Nziyo 40 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi.Rwiyo rwokurumbidza nokukumbira rubatsiro

1Ndakamira ndamirirazve TENZI,

iye akarerekera kwandiri

akanzwa chichemo changu.

2Akandiburitsa mugomba rinounga,

kubva munhope yomunyakwe.

Akanditsikisa padombo

akatsigisa kufamba kwangu.

3Akaisa rwiyo rutsva pamuromo pangu,

rumbo rwokurumbidza Mwari wedu;

vazhinji vachazviona vakatya

vachizovimba naTENZI.

4Akakomborerwa munhu

anovimba naTENZI

asingatsaukiri kuna vanozvikudza,

kuvanhu vanoteterekera

kuna vamwari vasirivo.

5TENZI Mwari makatiitira zvinhu zvizhinji,

zvinhu zvinoshamisa zvamakatirongera.

Hapana angaenzaniswe nemi.

Dai kuri kuti ndinozviparidza ndichizvitaura

hazvaiverengeka.

6Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamunofarira

asi chamakandipa inzeve dzinonzwa.

Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo

hamuikumbiri.

7Ndipo pandakati, “Tarisai ndinouya

Mubhuku rokumononora makanyorwa

nezvangu muchinzi:

8‘Ndinofarira kuita kuda kwenyu, Mwari wangu

mutemo wenyu uri mumwoyo mangu.’ ”

9Ndakaparidza shoko rinofadza roruponeso

musangano guru.

Handina kumbomedza mate

sokuziva kwenyu TENZI.

10Handina kuvanza mumwoyo mangu

kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira.

Ndakataura nezvokutendeka kwenyu

nokununura kwenyu.

Handina kuvanza mwoyochena wenyu

nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru.

11Musarege henyu kundiitira tsitsi TENZI.

Nomwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu,

rambai muchingondichengeta.

12Nokuti nhamo dzisingaverengeki dzandimomotera,

zvitadzo zvangu zvandikunda

zvokutotadza kuona.

Zvakawanda kupinda vhudzi romusoro wangu.

Ndarasa mwoyo ini.

13Ngazvikufadzei TENZI kundinunura

Mwari chimbidzai kundibatsira.

14Vanoda kundiuraya ngavanyadziswe vadzungaire zvachose

vanoda kubvuta upenyu hwangu.

Ngavadzorwe vanyadziswe avo vanoda

kundikuvadza.

15Ngavakatyamare

pamusana pokunyara kwavo

vanondisveeredza vachiti,

“Tsvatu waro tsvatu waro.”

16Asi vose vanokutsvakai

ngavapembere nokufara mamuri;

vanoda ruponeso rwenyu

ngavarambe vachiti, “TENZI mukuru.”

17Asi iniwo zvangu ndiri murombo

nomunhu asina chaanacho.

Asi TENZI anondifunga;

ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu

musanonoke Mwari wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help