Isaya 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rwiyo rwomuporofita rwokuimbira munda waTenzi wemagirepisi

1Regai ndimboimbira zvangu shamwari yangu

rwiyo rwokuda kwaaiita munda wake wamagirepisi

Shamwari yangu iyi

yakanga iino munda wemagirepisi

pachikomo chakanyatsoorera kwazvo.

2Akauwunda akaubvisa mabwe ose

akasimamo miti yomugirepisi yakanakisisa kwazvo.

Akavaka dara renharirire mukati mawo

uye akachera garingiro rokusvinira magirepisi mariri

achiutarisira kuti uchabereka magirepisi,

asi wakamuberekera indye dzamagirepisi kuvava.

3“Zvino imi vagari veJerusaremu,

imi vanhu vokwaJudha

ndienzanisireiwo nyaya

iri pakati pangu ini Mwari

nomunda wangu wamagirepisi.

4“Pane chimwe here chandaifanira kuitira

munda wangu wemagirepisi

chandisina kuuitira?

Pandaiutarisira kuti ubereke magirepisi kwawo

wakazoberekerei indye dzamagirepisi kuvava?

5“Zvino chiregai ndikuudzei

zvandichaita kumunda wangu wamagirepisi.

Ndichapaza ruzhowa rwawo, ugorozvwa.

Ndichaputsa rusvingo rwawo

utsokodzerwe pasi.

6Ndichauita kuti usare

rangova zita chete kuti munda.

Handichaupemhena kana kuutimbira

Minzwa norukato ndozvichakura zvazvo imomo

Ndichaudzawo makore kuti

arege kunayisa mvura pauri.”

7Zvino ipapa apa munda wacho wamagirepisi

waTenzi wehondo nehondo,

ndiyo imba yaIsiraeri.

Vanhu ivava vomunyika maJudha,

ndivo vacho vaakanyatsosima

akatarisira ruenzaniso

asi wanei potodeurwa ropa zvapo

achitarisirawo kururama

asi inzwei mhere!

Uipi hwavanhu

8Zvichakuwanai imi,

munokumba dzimba nedzimba

nokuzviwanira munda nomunda

kudzamara pasisina kana nzvimbo

muchiita kuti mugare mangova zindoga

pakati penyika.

9Tenzi wehondo nehondo

akapika ini ndichinzwa nenzeve dzangu kuti,

“Dzimba huru dzakanaka idzi

dzichasara dzangova matongo asina munhu.

10Munda wamagirepisi unoita gumi remahekita kukura

uchange woita marita masere ewaini.

Pamabhagidhi mapfumbamwe embeu dzekoroni

pachakohwewa koroni inenge yoda kuzara bhagidhi.”

11Vane nhamo vanomukirira rungwanangwana

vachiteveredzana nedoro,

vachiti tatata naro

kusvikira pakati pousiku

kusvikira vapengeswa naro!

12Pamitambo yavo vanenge vaine

zvipendani nemadimbwa netambureni

nenyere newaini;

asi mabasa aTenzi

havana hanya nawo

kana kumbotarisawo zvavo

zvaakaita namaoko ake.

13Saka vanhu vangu vachatapwa

pamusana pokushaya kunzwisisa ikoko,

vanhu vavo vanoremekedzwa vacho

vachifa nenzara,

voruzhinji vachinzwiswa nenyota.

14Naizvozvo nzvimbo yavachakabvu

yava kumedzera mate

ichishama muromo wayo

zvakanyanyisa kwazvo

kuti imedze zvayo

vokumba huru vomuJerusaremu

pamwechete nevoruzhinji vacho

vezhowezhowe remo rokusasana.

15Vanhu vachadukupiswa

vanhu vachaninipiswa

navanhuwo vane mutarisiro wokuzvidza, vachaderedzwa.

16Asi Tenzi wehondo nehondo

acharumbidzwa nokutonga kwaanoita

iye Mwari Anoera acharatidza

kuera kwake nokuda kwoururami.

17Hwayana ndopadzichafura zvadzo

sokunge dziri kumafuro

zvipfuwo zvakakora nembudzana

zvichifura zvazvo mumatongo.

18Zvichakuwanai imi munotokweva zvenyu uipi

netambo dzounyengedzi

munokwekweretsana nechitadzo

netambo dzakaita sedzengoro

19muchiti,

“Ngaakurumidzeka,

ngaachimbidzike kuita zvaanoitazvo tione.

Zvaanoda kuti zvacho

iye Anoera wacho weIsiraeri

ngazviuyeka tizvizivewoka!”

20Zvichakuwanai imi munoti zvakaipa zvakanaka,

zvakanaka muchizviti zvakaipa

munosandura rima muchiriita chiedza

chiedza muchiita rima

muchiisawo zvinovava panzvimbo pezvinotapira

zvinotapira muchiisa panzvimbo pezvinovava.

21Vane nhamo vanozviona sevakangwara

vanhu vanozviona savakachenjera.

22Zvichakuwanai imi shasha

dzokunwa waini

imi zviradza zvokudiranisa

mhando nemhando dzehwahwa.

23Munopembedza ane mhosva

pamusana pepfumbamuromo,

munotadzisa munhu asina mhosva

kuwana zvaanofanira kuti ave nazvo.

24Naizvozvo sezvinongoita rimi romoto

rinopisa zvidzitsi,

uye sokumbombomera kunoita uswa murimi romoto,

sokudaro midzi yahwo ichaora

maruva ahwo agondimuka seguruva

nokuti vakaramba mutemo waTenzi

wehondo nehondo vakashora

shoko reAnoera weIsiraeri.

Hasha dzaMwari

25Ndokusaka Tenzi akavirukira

vanhu vake nehasha,

akavasimudzira ruoko rwake rune simba

akavarova,

makomo akandengendeka

zvitunha

zvavo zvikaita semarara

pakati pemigwagwa.

Kunyange zvakadaro zvazvo

hasha dzake hadzina kupora,

muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.

Mwari achadaidza vanhu vokuzorwisa Jerusaremu

26Achaninira kurudzi rwevanhu

ruri kure kure chaiko,

achivaridzira mheterwa

vari uko pasi kwenyika chaiko,

rudzi rwavanhu irworwo

runobva rwakasika kuuya.

27Pakati pavo hapana akaneta-neta

hapana anogamhina,

hapana anotsimwaira

kana anokotsira

kunyange mundya wakaregedzera

kana ane tambo dzeshangu

dzakadambuka.

28Miseve yavo yakarodzwa,

uta hwavo hwakakungwa,

matsiko emabhiza avo

akaoma sedombo romusarasara,

mavhiri acho chamupupuri chaicho.

29Kudzvova kwavo, shumba chaidzo

vanodzvova sevana veshumba

dzinohon'a dzigobata nyama yadzo

dzinoiti piku kutakura

kuenda pasina anogona kununura.

30Dzinoihon'erana pazuva iroro

sokutinhira kwegungwa.

Uchiti ukatarisa kunyika uku

unongoona rima chete nenhamo

nechiedza chachinzi kwirindindi

kudzikatidzwa nerima ravo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help