Jobhu 19 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mhinduro yaJobhu kuna Bhiridhadhi.Nhamo yangu iri kubva kuna Mwari

1Jobhu akapindura achiti,

2“Kusvikira riniko chokwadi

muchindirwadzisa kudai

nokundisakadza namazwi kudai?

3Rwatosvika rugumi rwose muchindinyomba.

Hamunyari here imi kundiitira zvakaipa?

4Dai kuri kuti ndakakanganisa zvechokwadi

mhosva yacho ndeyanguka ini.

5Kana imi mavakutoita zvokuzvionesa kwandiri

muchitosevenzesa kuninipiswa kwangu

sechinhu chokuratidza nacho kuti ndine mhosva,

6mochizviziva kuti Mwari ndiye akandipiya

akandimbundira namambure ake.

7Ini ndikapopota nezveutsinye hwakadai

hapana anondinzwa.

Ndinodanidzira asi ruenzaniso hapana.

8Akavaka panzira pangu rusvingo

zvokuti handikwanisi kupfuura,

akakwidibira nzira yangu nerima.

9Akandikurumura mbiri yangu

akandikutunura mumusoro ngundu yangu.

10Anondityoranisa kumativi ose

zvokuti ndaenda ini,

chitarisiro changu akachitipura somuti.

11Anondivirukira nehasha

achinditora semuvengi wake.

12Hondo dzake dziri kukokana

dzinouya dzakanangana neni

dzichikomba tendhe rangu.

Mwari akandiparadzanisa nehama dzangu

13“Akanditsauranisa navakomanavanun'una vangu.

Hama dzangu dzakapesaniswa neni.

14Hama neshamwari dzangu dzapamwoyo dzakandinyengedza

vanhu vokuziva chaivo vakatondikanganwa.

15Vari kuroja mumba mangu vakandikanganwa

vasikana vebasa wava kutondiona somusevenzi.

Mupfungwa dzavo ndatova mutorwa zvangu.

16Ndinodaidza musevenzi wangu

asi haadaviri,

ini ndini ndavakutoita zvokumuteterera.

17Kamweya kandava nako kava kunhuwa kumudzimai wangu,

ndava kusemesa kuvana vamai vangu chaivo.

18Kunyange vana vaduku vavakundishora,

ndikati ndisimukewo vanondisveeredza.

19Shamwari dzangu dzose chaidzo dzavakundisema

chaivo vangu vapamwoyo vavakundipandukira.

Chichemo changu kunemi vanhu

20“Mapfupa angu aomererana neganda;

aomererana nenyama yangu.

Ndichatopona napaburi retsono chaipo.

21Ndinzwireiwo tsitsi, ndinzwireiwo tsitsi

imi shamwari dzangu.

Ruoko rwaMwari rwandirova.

22Ko munodireiko kundironda sezviri kuita Mwari?

Hamugutsikani here nokundishora zita kwamunoita?

23“Dai mazwi angu angonyorwawo,

adhindwa zvawo mubhuku.

24Zvinyorwe nepenzura yesimbi nomutobvu

zvitemerwe pabwe nokusingaperi.

Ndinoziva kuti Mununuri wangu Mupenyu

25“Ndinoziva kuti mununuri wangu mupenyu

pakuguma achamira pamusoro payo nyika.

26Mushure mokunge ganda rangu raora saizvozvi

ndisisiri mumuviri wangu ndichaona Mwari.

27Wandinozvionera iyeni,

ndichamuona pachangu namaziso angu kwete mumwe.

Mukati mangu umu ndapera nokuzvisuwira.

28Nokuti imi munoti tingamutambudze sei

mhosva tingaiwane sei maari.

29Munofanira kutya bakatwa rakakutarisai

nokuti hasha dzinounza kuranga kwebakatwa

kuti muzive kuti kutongwa kuripo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help