifudza, iye muranda wangu Dhavhidhi. Iyeyo ndiye achava mufudzi wadzo.

24Ini Tenzi ndini ndichava Mwari wavo, muranda wangu Dhavhidhi ariwo jinda pakati pavo. Ini Tenzi ndini ndazvireva.

25Ndichaitirana navo chitenderano chorugare ndigobvisa munyika zvikara zvesango kuitira kuti dzigozogara hadzo murenje pasina chinodziwana dzichirara zvadzo mumasango.

26“Ndichaita kuti idzo nenharaunda yapachikomo changu zvive chikomborero. Ndichatumira mvura inonaya nomwaka wayo. Mvura yacho inonaya ichava chikomborero.

27Izvozvo miti yomusango ichabereka michero yayo, nyika ichaberekawo michero yayo, vachagara pasina chinovawana. Vachaziva zvavo kuti ndini Tenzi pandichatyora zvikei zvejoko ravo ndichivanunura mumaoko mavanhu vanovaita varanda.

28Havachazovizve nyama yemagora kumarudzi avanhu kana kuparadzwa nemhuka dzomunyikamo. Vachagara havo pasina chinovawana pasinawo chinovatyisa.

29Ndichavaita kuti vave nenzvimbo yokurima ine mukurumbira zvokuti havazombopararizve neshangwa yenzara munyika imomo kana kuzonyarazve nokusveeredzwa namarudzi.

30Ndipo pavachaziva kuti ini Tenzi, Mwari wavo ndinavo uye kuti ivo vemba yaIsiraeri, vanhu vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

31Imimi ndimi hwai dzangu, hwai dzomumafuro angu. Iniwo ndini Mwari wenyu” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help