Amosi 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Teererai munzwe shoko iri

imi madzimai,

iyemi mhou dzokuBhashani

imika mumakomo okuSamaria,

imimi munodzvinyirira varombo,

iyemi munoonesa ndondo

vanhu vasina chavanacho,

munoti kuvarume venyu,

“Garai makatiwanisa doro tinwe!”

2TENZI Mwari apika nokuera kwake

achiti, “Chinzwai,

muchavingwa namazuva

pavachakutii kachi nezvirauro zvehove

muchiendwa nemi.

Kunyangewo wokupedzesera chaiye wenyu

acharaurwa nezvirauro.

3Muchaita zvokutobuda

namakapazika rusvingo,

mumwe nomumwe wenyu

napaakanangana napo

muchirasirwa kuMarara,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

Kuoma musoro kweIsiraeri

4“Uyai zvenyu iko kuBhetieri kwacho

muiteka zvitadzo,

muuye iko kuGirigari ikoko

mundonyanya kuita zvitadzo,

muchiendesaka zvibayiro zvenyu

mangwanani oga oga

nezvegumi zvenyu

pazuva retatu roga roga,

5pirai zvenyuka

chibayiro chacho chokutenda

chezvinhu zvine mbiriso.

Paridziraika zvenyu izvozvo

zvemipiro yokupa nechido,

muzvizuwidze

nokuti ndizvo zvamunoda

iyemi vanhu veIsiraeri!”

Ndizvo zviri kutaura TENZI.

6“Ndakakubatisai paura nenzara

mumaguta enyu ose zvawo

ndichikushayisai zvokudya

munzvimbo dzenyu dzose.

Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

7“Uyewo ini ndakamisa mvura

kuti irege kunaya kwamuri

ipo pachine mwedzi mitatu

kuti nguva yokukohwa isvike.

Ndaiti pane rimwe guta

ndonayisa zvangu mvura

pane rimwewo guta

ndorega kuinayisa,

mumwe munda uchiniwa nemvura

mumwewo unenge usina kunayiwa uchiuna.

8Nokudaro vamaguta maviri kana matatu

vaizodzungaira kuenda kuguta rimwechete

vachitsvaka mvura yokunwa

vasingawane mvura yakakwana.

Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

9“Ndakakuparadzirai mbesa dzenyu

nezvikukuve nechakuvhuvhu

ndikaita kuti zanzwe ramapindu enyu

neminda yenyu yamagirepisi

zvisare zvisisina chinhu,

michero yenyu yemionde nemiorivhi

zvikarozvwa nehwiza.

Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

10“Ndakatumira nhamo pakati penyu

sedzandakatumira kuIjipiti,

ndakauraya majaya enyu namapakatwa

pamwechete nokupamba mabhiza enyu

ndikaitawo kuti gutukutu

rapamusasa wenyu wamatendhe

rindimuke richiita gutukutu kunhuhwa

mumhuno dzenyu iyemi.

Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

11“Ndakatsakatisa vamwe venyu

sezviya zvakaita Mwari

achiparadza guta reSodhomu nereGomora.

Izvozvo imi mainge chitsiga chomoto

chaburwa mumoto.

Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

12“Naizvozvo iwe Isiraeri

izvozvo ndizvo zvandichaita kwauri,

pamusana pokuti ndichaita izvozvi kwauri

chigadzirira kusangana

naMwari wako, iwe Isiraeri!”

13Ndinodaro nokuti

iye anoumba makomo

anosikawo mhepo,

iye anozivisa munhu

zvaaronga mumwoyo make,

iye anoita kuti kusvibe iwo

achiri mangwanani zvawo

achinyatsotsika zvake

chaimo makakwirira menyika,

zita rake ndiYahweh,

Mwari wehondo nehondo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help